Shona

Romani: New Testament

Ezekiel

1

1Zvino negore ramakumi matatu, nomwedzi wechina, nezuva rechishanu romwedzi, ini ndiri pakati pavakatapwa parwizi rwaKebhari, kudenga kwakazarurwa, ndikaona zvandakaratidzwa zvaMwari.
2Nezuva rechishanu romwedzi, riri gore rechishanu rokutapwa kwamambo Jehoiakini,
3shoko raJehovha rakasvika kumupristi Ezekieri, mwanakomana waBhuzi, munyika yavaKaradhea, parwizi rwaKebhari; ruoko rwaJehovha rwakanga ruri pamusoro pake ipapo
4Ndikatarira, ndikaona dutu remhepo richibva kurutivi rwokumusoro, riri gore guru rinomoto wakangozvibatirira, rakakomberedzwa nokubwinya, nomukati maro, imo mukati momoto, mune chinhu chaipenya sedare.
5Zvino mukati mazvo mukabuda zvakanga zvakaita sezvipenyu zvina. Zvakanga zvakadai: Zvakanga zvakafanana nomunhu;
6chimwe nechimwe chaiva nezviso zvina, nechimwe nechimwe chazvo chaiva namapapiro mana.
7Makumbo azvo akanga akarurama, pasi petsoka dzadzo pakanga pakaita sapasi petsoka dzemhuru; dzaipenya sendarira yakabwinyiswa.
8Zvakanga zvina maoko omunhu pasi pamapapiro azvo kumativi azvo mana; zvose zviri zvina zvakanga zvakadai pazviso zvazvo namapapiro azvo:
9Mapapiro azvo akanga akabatana; hazvina kutsauka pakufamba kwazvo, asi chimwe nechimwe chairuramira mberi pakufamba kwacho.
10Kana zviri zviso zvazvo pakuonekwa kwazvo, zvaiva nechiso chomunhu; zvose zviri zvina zvaiva nechiso cheshumba kurutivi rworudyi; zvose zviri zvina zvaiva nechiso chenzombe kurutivi rworuboshwe; zvose zviri zvina zvaiva nechiso chegondobwe.
11Ndizvo zvakanga zvakaita zviso zvazvo; namapapiro azvo akanga zvakaparadzana kumusoro; mapapiro maviri echimwe nechimwe akanga akabatana, asi maviri akanga akafukidza muviri wazvo.
12Chimwe nechimwe chairuramira mberi pakufamba kwacho; kwaida kufamba mweya, ndiko kwazvaifamba; hazvina kutsauka pakufamba kwazvo.
13Kana zviri zvipenyu pakuonekwa kwazvo, zvakanga zvakafanana namazimbe omoto anopfuta, zvakafanana namazhenje; moto wairamba uchifamba pakati pezvipenyu; moto waipenya, nomukati momoto maibuda mheni.
14Zvipenyu zvaimhanya zvichidzoka, zvakafanana nokupenya kwemheni.
15Zvino ndakati ndichitarira zvipenyu izvo, ndikaona gumbo rimwe rengoro riri pasi kurutivi rwezvipenyu izvo, kurutivi rumwe norumwe rwezviso zvacho.
16Makumbo awo pakuonekwa kwawo nomuitirwo wawo zvakanga zvakafanana nebheriri; ose ari mana akanga akafanana; pakuonekwa kwawo napamuitirwo wawo zvakanga zvakaita segumbo rimwe riri mukati merimwe gumbo.
17Pakufamba kwawo akafamba kumativi awo mana; haana kutsauka pakufamba kwawo.
18Kana ari marimu awo, akanga akakwirira uye achityisa; marimu awo mana akanga azere nameso kose-kose.
19Zvino kana zvipenyu zvofamba, makumbo ofambawo parutivi rwazvo, kana zvipenyu zvokwidzwa zvichibva pasi, naiwo makumbo okwidzwawo.
20Kose kwaienda mweya, ndiko kwazvaienda, makumbo ndokukwidzwa pamwechete nazvo, nekuti mweya wechipenyu wakange uri mumakumbo.
21Kana izvo zvofamba, iwo ofamba; kana izvo zvomira zvichibva pasi, makumbo okwidzwa pamwechete nazvo; nekuti mweya wechipenyu wakange uri mumakumbo.
22Kumusoro kwemisoro yezvipenyu kwakanga kune chinhu chakafanana nedenga, rakanga rakaita sekiristaro inotyisa, rakatatamurwa pamusoro pemisoro yazvo.
23Pasi pedenga mapapiro azvo akanga akarurama, rimwe rakabatana nerimwe; chimwe nechimwe chazvo chakanga china mapapiro maviri aifukidza muviri wacho kurutivi rwowuno, nechimwe nechimwe chaiva namapapiro maviri aifukidza kurutivi rweseri.
24Zvino kana zvofamba, ndainzwa kuunga kwamapapiro azvo zvichiita sokuunga kwemvura zhinji, senzwi reane simba rose, somubvumo webope wakaita sokutinhira kwehondo; kana zvomira, zvaipeta mapapiro azvo.
25Kwakanga kunenzwi kumusoro kwedenga raiva pamusoro pemisoro yazvo; kana zvomira, zvaideredza mapapiro azvo.
26Kumusoro kwedenga rakanga riri pamusoro pemisoro yazvo, kwakanga kune chinhu chakafanana nechigaro chohushe, chaiita sebwe resafiri; pachinhu chakafanana nechigaro chohushe kwakanga kuno mufananidzo womunhu agere pamusoro pacho.
27Zvino ndakaona zvakaita sedare rinopenya, zvakafanana nomoto mukati mazvo kumativi ose, zvakabva pakaita sechiuno chake zvichikwira kumusoro; zvino kubva ipapo pakaita sechiuno chake zvichienda pasi ndakaona chakaita somoto; iye akanga akakomberedzwa nokubwinya kumativi ose.
28Sezvakaita murarawungu uri mugore nezuva remvura, ndizvo zvakanga zvakaita kubwinya pakuonekwa kwahwo kumativi ose. Ndizvo zvakanga zvakaita kubwinya kwaJehovha. Zvino ndakati ndichizviona, ndikawira pasi nechiso changu, ndikanzwa inzwi romumwe akanga achitaura.