1Rangarirai Jehovha, zvakatiwira; tarirai, muone kushorwa kwedu.
2Nhaka yedu yaenda kuvatorwa, nedzimba dzedu kune vokumwe.
3Tiri nherera navasina baba; madzimai edu akaita sechirikadzi.
4Takamwa mvura yedu tichiita zvokutenga nemari; huni dzedu takadzitengeserwa.
5Vanodzingana nesu vari pamitsipa yedu; taneta hatine zororo.
6Takatambanudzira ruoko rwedu kuna vaEgipita, nokuna vaAsiria, kuti tigute zvokudya.
7Madzibaba edu akatadza, zvino havachipo; isu takatakura zvakaipa zvavo.
8Varanda vanotibata ushe, hakuna angatirwira pamaoko avo.
9Tinozviwanira zvokudya zvedu upenyu bwedu huri panjodzi, nemhaka yomunondo uri kurenje.
10Ganda redu rasviba sechoto, nemhaka yokupisa kukuru kwenzara.
11Vakachinyira vakadzi paZiyoni, nemhandara pamaguta aJudha.
12Machinda akasungirirwa namaoko avo, vakuru havana kukudzwa.
13Majaya akatakura guyo, vana vakagumburwa nokurema kwehuni.
14Vakuru vakarega kusvika pasuwo, majaya akarega kuimba kwavo.
15Mufaro womoyo wedu waguma; kutamba kwedu kwashanduka kuchema.
16Korona yawa pamisoro yedu; tine nhamo! nekuti takatadza.
17Nemhaka iyi moyo yedu yapera simba, nemhaka yezvinhu izvi meso edu haachaoni zvakanaka;
18nokuda kwegomo reZiyoni, rava dongo; makava anofambapo.
19imwi Jehovha muripo nokusingaperi; chigaro chenyu choushe chiripo kusvikira kumarudzi namarudzi.
20Munotikangamwireiko nokusingaperi, munotirasireiko nguva huru yakadai?
21Tidzoserei kwamuri, Jehovha, ipapo tichadzoka; vandudzai mazuva edu ave sakare.
22Asi makatirasa chose here? Makatitsamwira zvikuru here?