1Haiwa, ndarama yasviba sei! Ndarama yakaisvo-naka yashanduka sei! Mabwe enzvimbo tsvene arashirwa pamharadzano dzenzira dzomuguta.
2Vanakomana vanodikamwa veZiyoni vakafanana nendarama yakaisvo-naka, haiwa vakanzi vakaita sezvirongo zvevhu sei, iro basa romuumbi wehari!
3Kunyange namakava anobudisa mazamu, achiyamwisa vana vawo; mukunda wavanhu vangu wava nehasha semhou murenje.
4Rurimi rwomwana unomwa runonamatira mumukamwa womuromo wake nenyota; vanana vanokumbira chingwa, asi hakuna munhu anovamedurira.
5Avo vaisidya zvinozipa,varaswa munzira dzomuguta; vairerwa vakafuka micheka mitsvuku, zvino votsivama pamaturunhuru.
6nekuti zvakaipa zvomukunda wavanhu vangu zvinopfuura zvivi zveSodhoma, iro rakaparadzwa kamwe-kamwe kusina maoko akaribata.
7Machinda aro akanga akapfuura chando nokunaka, akanga akachena kupfuura mukaka, akanga akatsvuka pamuviri kupfuura makorari, pakuonekwa akanga akaita sesafaya.
8Zviso zvavo zvasviba kupfuura mazimbe, havazikamwi munzira dzomuguta; ganda ravo rinonamatira mafupa avo, raoma, rafanana nedanda.
9Vakaurawa nomunondo vakaita nani kuna vakaurawa nenzara; nekuti ava vaonda, vabayiwa nokushayiwa zvibereko zveminda.
10Maoko avakadzi vaiva nomoyo munyoro akabika vana vavo, zvikava zvokudya zvavo pakuparadzwa komukunda wavanhu vangu.
11Jehovha akaita zvaakanga achida nokutsamwa kwake, akadurura hasha dzake huru; akabatidza moto paZiyoni, akapedza nheyo dzaro.
12Madzimambo enyika vangadai vasina kutenda, kunyange navose vagere panyika yose, kuti mudzivisi nomuvengi vachapinda pamasuwo eJerusaremu.
13Zvakaitwa nokuda kwezvivi zvavaporofita varo, nezvakaipa zvavapristi varo, vakateura ropa ravakarurama mukati maro.
14Vanodzungaira samapofu munzira dzomuguta, vakasvibiswa neropa, naizvozvo vanhu havagoni kubata nguvo dzavo.
15Vakadanidzira kwavari vachiti, Ibvai, makanora! Ibvai, ibvai, regai kutibata! Panguva yokutiza nokudzungaira kwavo, vanhu vakati pakati pamarudzi; Havangazogarizve pano vari vatorwa.
16Kutsamwa kwaJehovha kwakavaparadzira; haachavi nehanya navo; havana kurangarira vapristi, havana kukudza vakuru.
17Meso edu anongopera nazvino achitarira rubatsiro rwedu pasina; pakutarira kwedu takatarira rudzi rusingagoni kutiponesa.
18Vanoronda makwara edu, naizvozvo hatigoni kufamba munzira dzomuguta redu; kuguma kwedu kwava pedo, mazuva edu asvika, nekuti kuguma kwedu kwasvika.
19Avo vakadzingana nesu, vakamhanyisa kupfuura makondo okudenga; vakadzingana nesu pamakomo, vakatigarira murenje.
20Mweya wemhino dzedu, iye muzodzwa waJehovha, wakabatwa muhunza dzavo; iye watakati, Pamumvuri wake ndipo patichararama pakati pamarudzi.
21Farisisa, uve nomufaro, iwe mukunda weEdhomu, ugere panyika yeUzi; mukombe uchasvika kwauriwo; uchabatwa newaini ukazvifukura.
22Kurohwa kwezvakaipa zvako kwapera, iwe mukunda weZiyoni; haachazokutapisizve; iye achakurova pamusoro pezvakaipa zvako, iwe mukunda weEdhomu; iye achafukura zvivi zvako.