Shona

Romani: New Testament

Lamentations

3

1Ndini munhu akaona kutambudzika neshamhu yokutsamwa kwake.
2Akanditungamirira akandifambisa murima ndisina chiedza.
3Zvirokwazvo anogara achingondiramba zuva rose noruoko rwake.
4Akasakadza nyama yangu neganda rangu, akavhuna mafupa angu.
5Akandivakira rusvingo kuzorwa neni, Akandikomberedza nenduru nokurwadziwa.
6Akandigarisa panzvimbo dzinerima, savanhu vakanguva vafa.
7Akandikomberedza norusvingo, kuti ndirege kugona kubuda; akaremesa ngetani dzangu.
8Zvirokwazvo, kana ndichidana nokuridza mhere, anodzivisa munyengetero wangu.
9Akadzivira nzira dzangu norusvingo rwamabwe akavezwa, akakanganisa nzira dzangu.
10Kwandiri akaita sebere rinovandira, seshumba iri panzvimbo dzisingazikamwi.
11Akatsausa nzira dzangu, akandibvarura-bvarura, akandiita renje.
12Akakunga uta hwake, akandiita chinhu chokuposhera nomuseve.
13Akapinza miseve yegoba rake mutsvo dzangu.
14Ndava chinhu chinosekwa navanhu vangu vose, nechiimbo chavo zuva rose.
15Akandigutisa nezvinovava, akandimwisa gavakava.
16Akapedza meno angu norubwe, akandifukidza namadota,
17Makarashira mweya wangu kure norugare, ndakakangamwa kuti zvakanaka zvakadini.
18Ini ndikati, Simba rangu rapera, nezvandakanga ndakatarira kuna Jehovha.
19Rangarirai kutambudzika kwangu nenhamo yangu, iro gavakava nenduru.
20Mweya wangu uchangozvirangarira nazvino, uri kutambudzika kwazvo.
21Ndinozvifunga izvo, naizvozvo ndine tariro.
22Nokuda kounyoro hwaJehovha tigere kupedzwa, nekuti tsitsi dzake hadziperi.
23Mangwanani ose zvava zvitsva; kutendeka kwenyu kukuru.
24Jehovha ndiwo mugove wangu, ndizvo zvinotaura mweya wangu; naizvozvo ndichavimba naye.
25Jehovha anoitira zvakanaka vanomumirira, naiwo mweya unomutsvaka.
26Zvakanaka kuti munhu avimbe naJehovha, amirire ruponeso rwaJehovha anyerere,
27zvakanaka kuti munhu atakure joko rake achiri muduku.
28Ngaagare ari oga anyerere, nekuti ndiye akariisa pamusoro pake.
29Ngaaise muromo wake muguruva; zvimwe tariro ichipo.
30Ngaarinzire dama rake kune anomurova, ngaagute kushorwa.
31nekuti Ishe haangadzingi nokusingaperi.
32nekuti kunyange akachemedza, achanzwira tsitsi nokuwanda kwetsitsi dzake
33nekuti haatambudzi nomoyo wake, haachemedzi vana vavanhu.
34Kuti vasungwa vose venyika vatsikwe pasi petsoka,
35kuti zvakarurama zvomunhu zvikanganiswe pamberi peWekumusoro-soro,
36kuti munhu arege kururamisirwa pamhaka yake, Ishe haafari naizvozvo.
37Ndianiko angataura, zvikaitika, kana Ishe asingazvirayiri?
38Ko zvakaipa nezvakanaka hazvibudi pamuromo weWekumusoro-soro here?
39Ko munhu mupenyu anonyunyutirei, kana iye munhu achirohwa pamusoro pezvivi zvake?
40Ngatinzvere nokuedza nzira dzedu, titendeukirezve kuna Jehovha.
41Ngatisimudze moyo yedu namaoko edu kuna Mwari ari kudenga.
42Takadarika nokumumukira simba; imwi hamuna kutikangamwira
43Makazvifukidza nokutsamwa, mukadzingana nesu, makauraya, hamuna kunzwira tsitsi.
44Makazvifukidza negore kuti kurege kuva nomunyengetero ungapindapo
45Makatiita marara nezvinorashwa pakati pamarudzi avanhu.
46Vavengi vedu vose vakatishamisira miromo yavo.
47Kutya nehunza zvasvika kwatiri nokupedzwa nokuparadzwa.
48Ziso rangu rinoyerera nzizi dzemvura pamusoro pokuparadzwa komukunda wavanhu vangu.
49Ziso rangu rinodurura misodzi, hariregi, harigumi,
50kusvikira Jehovha achitarira achiona ari kudenga.
51Ziso rangu rinorwadzisa mweya wangu nemhaka yavakunda vose veguta rangu.
52Vakadzingana neni zvikuru seshiri, ivo, vanondivenga ndisina mhaka.
53Vakaparadza upenyu hwangu mugomba, vakakandira ibwe pamusoro pangu.
54Mvura zhinji yakafukidza musoro wangu; ndakati, Ndapera.
55Ndakadana zita renyu, Jehovha, ndiri mugomba rakadzika kwazvo.
56Makanzwa inzwi rangu; regai kundivanzira nzeve yenyu pakufema kwangu nokuchema kwangu.
57Makaswedera nezuva randakadana kwamuri, makati, Usatya.
58Ishe, imwi makandireverera mhaka dzomweya wangu, makadzikunura upenyu hwangu.
59Haiwa Jehovha, makaona kusaruramisirwa kwangu, nditongerei mhaka yangu.
60Makaona kutsiva kwavo kose, namano avo ose pamusoro pangu.
61Makanzwa kushora kwavo, Jehovha, namano avo ose pamusoro pangu,
62iyo miromo yavakandimukira nezvavakandifungira zuva rose.
63Tarirai kugara kwavo pasi nokusimuka kwavo; ndiri chiimbo chavo.
64imwi muchavatsiva, Jehovha, zvakafanira basa ramaoko avo.
65Muchavapa kuwoma komoyo, ndiko kutuka kwenyu pamusoro pavo.
66Muchadzingana navo makatsamwa, nokuvaparadza pasi pedenga raJehovha.