Shona

Romani: New Testament

Lamentations

2

1Ishe akafukidza sei mukunda weZiyoni negore rokutsamwa kwake! Akabvisa kunaka kwalsiraeri akazvikandira pasi, akasarangarira chitsiko chake nezuva rokutsamwa kwake.
2Ishe akaparadza ugaro hwose hwaJakove, akasanzwira tsitsi; pakutsamwa kwake akawisira pasi nhare dzomukunda waJudha; akadziwisira pasi; akamhura ushe namachinda ahwo.
3Nokutsamwa kukuru akagura nyanga dzose dzaIsiraeri, akadzosa ruoko rwake rworudyi pamberi pomuvengi akapisa muna Jakove somurazvo womoto unopedza zvose kumativi ose
4Akakunga uta hwake somuvengi, akamira noruoko rwake somudzivisi, akauraya vose vaifadza meso; akadurura kutsamwa kwake somoto patende romukunda weZiyoni.
5Ishe wava somuvengi, akamedza Isiraeri; akamedza dzimba dzavo dzose dzoushe, akaparadza nhare dzavo; akawanzira mukunda waJudha kuchema nokurira.
6Akabvisa ruzhowa rwake nesimba sorwomunda; akaparadza nzvimbo yake yokuungana; Jehovha akakangamwisa paZiyoni ungano yakatarwa nesabata, akashora madzimambo navapristi neshungu dzokutsamwa kwake.
7Jehovha akarasa atari yake, akasema nzvimbo yake tsvene, akaisa masvingo edzimba dzavo vakaita bope mumba maJehovha, sapazuva reungano yakatarwa.
8Jehovha akafunga kuparadza rusvingo rwomukunda weZiyoni; akatatanura rwonzi rwokuyera,pakuparadza; akachemedza nhare norusvingo, zvinopera simba pamwechete.
9Masuwo aro akanyura pasi, akaparadza nokuvhuna zvipfigiso zvaro; mambo waro namachinda aro vari pakati pamarudzi asina murayiro. Zvirokwazvo vaporofita varo havana zvavanoratidzwa naJehovha.
10Vakuru vomukunda weZiyoni vagere pasi, vanoramba vanyerere; vakakushira guruva pamisoro yavo, vakazvisunga zviuno namasaga; mhandara dzeJerusaremu dzakakotamisa misoro yadzo pasi.
11Meso angu apera nemisodzi, moyo wangu unotambudzika; chiropa changu chadururirwa pasi, nemhaka yokuparadzwa komukunda wavanhu vangu, nekuti vanana navanoyamwa vanoziya munzira dzomuguta.
12Vanoti kuna madzimai avo, Zviyo newaini zviripiko? Vachingoziya munzira dzomuguta savakakuvadzwa, mweya yavo ichidururirwa pachipfuva chamadzimai avo.
13Ndichakupupureiko? Ndichakufananidza nei, iwe mukunda weJerusaremu? Ndichakuenzanisa nei, kuti ndikunyaradze, iwe mhandara mukunda weZiyoni? nekuti pawakaparadzwa pakakura segungwa, ndiani achakuporesa?
14Vaporofita vako vakakuonera zviratidzo zvenhema nezvoupenzi; havana kubudisa zvakaipa zvako, kuti vadzose kutapwa kwako, asi vakakuonera zviga zvenhema nezvinokutapisa.
15Vose vanopfuura vachavarovera maoko pamusoro pako, vanoridza muridzo nokudzungudzira mukunda weJerusaremu misoro yavo, vachiti, Ko ndiro guta rainzi navanhu rakanaka-naka kwazvo, mufaro wenyika yose?
16Vavengi vako vose vakakushamisira miromo yavo; vanoridza muridzo nokugeda-geda meno, vanoti, Tariparadza; zvirokwazvo ndiro zuva ratakanga takatarira; tariwana, tariona.
17Jehovha akaita izvo zvaakafunga, akapedzisa shoko rake raakaraira pamazuva akare; akawisira pasi, akasava netsitsi; akafadza muvengi pamusoro pako, akasimudza runyanga rwavadzivisi vako.
18moyo yavo yakadana kuna Ishe. Iwe rusvingo rwomukunda weZiyoni, misodzi ngaiyerere sorwizi masikati nousiku, usazorora, mboni yeziso rako isarega kuchema.
19Muka, danidzira usiku, pakutanga kwenguva dzose; durura moyo wako semvura pamberi paJehovha; simudzira maoko ako kwaari nokuda koupenyu hwevana vako, vanoziya nenzara pakuvamba kwenzira imwe neimwe yomuguta.
20Tarirai, Jehovha, muone vamakaitira zvakadai! Ko vakadzi vangadye zvibereko zvavo, ivo vana vari pamaoko here? Ko vapristi navaporofita vangaurawe panzvimbo tsvene yaishe here?
21Majaya navatana vavete pasi munzira dzomuguta; mhandara dzangu namajaya angu vaurawa nomunondo; makavauraya nezuva rokutsamwa kwenyu, makavabaya, hamuna kuvanzwira tsitsi.
22Makadaidza zvinondityisa pamativi ose, sapazuva reungano yakatarwa; hakuna akapukunyuka kana akasara pazuva rokutsamwa kwaJehovha; vandakabata mumaoko navandakarera vapedzwa nomuvengi wangu.