Shona

Romani: New Testament

Ezekiel

11

1Zvino Mweya wakandisimudza, ndokundiisa kusuwo ramabvazuva reimba yaJehovha, raitarira kumabvazuva; ndikaona pamukova wesuwo varume vana makumi maviri navashanu, ndikaona pakati pavo Jaazania mwanakomana waAzuri, naPeratia mwanakomana waBhenaia, machinda avanhu.
2Akati kwandiri, Mwanakomana womunhu, ava ndivo varume vanofunga zvakaipa, vanorayirira mano akaipa muguta rino;
3vanoti, Nguva ichigere kuswedera yokuvaka dzimba, guta igate, isu tiri nyama.
4Naizvozvo chivaporofitira, Mwanakomana womunhu, chiporofita.
5Ipapo Mweya waJehovha wakawira pamusoro pangu, akati kwandiri, Taura, uti, Zvanzi naJehovha, ndizvo zvamakataura, imwi imba yaIsiraeri; nekuti ndinoziva zvamunofunga mundangariro dzenyu.
6Makawanza vamakauraya muguta rino, makazadza nzira dzaro navakaurawa.
7Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Vamakauraya, vamakaradzika mukati maro, ndiyo nyama, guta rino igate, asi imwi muchabudiswa mukati maro.
8Makatya munondo; ini ndichauyisa munondo pamusoro penyu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
9Ini ndichakubudisai mukati maro, ndichakuisai mumaoko avatorwa, ndichaita zvandakatonga pakati penyu.
10Muchaurawa nomunondo; ndichakutongai munyika yaIsiraeri, zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.-
11Guta rino haringavi gate renyu, nemwi hamungavi nyama mukati maro; ndichakutongai munyika yaIsiraeri.
12Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha, nekuti hamuna kufamba nemitemo yangu kana kuita zvandakarayira, asi makatevera mirayiro yamarudzi anokupoteredzai.
13Zvino ndakati ndichiporofita, Peratia mwanakomana waBhenaia akafa. Ipapo ndakawira pasi nechiso changu, ndikachema nenzwi guru ndichiti, Aiwa, Ishe Jehovha! Moda kupedza chose vakasara vose vaIsiraeri here?
14Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
15Mwanakomana womunhu, hama dzako, idzo hama dzako, vanhu vorudzi rwako, neimba yose yaIsiraeri, ivo vose, ndivo vakanzi navagere Jerusaremu, Ibvai kure naJehovha, nyika ino yakapiwesu, ive yedu.
16Naizvozvo uti, Zvanzi naIshe Jehovha, zvandakavabvisa, ndikavaisa kure pakati pamarudzi, uye zvandakavaparadzira pakati penyika, ndichava kwavari nzvimbo tsvene nguva duku kunyika idzo kwavakaenda kwadziri;
17naizvozvo uti, Zvanzi naIshe Jehovha, ndichakuunganidzai mubve pakati pamarudzi, ndichakukokerai mubve panyika kwamakaparadzirwa, ndigokupai nyika yaIsiraeri.
18Vachadzokerako nokubvisamo zvose zvayo zvinosemesa nezvose zvayo zvinonyangadza.
19Ndichavapa moyo mumwe, nokuisa mweya mutsva mukati menyu; ndichabvisa moyo webwe munyama yavo, ndokuvapa moyo wenyama;
20kuti vafambe nemitemo yangu, vachengete zvandakarayira nokuzviita; ivo vachava vanhu vangu, neni ndichava Mwari wavo.
21Asi kana vari ivo, vane moyo inotevera moyo yezvinhu zvavo zvinosemesa nezvinonyangadza, ndichauyisa zvavakaita pamisoro yavo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
22Ipapo makerubhi akasimudza mapapiro awo, namakumbo engoro akanga ari pamativi awo; kubwinya kwaMwari waIsiraeri kwakanga kuri nechokumusoro kwavo.
23Kubwinya kwaJehovha ndokukwira kuchibva mukati meguta, ndokumira pamusoro pegomo riri kumabvazuva eguta.
24Ipapo Mweya wakandisimudza ndokundiisa Karadhea kuna vakatapwa, ndichizvioneswa noMweya waMwari. Zvino chiratidzo chandakanga ndaona chakakwidzwa chichibva kwandiri.
25Ipapo ndakaudza vakatapwa zvinhu zvose zvandakaratidzwa naJehovha.