Shona

Romani: New Testament

Ezekiel

12

1Zvino shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti,
2Mwanakomana womunhu, ugere pakati pavanhu veimba inondimukira simba, vana meso okuona, asi havaoni, vane nzeve dzokunzwa, asi havanzwi; nekuti iimba inondimukira simba.
3Naizvozvo iwe Mwanakomana womunhu, zvirongedzere nhumbi dzokutama nadzo, utame masikati, vachizviona; unofanira kutama uchibva panzvimbo yako uchienda kune imwe nzvimbo, vachizviona; zvimwe vangazofunga, kunyange iri imba inondimukira simba.
4Unofanira kubudisa nhumbi dzako masikati vachizviona, dziite senhumbi dzokutama nadzo; zvino madekwana iwe umene unofanira kubuda vachizviona, sezvinoita vanhu kana votama.
5Zvino uboore rusvingo vachizviona, ubudise nhumbi dzako napo.
6Unofanira kudzitakura pafudzi rako vachizviona, ndokudzibudisa kwasviba; unofanira kufukidza chiso chako, kuti urege kuona zvenyika; nekuti ndakakuita chiratidzo kuimba yalsiraeri.
7Ini ndikaita sezvandakarayirwa; ndakabudisa nhumbi dzangu masikati, dzakaita senhumbi dzokutama nadzo, madekwana ndikabvovora rusvingo noruoko rwangu; ndakadzibudisa kwasviba, ndikadzitakura pafudzi rangu vachizviona.
8Zvino mangwanani shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
9Mwanakomana womunhu, imba yaIsiraeri, iyo imba inondimukira, havana kuti kwauri, Unoiteiko?
10Uti kwavari, Zvanzi naIshe Jehovha, chirevo ichi chinoreva muchinda weJerusaremu neimba yose yaIsiraeri iri pakati pavo.
11Uti, Ndini chiratidzo chenyu; sezvandakaita ini, ndizvo zvavachaitirwa ivo; vachatama vachitapwa.
12Muchinda ari pakati pavo achatakura nhumbi dzake pafudzi rake kwasviba, ndokubuda; vachabvovora rusvingo kuti vadzibudise napo; achafukidza meso ake, nekuti haangaoni nyika nameso ake.
13Ndichakandawo mumbure wangu pamusoro pake, achabatwa mumusungo wangu; ndichamuisa Bhabhironi kunyika yavaKaradhea; asi haangaioni, kunyange zvakadaro achafirako.
14Ndichaparadzira kumhepo dzose vose vakamupoteredza vangamubatsira, namapoka ake ose ndichavavhomorera munondo ndichivateverera.
15Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha, kana ndichivadzingira pakati pamarudzi, nokuvaparadzira kunyika dzose.
16Asi ndichapukunyusa vashoma vavo pamunondo nenzara nehosha yakaipa;kuti vanoparidza pakati pamarudzi kwavanosvika zvinonyangadza zvavo zvose; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha.
17Shoko raJehovha rakasvikawo kwandiri, richiti,
18Mwanakomana womunhu, idya zvokudya zvako nokubvunda nokumwa mvura yako nokudedera nokutya;
19uti kuvanhu venyika iyi, Zvanzi naIshe Jehovha pamusoro pavagere Jerusaremu nenyika yaIsiraeri, vachadya zvokudya zvavo vachitya nokumwa mvura yavo vachikanganiswa, kuti nyika yaro iitwe dongo, yatorerwa zvose zvayo, nemhaka yokuita nesimba, yavose vanogaramo.
20Maguta anogarwa navanhu achaparadzwa, nenyika ichaitwa dongo; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.
21Shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
22Mwanakomana womunhu, tsumo ndeyeiko yamunayo munyika yaIsiraeri, inoti, Mazuva anoramba achiwedzerwa, asi zvakaoneswa zvose hazviitiki?
23Naizvozvo vaudze, uti, Zvanzi naIshe Jehovha, ndichagumisa tsumo iyi, havangazobati nayo iri tsumo pakati paIsiraeri; asi uti kwavari, Mazuva ava pedo nokuitika kwezvose zvakaoneswa.
24nekuti pakati peimba yaIsiraeri hapangazovi kuoneswa kwenhema kana kuporofita kunobata kumeso.
25nekuti ndini Jehovha; ndichataura, neshoko randichataura richaitika, haringazononoswi; nekuti pamazuva enyu, iwe imba inondimukira simba, ndichataura shoko nokuriitawo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
26Shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti,
27Mwanakomana womunhu, tarira, veimba yaIsiraeri vanoti, Zvaakaoneswa ndezvamazuva ari kure anozouya, anoporofita zvenguva dziri kure.
28Naizvozvo uti kwavari, Zvanzi naIshe Jehovha, hakuna shoko rimwe ramashoko angu richazononoka, asi shoko randichataura richaitika, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.