1Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
2Mwanakomana womunhu, porofitira vaporofita vaIsiraeri vanoporofita, uti kuna ivo vanoporofita zvinobva mumoyo mavo, inzwai imwi shoko raJehovha,
3Zvanzi naIshe Jehovha, Vane nhamo vaporofita mapenzi, vanotevera mweya yavo, vasina chavakaona.
4Aiwa Isiraeri, vaporofita venyu vakafanana namakava pamatongo.
5Hamuna kukwira muchipinda pakakoromorwa, kana kugadzira rusvingo rweimba yaIsiraeri, kuti mumire pakurwa pazuva raJehovha.
6Vakaona zvinonyengera nokuporofita kwenhema, ivo vanoti, Jehovha anoti! Asi Jehovha haana kuvatuma, zvino vakati shoko ravo richasimbiswa.
7Hamuna kuona zvinonyengera here, hamuna kutaura kuvuka kwenhema here, zvamakati, Jehovha anoti; kunyange zvakadaro handina kutaura?
8Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Zvamakatura zvinonyengera, nokuona nhema, naizvozvo, tarirai, ndine mhaka nemi, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
9Ruoko rwangu rucharwa navaporofita vanoona zvinonyengera navanoporofita nhema; havangarangani navanhu vangu, havanganyorwi mazita avo parugwaro rweimba yaIsiraeri, havangapindi munyika yaIsiraeri; zvino muchaziva kuti ndini Ishe Jehovha.
10nekuti zvirokwazvo, nekuti vakanyengera vanhu vangu, vachiti, Rugare! Izvo hakuna rugare; kana vovaka rusvingo, tarira, vovuwa nesuko.
11Chiudza avo vanoruvuwa nesuko, kuti ruchakoromoka; mvura ichauya ichinaya kwazvo, ine, mabwe makuru echimvuramabwe, muchawa, nedutu remhepo urutsemure.
12Zvino tarirai, kana rusvingo rwakoromoka havangati kwamuri here, Ko suko ramakuvuwa naro riripiko?
13Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Ndicharutsemusa zvirokwazvo nedutu remhepo nehasha dzangu; mvura ichanaya kwazvo nokutsamwa kwangu, namabwe makuru echimvuramabwe nehasha dzangu, kurupedza chose.
14Saizvozvo ndichakoromora rusvingo rwamakavuwa nesuko, nokuruwisira pasi, kusvikira nheyo dzarwo dzafukurwa; ruchakoromoka, nemwi muchaparadzwa mukati marwo; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.
15Saizvozvo ndichapedza hasha dzangu parusvingo, napamusoro pavakaruvuwa nesuko; ndichati kwamuri, Rusvingo haruchipo, navakaruvuwa havachipo;
16ivo vaporofita valsiraeri vanoporofita pamusoro peJerusaremu, vachirionera zviratidzo zvorugare, izvo hakuna rugare; ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
17Asi iwe, Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako kuvakunda vavanhu vako, ivo vanoporofita zvinobva mumoyo yavo, uporofite pamusoro pavo,
18uti, Zvanzi naIshe Jehovha, Vane nhamo vakadzi vanosonera maziso emaoko, vanoita micheka yokufukidza misoro yavanhu vapi navapi, kuti vavhime mweya. Munoda kuvhima mweya yavanhu vangu, muchida kuzviponesera mweya iyeyo!
19Makandimhura pakati pavanhu vangu nokuda kwetsama dzebhari nezvimedu zvezvingwa, kuti muuraye mweya isingafaniri kufa, nokuponesa mweya isingafaniri kurarama, muchirevera vanhu vangu nhema, ivo vanoteerera nhema dzenyu.
20Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Tarirai, ndine mhaka nezvifukidzo zvenyu zvamunovhima nazvo mweya yavanhu seshiri, ndichazvibvarura pamaoko enyu; ndicharegedza mweya, iyo mweya yamunovhima seshiri.
21Nemicheka yenyu ndichaibvarurawo, ndirwire vanhu vangu pamaoko enyu, varege kuzova mumaoko enyu kuti muvavhime; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.
22nekuti nenhema dzenyu makarwadza moyo wowakarurama, wandisina kuchemedza, mukasimbisa maoko owakaipa, kuti arege kudzoka panzira yake yakaipa, aponeswe;
23naizvozvo hamuchazoonizve zviratidzo zvinonyengera kana kuuka zvinoukwa; ini ndicharwira vanhu vangu pamaoko enyu; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.