1Zvino vamwe vakuru vaIsiraeri vakauya kwandiri, vakagara pasi pamberi pangu.
2Shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
3Mwanakomana womunhu, vanhu ava vakapinza zvifananidzo zvavo mumoyo yavo, nokuisa chigumbuso chezvakaipa zvavo pamberi pavo; zvino ndingatongotenda kubvunzwa navo here?
4Naizvozvo taura navo, uti kwavari, Zvanzi naIshe Jehovha, munhu mumwe nomumwe weimba yaIsiraeri anopinza zvifananidzo zvake mumoyo make, nokuisa chigumbuso chezvakaipa zvake pamberi pake, akauya kumuporofita, ini Jehovha ndichamupindura zvakafanira izvozvo, zvakafanira kuwanda kwezvifananidzo zvake;
5kuti ndibate imba yaIsiraeri mumoyo yavo, nekuti vazviita vatorwa kwandiri nemhaka yezvifananidzo zvavo.
6Naizvozvo iti kuimba yaIsiraeri, Zvanzi naIshe Jehovha, dzokai, mufuratire zvifananidzo zvenyu, mufuratidze zvinonyangadza zvenyu zvose zviso zvenyu.
7nekuti mumwe nomumwe weimba yaIsiraeri, kana wavatorwa vagere panyika yaIsiraeri, anoparadzana neni, achipinza zvifananidzo zvake mumoyo make, nokuisa chigumbuso chezvakaipa zvake pamberi pake, akauya kumuporofita kuti iye andibvunze nokuda kwake, ini Jehovha ndichamupindura ndimene;
8ndicharinzira munhu uyo chiso changu ndimuitire zvakaipa, ndichamuita chishamiso nechiratidzo netsumo, ndichamubvisa pakati pavanhu vangu; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.
9Zvino kana muporofita akanyengerwa, akataura shoko, ini Jehovha, ndini ndanyengera muporofita uyo, ndichatambanudzira ruoko rwangu pamusoro pake, ndimuparadze pakati pavanhu vangu vaIsiraeri.
10Vachava nemhosva yavo; zvakaipa zvomuporofita zvichaenzana nezvakaipa zveanobvunza kwaari;
11kuti imba yaIsiraeri irege kuzotsauka kwandiri, kana kuzozvisvibisa nokudarika kwavo kose, asi vave vanhu vangu, neni ndive Mwari wavo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
12Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
13Mwanakomana womunhu, kana kune nyika ichinge yanditadzira nokudarika, ini ndikatambanudzira ruoko rwangu pamusoro payo, ndikavhuna mudonzvo wezvokudya zvayo, ndikatuma nzara pamusoro payo, nokuparadzapo vanhu nezvipfuwo;
14kunyange vanhu ava vatatu, nowa naDhanyeri naJobho, vakavamo, vangarwira mweya yavo yoga nokururama kwavo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
15Kana ndikafambisa zvikara munyika, zvikaipedzera vana, ikaitwa dongo, kukasava nomunhu angagona kufambamo nemhaka yezvikara;
16kunyange varume ava vatatu vaivamo, noupenyu hwangu ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha havangarwiri vanakomana kana vanasikana; ivo voga vangarwirwa, asi nyika ichaitwa dongo.
17Zvimwe kana ndikauyisa munondo pamusoro penyika iyo, ndikati, Munondo, pfuura napakati penyika! Ndikaparadzamo vanhu nezvipfuwo,
18kunyange varume ava vatatu vaivamo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha havangarwiri vanakomana kana vanasikana, asi ivo vamene voga vangwarwirwa.
19Zvimwe kana ndikatuma hosha yakaipa munyika iyo, ndikadurura hasha dzangu pamusoro payo neropa, kuti ndiparadzemo vanhu nezvipfuwo;
20kunyange nowa naDhanyeri naJobho vaivamo, noupenyu hwangu ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, havangwarwiri mwanakomana kana mwanasikana; vangarwira mweya yavo yoga nokururama kwavo.
21nekuti zvanzi naIshe Jehovha, Ndoda, kana ndikatuma pamusoro peJerusaremu zvakaipa zvina zvandakavatongera, zvinoti, munondo nenzara nezvikara zvakaipa nehosha yakaipa, kuti ndiparadzemo vanhu nezvipfuwo !
22Asi tarirai, vamwe vakasara vacharegwamo vachapukunyuka, vachatapwa, vari vanakomana navanasikana; tarirai, vachasvika kwamuri, muchaona nzira yavo nezvavanoita; ipapo muchanyaradzwa pamusoro pezvakaipa zvandakauyisa pamusoro peJerusaremu, pamusoro pezvose zvandakauyisa pamusoro paro.
23Ivo vachakunyaradzai, kana muchiona nzira yavo nezvavanoita; ipapo muchaziva kuti handina kuita pasina zvose zvandakaitamo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.