1Shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti,
2Mwanakomana womunhu, zivisa Jerusaremu zvinonyangadza zvaro,
3uti, Zvanzi naIshe Jehovha kuJerusaremu: Kwawakabva nokwawakaberekwa ndiko kunyika yavaKanani; baba vako vakanga vari muAmori, namai vako vakanga vari muHiti.
4Kana kuri kuberekwa kwako, pazuva rokuzvarwa kwako rukuvhute rwako haruna kugurwa, uye hauna kushambidzwa nemvura kuti unake; hauna kutongokwizwa nomunyu, kana kuputirwa mumachira.
5Hakuna ziso rakakunzwira tsitsi, kana kukuitira chinhu chimwe chezvinhu izvi, nokuva netsitsi newe; asi wakarashirwa kusango, nekuti vakasema hupenyu hwako nezuva rokuzvarwa kwako.
6Ndakapfuura kwauri, ndikakuona uchipfakanyika muropa rako, ndikati kwauri uri muropa rako, Rarama! Zvirokwazvo, ndakati kwauri uri muropa rako, Rarama!
7Ndakakupamhidzira kwazvo sezvinomera kusango, ukawanda nokukura, ukasvikira pahukomba hwakaisvonaka; mazamu ako akakura, nevhudzi rako rakamera, asi wakange usina kufuka, wakashama.
8Ndakapfuura kwauri, ndikakutarira, ndikaona kuti nguvo yako yakanga iri nguvo yorudo. Ipapo ndakawarira nguvo yangu pamusoro pako, ndikafukidza kushama kwako; zvirokwazvo, ndakakupikira, ndikaita sungano newe, iwe ukava wangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
9Ipapo ndakakushambidza nemvura; zvirokwazvo, ndakashambidza ropa rako kwauri, ndikakuzodza namafuta.
10Ndakakufukidzawo nezvakarukwa,ndikakupfekedza shangu, shangu dzamatebwe, ndakasunga chiuno nomucheka wakaisvonaka, ndikakufukidza nesirika.
11Ndakakushongedza hukomba, ndikaisa zvishongo zvamaoko pazvanza zvako, nengetani pamutsipa wako.
12Ndikaisa chindori pamhino dzako, nezvishongo zvenzeve panzeve dzako, nekorona yakanaka pamusoro wako.
13Wakazvishongedza nendarama nesirivha, zvokufuka zvako zvakanga zviri zvomucheka wakaisvonaka nesirika nezvakarukwa; wakadya hupfu hwakatsetseka nohuchi namafuta; hwakanga hwakanaka kwazvo, ukapfuurira mberi kusvikira kuhushe.
14Mbiri yako yokunaka kwako yakapararira pakati pamarudzi, nekuti yakanga yakakwana kwazvo nokuda kohumambo hwangu hwandakanga ndaisa pamusoro pako, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
15Asi iwe wakavimba nokunaka kwako, ukapata nokuda kwembiri yako, ukadurura kupata kwako kunomumwe nomumwe waipfuura napo, kukava kwake.
16Wakatora dzimwe nguvo dzako, ukazviitira nzvimbo dzakakwirira, dzakashongedzwa namavara mazhinji, ukandopata pamusoro padzo. Zvinhu zvakadai hazvizaifanira kuuya kana kuitika.
17Zvishongo zvako zvakanaka wakazvitora pandarama yangu nesirivha yangu, zvandakanga ndakupa, ukazviitira zvifananidzo zvavarume, ukapata nazvo;
18ukatora nguvo dzako dzakarukwa, ukazvifukidza nadzo, ukagadza mafuta angu nezvinonhuhwira zvangu pamberi pazvo.
19Zvokudya zvangu zvandakakupa, ihwo hupfu hwakatsetseka namafuta nohuchi zvandakakupa kuti uzvidye, wakazvigadza pamberi pazvo, zviite bwema hunonhuhwira; ndizvo zvawakaita, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
20Uyezve, wakatora vanakomana vako navanasikana vako, vawakandiberekera, ukazvibayira ivo, kuti vadyiwe. Ko kupata kwako chakanga chiri chinhu chiduku here,
21zvawakazouraya vana vangu, ukazvipa ivo, kuti uzvipinzire ivo mumoto here?
22Zvino pakati pezvinonyangadza zvako zvose nokupata kwako hauna kurangarira mazuva ohuduku hwako, panguva yawakanga usino kufuka, wakashama, uchipfakanyika muropa rako.
23Zvino shure kwezvakaipa zvako zvose haiwa, une nhamo, une nhamo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
24Wakazvivakira nzvimbo yokufeva nokuzviitira nzvimbo yakakwirira panzira dzose dzomumusha.
25Wakavaka nzvimbo yako yakakwirira pakuvamba kwenzira imwe neimwe, ukashandura kunaka kwako zvikava zvinonyangadza, ukafukurira vose vanopfuura tsoka dzako, ukawanza kupata kwako.
26Wakafevawo navaEgipita, vakanga vagere pedo newe, vane miviri mikuru; ukawanza kupata kwako, kuti unditsamwise.
27Naizvozvo tarira, ndakatambanudzira ruoko rwangu pamusoro pako, ndikatapudza zvokudya zvako zvaunodya misi yose, ndikakuisa kuna vanokuvenga vakuitire sokuda kwavo, ivo vakunda vavaFirisitia vakanyadziswa nomufambiro wako wakashata.
28Wakapatawo navaAsiria, nekuti wakange usingagoni kuguta; zvirokwazvo, wakapata navo, asi zvakadaro hauna kugutsikana nazvo.
29Wakawanzawo kupata kwako kusvikira kunyika yavashambadziri, iko kuKaradhea; kunyange zvakadaro hauna kuringaniswa nazvo.
30Moyo wako unoshaiwa simba sei, ndizvo zvinotaura Jehovha Zvaunoita zvinhu izvi zvose, zvinoitwa nechifeve chisinganyari;
31zvaunovaka nzvimbo yako yokufeva pakuvamba kwenzira imwe neimwe, nokuita nzvimbo yako yakakwirira panzira imwe neimwe yomumusha; asi hauna kuita sechifeve, zvawakashora muripo.
32Aiwa! Mukadzi akawanikwa anofeva! Anogamuchira vatorwa panzvimbo yomurume wake!
33Zvifeve zvose zvinopiwa zvipo, asi iwe unopa vadikamwi vako vose zvipo, uchivatenga, kuti vauye kwauri vachibva kumativi ose nokuda kokupata kwako.
34Naizvozvo pane kuparadzana navamwe vakadzi pakupata kwako, zvakusina unokutevera kupata newe; uye zvaunopa muripo iwe, asi iwe haupiwi muripo, naizvozvo wakapesana navamwe.
35Naizvozvo iwe chifeve, chinzwa shoko raJehovha,
36zvanzi naIshe Jehovha, Ndarira yako zvayakadururwa, nokunyadza kwako zvakwakafukurwa nokupata kwako navadikamwi vako, uye nokuda kwezvifananidzo zvose zvezvinonyangadza zvako, neropa ravana vako, rawakazvipa;
37naizvozvo tarira, ndichaunganidza vadikamwi vako vose, vawakafarirana navo, navose vawakanga uchida, pamwechete navose vawakanga uchivenga; ndichakuunganidzira ivo vachibva kumativi ose, nokuvafukurira kunyadza kwako, kuti vaone kunyadza kwako kose.
38Ndichakutonga sezvinotongwa vakadzi voupombwe navanoteura ropa; ndichauyisa pamusoro pako ropa rehasha negodo.
39Ndichakuisawo mumaoko avo; vachakoromora nzvimbo yako yokufeva, nokuputsa nzvimbo dzako dzakakwirira; vachakubvisira nguvo dzako, nokukutorera zvishongo zvako zvakanaka; vachakusiya usina chokufuka wakashama.
40Vachauyawo neungano kuzorwa newe, ivo vachakutaka namabwe nokubvoora neminondo yavo.
41Vachapisa dzimba dzako nomoto, nokukuitira zvakatongwa pamberi pavakadzi vazhinji; ndichakuregesa kupata kwako, iwe hauchazovapi muripo wechifeve.
42Saizvozvo ndichazorodza hasha dzangu kwauri, godo rangu richabva kwauri; ndichanyarara, ndikasazova nokutsamwa.
43Zvausina kurangarira mazuva ohuduku hwako, asi wakanditsamwisa nezvinhu izvi zvose, naizvozvo, tarira, ndichauyisa zvawakaita pamusoro wako, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha; haungazoiti zvakashata izvozvo nezvinonyangadza zvako zvose.
44Tarira, mumwe nomumwe anobata netsumo, achabata tsumo iyi pamusoro pako, achiti, Sezvakaita mai, ndizvo zvakaita mwanasikana wavo.
45Iwe uri mwanasikana wamai vako, vanosema murume wavo navana vavo; iwe uri munin'ina wavakoma vako, vakasema varume vavo navana vavo; amai vako vakanga vari muHiti, nababa vako muAmori.
46Mukoma wako ndiSamaria, anogara kuruboshwe rwako, iye navanasikana vake; munin'ina wako anogara kurudyi rwako, ndiSodhoma navanasikana vake.
47Asi hauna kufamba nenzira dzavo, kana kuita zvinonyangadza zvavo; asi izvo wakati zviduku, wakavapfura ivo vose nenzira dzako dzakaora.
48Noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha munin'ina wako Sodhoma, Iye navanasikana vake, havana kuita sezvawakaita iwe navanasikana vako.
49Tarira, zvakaipa zvaSodhoma muninina wako hezvi: Kuzvikudza, zvokudya zvakawandisa, nokuzorora kusina hanya nechinhu, ndizvo zvaakanga anazvo navanasikana vake; haana kusimbisa ruoko rwavarombo navanoshayiwa.
50Vakanga vane manyawi. vakaita zvinonyangadza pamberi pangu; saka ndichizviona ndakavabvisa.
51Kunyange neSamaria harina kuita hafu yezvivi zvako; asi iwe wakawanzisa zvinonyangadza zvako kupfuura zvavo, ukapembedza vanin'ina vako nezvinonyangadza zvako zvose zvawakaita.
52Iwe chiva nemhosva yezvinonyadzisa zvako, zvawakapembedza vanin'ina vako; nokuda kwezvivi zvako zvawakaita zvinonyangadza kupfuura zvavo, ivo vava vakarurama kupfuura iwe; zvirokwazvo, chisvodeswa iwe, uve nokunyadziswa kwako, zvawakapembedza vanin'ina vako.
53Ndichadzosazve kutapwa kwavo, iko kutapwa kweSodhoma navanasikana varo, nokutapwa kweSamaria navanasikana varo, nokutapwa kwavatapwa vako vari pakati pavo;
54kuti iwe uve nokunyadziswa kwako, unyare pamusoro pezvose zvawakaita uchivanyaradza.
55Vanin'ina vako Sodhoma navanasikana vake vachadzokera kumugariro wavo wakare, naSamaria navanasikana vake vachadzokera kumugariro wavo wakare, newe navanasikana vako muchadzokera kumugariro wenyu wakare.
56nekuti munin'ina wako Sodhoma haana kurehwa nomuromo wako nezuva rokuzvikudza kwako,
57zvakashata zvako zvisati zvafukurwa, sapanguva yokushorwa kwako navanasikana veSiria navose vakavapoteredza, vanasikana vavaFirisitia, vanokuzvidza kumativi ose.
58Une mhosva yezvakashata zvako nezvinonyangadza zvako, ndizvo zvinotaura Jehovha.
59nekuti zvanzi naIshe Jehovha, Ndichakuitirawo sezvawakaita iwe, wakashora kupika pakuputsa kwako sungano.
60Kunyange zvakadaro ndicharangarira sungano yangu yandakaita newe pamazuva ohuduku hwako, ndisimbise sungano isingaperi newe.
61Ipapo ucharangarira nzira dzako; uchanyara, kana uchigamuchira vakoma vako navanin'ina vako; ndichakupa ivo, vave vanasikana vako, asi hazvingaitwi pamusoro pesungano yako.
62Ndichasimbisa sungano yangu newe; zvino uchaziva kuti ndini Jehovha;
63kuti urangarire, usvodeswe, urege kuzoshamisa muromo wakozve nokuda kokunyara kwako, kana ndakukangamwira zvose zvawakaita, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.