Shona

Romani: New Testament

Ezekiel

17

1Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
2Mwanakomana womunhu, taurira veimba yaIsiraeri chirabwe, ureve mufananidzo kwavari;
3uti, Zvanzi naIshe Jehovha, gondo guru, rina mapapiro makuru neminhenga mirefu, rinamambava mazhinji ana mavara-mavara, rakasvika Rebhanoni, rikatora musoro womuSidhari,
4rikavhuna davi rokumusoro pamatavi aro manyoro, rikaenda naro kunyika yavashambadziri, ndokuriisa muguta ravatengesi.
5Rakatorawo dzimwe mbeu dzenyika, ndokudzikavira pavhu rakaorera, rikadziisa parutivi rwemvura zhinji, rikadzisima semiti yemikonachando.
6Davi rikamera, rikaita muzambiringa unotanda wakapfupika, kuti matavi awo atarire kwariri, nemidzi yawo ive pasi pawo; saizvozvo rakaita muzambiringa, wakabudisa matavi nokutungira hutavi huduku.
7Zvino kwakanga kune rimwe gondozve rina mapapiro makuru namambava mazhinji; zvino tarira muzambiringa uyu wakarerekera midzi yawo kwariri nokutungirawo matavi aro kwariri, zvichibva pandima pawakanga wakasimwa, kuti riudiridze.
8wakange wakasimwa pavhu rakanaka pane mvura zhinji, kuti ubudise matavi, nokubereka michero, uve muzambiringa wakanaka.
9Zvino iwe uti, Zvanzi naIshe Jehovha, muti ucharamba uchifara here? Ko gondo haringadzuri midzi yawo, nokugura michero yawo, kuti mashizha awo achangobukira, aome here? Hakungadikamwi ruoko rune simba, kana vanhu vazhinji, kuudzura nemidzi yawo.
10Zvirokwazvo, tarira, zvawasimwa ucharamba uchifara here? Haungaomi chose kana ukarohwa nemhepo inobva mabvazuva here? Uchaomera pandima pawakanga wamera.
11Zvino shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri richiti,
12Zvino uti kuimba inondimukira simba, Hamuzivi here kuti zvinhu izvi zvinoreveiko? Chivaudza, uti, Tarira mambo weBhabhironi wakasvika Jerusaremu, akabata mambo waro, namachinda aro, akandovaisa Bhabhironi kwaari.
13Akatora mumwe worudzi rwamambo, akaita sungano naye; akamupikisawo, akabvisa vane simba venyika;
14kuti ushe huderere, kuti hurege kukura, asi hurambe huripo huchichengeta sungano yake.
15Asi wakazomumukira achituma nhume dzake Egipita, kuti apiwe mabhiza navanhu vazhinji. Ko acharamba achingofara here? Anoita zvinhu zvakadai achapukunyuka here? Angaputsa sungano akapukunyuka here?
16Noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Jehovha. Panzvimbo panogara mambo, akamuita mambo, waakashora kupika kwake, nokuputsa sungano yake, ipapo paari, pakati peBhabhironi, ndipo paachafira.
17Kunyange naFarao nehondo yake ine simba neboka rake guru haangamubatsiri pakurwa, kana vachitutira mirwi yokurwa nokuvaka nhare, kuti vaparadze vanhu vazhinji.
18nekuti wakashora kupika nokuputsa kwake sungano; tarira, akapika noruoko rwake, kunyange zvakadaro akaita izvozvi zvose haangapukunyuki.
19Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Noupenyu hwangu, kupika kwangu kwaakashora nesungano yangu yaakaputsa, zvirokwazvo ndichauyisa mhosva yazvo pamusoro pomusoro wake.
20Ndichakanda mumbure wangu pamusoro pake, achabatwa nomusungo wangu, ndichamuisa Bhabhironi ndimutongeko pamusoro pokudarika kwake kwaakandidarikira nako.
21Vose vanotiza vamapoka ake ose vachaurawa nomunondo, navakasara vachaparadzirwa kumativi mana enyika; zvino muchaziva kuti ini Jehovha ndini ndakataura izvozvo.
22Zvanzi naIshe Jehovha, Ndichatora ini rutavi padavi rokumusoro-soro romusidhari, ndirusime; pamatavi aro manyoro okumusoro ndichavhuna rumwe rutsva, ndirusime pamusoro pegomo refu rakakwirira;
23pagomo refu raIsiraeri ndipo pandicharusima; ruchabudisa matavi, nokubereka michero, nokuva musidhari wakanaka kwazvo, pasi pawo pachagara shiri dzinamapapiro amarudzi ose; dzichagara mumumvuri wamatavi awo.
24Zvino miti yose yokusango ichaziva kuti ini Jehovha ndakaderedza muti murefu, ndikakwiridza muti wakazvidzwa, nokuomesa muti munyoro, ndikameresa muti wakaoma. Ini Jehovha ndakazvitaura, ndikazviita.