1Zvino shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti,
2Ndokudiniko kana muchibata netsumo iyi panyika yaIsiraeri, muchiti, Madzibaba akadya mazambiringa anovava, meno avana ndokuhwadzira?
3Noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, Hamungagoni kuzobata netsumo iyi pakati paIsiraeri.
4Tarirai, mweya yose ndeyangu; mweya wababa ndowangu, saizvozvo nomweya womwanakomanawo; mweya unotadza, uchafa.
5Asi kana munhu achinge akarurama, achiita zvomurayiro nezvakarurama,
6asina kudya pamakomo, kana kutarira nameso ake kuzvifananidzo zveimba yavaIsiraeri, kana kuchinyira mukadzi wowokwake, kana kuswedera kumukadzi ari kumwedzi kwake,
7asina kuitira vamwe zvakaipa, akadzosera rubatso rwake kuno wakatora chikwereti, asina kutora chinhu achipamba, akapa vane nzara zvokudya zvake, akafukidza akashama nenguvo;
8asina kuita mhindu, kana kutora mhindu yemichero, akadzora ruoko rwake pazvakaipa, akaruramisa kwazvo pamhaka yomunhu nehama yake,
9akafamba nemitemo yangu, akachengeta zvandakarayira, kuti aite zvamazvokwadi; iye akarurama, zvirokwazvo achararama, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
10Kana iye akabereka mwanakomana riri gororo, kana muteuri weropa, kana anoita chimwe chezvinhu izvi,
11asingaiti chinhu chimwe chaizvozvo zvakanaka, akadya pamakomo, akachinyira mukadzi wowokwake,
12akaitira varombo navanoshayiwa zvakaipa, akatora achipamba, asina kudzosera rubatso, akatarira zvifananidzo nameso ake, akaita zvinonyangadza,
13akaita mhindu, kana kutora mhindu yemichero; ko iye achararama here? Haangararami. Akaita izvi zvose zvinonyangadza, zvirokwazvo achafa; ropa rake richava pamusoro pake.
14Zvino, tarira, kana akabereka mwanakomana, anoona zvivi zvose zvababa vake, zvavakaita, akazviona hake, akasaita zvakadai;
15asina kudya pamakomo, kana kutarira nameso ake zvifananidzo zveimba yavalsiraeri, kana kuchinyira mukadzi wowokwake,
16asina kuitira vamwe zvakaipa, asina kutora chinhu achireva rubatso, asingapambi noupambi, asi akapa vane nzara zvokudya zvake, nokufukidza akashama nechokufuka;
17akadzora ruoko rwake pakuitira varombo zvakaipa, asina kutora mhindu kana mhindu yemichero, akaita zvandakarayira, nokufamba nemitemo yangu; iye haangafi nokuda kwezvakaipa zvababa vake, zvirokwazvo achararama.
18Kana vari baba vake, zvavakamanikidza zvikuru, nokupamba zvinhu zvomunin'ina wake, akaita zvisina kunaka pakati pavanhu vake, tarirai, iye achafa nokuda kwezvakaipa zvake.
19Asi imwi munoti, Mwanakomana anoregereiko kuva nemhosva yezvakaipa zvababa vake? Kana mwanakomana achinge aita zvinorehwa nomurayiro nezvakarurama, akachengeta mitemo yangu yose, akaiita, zvirokwazvo achararama.
20Munhu anotadza, ndiye achafa; mwanakomana haangavi nemhosva yezvakaipa zvababa vake, nababa havangavi nemhosva yezvakaipa zvomwanakomana wavo; kururama kowakarurama kuchava pamusoro pake, nokuipa kowakaipa kuchava pamusoro pake.
21Asi kana akaipa akatendeuka pazvivi zvake zvose zvaakaita, akachengeta mitemo yangu yose, akaita zvinorehwa nomurayiro nezvakarurama, zvirokwazvo achararama, haangafi.
22Kudarika kwake kose kwaakaita hakungarangarirwi pamusoro pake; achararama nokuda kwezvakarurama zvaakaita.
23Ko ini ndingatongofarira rufu rwowakaipa here? Ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha; Handizinofarira kudzoka kwake panzira yake, ararame here?
24Asi kana akarurama akatsauka pakururama kwake, akaita zvakaipa, akaita zvinonyangadza zvose zvinoitwa nomunhu akaipa, ko angararama here? Mabasa ake akarurama aakaita haangatongorangarirwi; nokuda kokudarika kwake, kwaakadarika nako, nezvivi zvake zvaakaita, achafa nokuda kwazvo.
25Asi imwi munoti, Nzira yaIshe haina kuti tsurumete. Zvino chinzwai, imwi mhuri yavaIsiraeri, nzira yangu haina kuti tsurumete here? Ko nzira dzenyu hadzizi idzo dzisina kuti tsurumete here?
26Kana munhu akarurama akatsauka pakururama kwake, akaita zvakaipa, akafa nokuda kwazvo; achafa nokuda kwezvakaipa zvaakaita.
27Uyezve, kana munhu akaipa akatsauka pazvakaipa zvake zvaakaita, akazoita zvinorehwa nomurayiro nezvakarurama, achaponesa upenyu hwake.
28Zvaakarangarira, akatsauka pakudarika kwake kose kwaakaita, zvirokwazvo achararama, haangafi.
29Kunyange zvakadaro, vaIsiraeri vanoti, Nzira yaIshe haina kururama. Nhai, mhuri yavaIsiraeri, nzira dzangu hadzina kururama here? Hadzizi nzira dzenyu dzisakarurama here?
30Naizvozvo ndichakutongai, imwi mhuri yavaIsiraeri, mumwe nomumwe zvakafanira nzira dzake, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Dzokai, mutendeuke pakudarika kwenyu kose; kuti chirege kuva chigumbuso chezvakaipa kwamuri.
31Rashai kure nemwi kudarika kwenyu kose, kwamakadarika nako, muzviitire moyo mitsva nemweya mitsva; nekuti muchafireiko, imwi mhuri yavaIsiraeri?
32nekuti handifariri rufu rwounofa, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha; naizvozvo tendeukai, murarame.