1Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
2Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako kuvana vaAmoni, uporofite pamusoro pavo;
3Uti kuvana vaAmoni, Inzwai shoko raIshe Jehovha, zvanzi naIshe Jehovha, imwi zvamakati, Toko! Pamusoro penzvimbo yangu tsvene, panguva yokumhurwa kwayo, napamusoro penyika yaIsiraeri panguva yokuitwa kwayo dongo, napamusoro peimba yaJudha, panguva yokutapwa kwavo;
4naizvozvo tarirai, ndichakuisai kuvana vamabvazuva muve vavo, vachaisa misasa yavo pakati penyu, vachavaka dzimba dzavo pakati penyu; vachadya michero yenyu, nokumwa mukaka wenyu.
5Rabha ndichariita mafuro emakamera, nenyika yavana vaAmoni nzvimbo inovata makwai; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.
6nekuti zvanzi nalshe Jehovha, Zvamakarovanya maoko enyu, nokutsikisa netsoka dzenyu, mukafara pamusoro penyika yaIsiraeri muchivazvidza nemweya yenyu yose;
7zvino tarirai, ndakatambanudzira ruoko rwangu pamusoro penyu, ndichakuisai kumarudzi muve sechinhu chakapambwa; ndichakubvisai pakati pamarudzi, ndichakupedzai panyika dzose; ndichakuparadzai, zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.
8Zvanzi naIshe Jehovha, Moabhu naSeiri zvavanoti, Tarirai, imba yaJudha yakafanana namarudzi ose,
9naizvozvo, tarirai, ndichazarura rutivi rwenyika yaMoabhu kubva kumaguta, kubva kumaguta aro ari kumiganho yaro, ihwo hukomba bwenyika, anoti: Bhetijeshimoti neBhaarimeoni neKiriataimi,
10uye ndichazvipa vana vokumabvazuva, ndakamirisana navana vaAmoni, ive yavo, kuti vana vaAmoni varege kuzorangarirwa pakati pamarudzi;
11ndichatonga Moabhu; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha.
12Zvanzi naIshe Jehovha, Edhomu zvavakatsiva imba yaJudha, vakapara mhaka kwazvo, vakazvitsivira kwavari;
13naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Ndichatambanudzira ruoko rwangu pamusoro paEdhomu, ndichaparadzapo vanhu nezvipfuwo, ndichaiita dongo kubva paTemani, vachaurawa nomunondo kusvikira paDhedhani.
14Ndichazvitsivira kuna Edhomu namaoko avanhu vangu Isiraeri; vachaitira Edhomu zvakarehwa nokutsamwa kwangu nehasha dzangu, vachaziva kutsiva kwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
15Zvanzi naIshe Jehovha, VaFirisitia zvavakazvitsivira, vakatsiva vachizvidza nemweya yavo, vachida kuparadza nokuvenga kusingaperi,
16naizvozvo, zvanzi naIshe Jehovha, Tarirai, ndichatambanudzira ruoko rwangu pamusoro pavaFirisitia, ndichabvisa vaKereti nokuparadza vakasara pamahombekombe egungwa.
17Ndichazvitsivira kwavari nokutsiva kukuru nokutuka kwehasha; vachaziva kuti ndini Jehovha, kana ndichiuyisa kutsiva kwangu pamusoro pavo.