1Zvino negore regumi nerimwe, nezuva rokutanga romwedzi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
2Mwanakomana womunhu, Tire zvarakati pamusoro peJerusaremu, Toko waro ! Raputsika, iro raiva suwo ramarudzi; roringira kwandiri, zvino ini ndichazadzwazve, iro zvaraitwa dongo.
3Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Tarira, ndine mhaka newe, iwe Tire, ndichauyisa marudzi mazhinji kuzorwa newe, sezvinouyisa gungwa mafungu aro.
4Vachaparadza masvingo eTire, nokukoromora shongwe dzaro; ndicharipara guruva raro, riite soruware rusine chinhu.
5Richava nzvimbo panonikwa mimbure pakati pegungwa, nekuti ndakazvitaura ini, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha; richava kumarudzi sechinhu chakapambwa.
6Vakunda varo vari kuruwa vachaurawa nomunondo; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha.
7nekuti zvanzi naIshe Jehovha, Tarirai, ndichauyisira Tire Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi, mambo wamadzimambo, achibva kurutivi rwokumusoro ana mabhiza nengoro navatasvi vamabhiza, nehondo navanhu vazhinji.
8Iye achauraya nomunondo vakunda vako vari kuruwa, achakuvakira nhare dzokurwa newe, nokukututira murwi wokurwa.
9Achamisa migwara pamasvingo ako, achakoromora shongwe dzako nematombo.
10Nokuwanda kwamabhiza ake guruva rawo richakufukidza; masvingo ako achadengenyeka nomutsindo wavatasvi vamabhiza, namakumbo engoro, nengoro, panguva yaachapinda pamasuwo ako, somupindirwo weguta rakakoromorerwa rusvingo.
11Achatsika nzira dzako dzose dzomuguta namahwanda amabhiza ake, achauraya vanhu vako nomunondo, neshongwe dzinoratidza simba renyu dzichawira pasi.
12Vachapamba fuma yako nokukutorera zvokushambadzira zvako, vachakoromora masvingo ako, nokuparadza dzimba dzako dzinofadza; vachaisa mabwe ako namatanda ako neguruva rako mukati memvura zhinji.
13Ndichagumisa manzwi enziyo dzako, kurira kwembira dzako hakungazonzwiki.
14Ndichakuita ruware rusine chinhu, uchava nzvimbo panonikwa mimbure; hauchazovakwizve, nekuti ini Jehovha ndakazvitaura, ndizvo zvinotaura Jehovha.
15Zvanzi naIshe Jehovha kuTire, Ko zviwi hazvingadengenyeki here nokutinhira kokuwa kwako, kana vanhu vako vakakuvadzwa vachigomera, kana vanhu vachiurawa mukati mako here?
16Nenguva iyo machinda ose okugungwa achaburuka pazvigaro zvawo zvovushe, vachaisa pasi nguvo dzavo dzovushe nokubvisa zvokufuka zvavo zvakarukwa; vachafuka kudedera, vachagara pasi vachingodedera vachishamiswa pamusoro pako.
17Vachaita mariro pamusoro pako, vachiti kwauri, Aiwa, wakaparadzwa sei, iwe wakange wakagarwa navanhu vaiziva kufamba negungwa, iro guta rakanga rine mbiri, rakanga rine simba pagungwa, iro navanhu varo, vaityisa vose vagereko.
18Zvino zviwi zvichadengenyeka nezuva rokuwa kwako; zvirokwazvo, zviwi zviri mugungwa zvichavhunduka nokubviswa kwako.
19nekuti zvanzi naIshe Jehovha, Nenguva yandichakuita guta dongo, sezvakaita maguta asina vanhu, nenguva yandichauyisa gungwa rakadzika pamusoro pako, ukafukidzwa nemvura zhinji;
20nenguva iyo ndichakuburusa pamwechete navanoburukira mugomba, kuvanhu vekare; ndichakugarisai panzvimbo dziri pasi dzenyika, pakanga panamatongo kare nakare, pamwechete navanoburukira mugomba, kuti urege kugarwa navanhu; asi ndichaisa mufaro munyika yavapenyu.
21Asi iwe ndichakuita chinhu chinotyisa, haungazovipo; kunyange ukatsvakwa, haungawanikwizve nokusingaperi, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.