1Zvino shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti,
2Zvino iwe, Mwanakomana womunhu, ita mariro pamusoro peTire;
3uti kuTire, Nhai iwe ugere pavanopinda pagungwa, iwe unoshambadzirana namarudzi avanhu pazviwi zvizhinji, zvanzi naIshe Jehovha, iwe Tire, wakati, Ndakakwana pakunaka.
4Nyika yako iri mumoyo wamakungwa; vavaki vako vakakwanisa kunaka kwako.
5Vakaita mapuranga ako ose nemisipiresi inobva Seniri; vakatora musidhari weRebhanoni kukuitira danda rechikepe.
6Matanda ako okukwasva nawo vakaaita nemiouki yeBhashani; vakaita zvigaro zvako pazvikepe nenyanga dzenzou dzakavezerwa mumapuranga emipaini yakabva kuzviwi zveKitimi
7Maseiri ako aiva omucheka wakaisvonaka, wakasonerwa vukomba, aibva Egipita, kuti uve mureza wako; denga rako raiva romucheka mutema nomutsvuku waibva kuzviwi zveErisha.
8Vakanga vagere Sidhoni neArivhadhi ndivo vaiva vakwasvi vako; vanhu vako vakachenjera, iwe Tire, vakanga vari mukati mako, ndivo vaiva vafambisi vezvikepe zvako.
9Vakuru veGebhari navakachenjera varo vaiva mukati mako vachikugadzirira paisinirira mvura; zvikepe zvose zvegungwa zvaiva mukati mako pamwechete navafambisi vazvo kuti vashambadzirane newe.
10Vanhu vePerisia neRudhi nePuti vaiva muhondo yako, vaiva varwi vako; vaiturikira mukati mako nhovo dzavo nengowani dzavo; vaikuitira mbiri.
11Varume veArivhadhi vaiva pamusoro pamasvingo ako kumativi ose pamwechete nehondo yako, nemhare dzaiva pamusoro peshongwe dzako; vaiturika nhovo dzavo pamasvingo ako kumativi ose, vaikwanisa kunaka kwako.
12Tarishishi raishambadzirana newe nokuda kwefuma zhinji yamarudzi ose, vakatenga nhumbi dzako nesirivha nedare netini nomutobvu.
13Nyika dzeJavhani, Tubhari, neMesheki ndivo vaitengerana newe, vaitenga nhumbi dzako nemiviri yavanhu nemidziyo yendarira.
14Veimba yaTogarima vakatenga nhumbi dzako namabhiza namabhiza ehondo namahesera.
15Varume veDhedhani ndivo vaitengerana newe; zviwi zvizhinji zvaiva nzvimbo pawaitengesa noruoko rwako; vaiuya nenyanga dzenzou namatanda omushuma kuzotsinhanha newe.
16Nyika yeSiria yaishambadzirana newe nokuda kwezvizhinji zvako zvakaitwa namaoko; vakatenga nhumbi dzako namabwe esimaragidhino, nomucheka mutema, nezvakarukwa, nomucheka wakaisvonaka, nekorari, namabwe anovaima.
17Judha nenyika yaIsiraeri ndivo vaitengerana newe; vaitenga nhumbi dzako nezviyo zveMiniti, nezvinotapira, nohuchi, namafuta, nebharisami.
18Dhamasiko raishambadzirana newe richitenga zvizhinji zvako zvakaitwa namaoko, nokuda kwefuma zhinji yamarudzi ose, newaini yeHeribhoni nemvere chena.
19Nyika dzeVedhani neJavhani dzakatenga nhumbi dzako nechinda; dare rinobwinya, nekasia, nekaramo ndizvo zvakanga zviri pakati penhumbi dzako.
20Dhedhani raikutengesera micheka inokosha yokutasvisa mabhiza nayo.
21Nyika yeArabhia namachinda ose enyika yeKedhari ndivo vaitenga pamaoko enyu; makwayana namakondobwe nembudzi ndizvo zvavaitenga kwauri.
22Vatengesi veShebha neRaama ndivo vaitengerana newe; vaishambadzira nhumbi dzako nezvinonhuhwira zvakaisvonaka, namabwe ose anokosha, nendarama.
23Harani neChane neEdheni ivo vatengesi veShebha neAshuri neKirimadhi ndivo vaitengerana newe.
24Ndivo vaitengerana newe nenhumbi dzakatsaurwa, nenguvo dzemicheka mitema nezvakarukwa, namabhokisi ezvokufuka zvinokosha, akasungwa namabote, akavezwa nemisidhari, pakati penhumbi dzako.
25Zvikepe zveTarishishi ndizvo zvaiimba pamusoro pako nokuda kwenhumbi dzako dzekutengeserana, iwe ukazadzwa, ukaitirwa mbiri mumoyo yamakungwa.
26Vakwasvi vako vakakuisa kumvura zhinji; mhepo yokumabvazuva yakakuputsa mumoyo wamakungwa.
27fuma yako, nenhumbi dzako, nezvokutengesa zvako, vafambisi vezvikepe zvako, navarairi vazvo, navagadziri vako panosinirira mvura, navashambadziri venhumbi dzako, navarwi vako vose, vari mukati mako, navanhu vako vazhinji vari mukati mako, zvose zvichawira mumoyo wamakungwa nezuva rokuparadzwa kwako.
28Mafungu achadengenyeka nomubvumo wokudanidzira kwavarairi vezvikepe zvako.
29Vose vanobata namatanda okukwasva, ivo vafambisi navarairi vose vapagungwa, vachaburuka pazvikepe zvavo; vachamira pamahombekombe,
30vachadana namanzwi avo pamusoro pako, vachachema kwazvo ; vachikushira guruva pamisoro yavo; vachaumburukira, mumadota;
31vachazviita maparavara nouparavara nokuda kwako, vachazvisunga zvivuno namasaga, vachikuchema nemweya ine shungu kwazvo nokuchema kukuru.
32Pakuchema kwavo vachakuitira mariro, vachachema pamisoro pako, vachiti, Ndianiko wakatongofanana neTire, wakaita saiye wakaparadzwa mukati megungwa?
33Panguva yakaenda nhumbi dzako kumakungwa, wakagutisa vanhu vazhinji; wakafumisa madzimambo enyika nefuma yako zhinji nezvawaitengesa.
34Panguva yawakaputswa namakungwa mukati memvura zhinji yakadzika, nhumbi dzako navanhu vako vose zvakawira pasi mukati mako.
35Vose vagere pazviwi vanoshamiswa pamusoro pako, madzimambo avo anotya kwazvo; zviso zvavo zvinodedera.
36Vatengesi pakati pamarudzi avanhu vanokuridzira muridzo, wava chinhu chinotyisa, haungatongozovipo.