1Zvino negore ramakumi maviri namashanu rokutapwa kwedu, pakutanga kwegore, nezuva regumi romwedzi, negore regumi namana rakatevera kurohwa kweguta, nezuva iroro, ruoko rwaJehovha rwakanga ruri pamusoro pangu.
2Pane zvandakaratidzwa naMwari, akandisvitsa munyika yaIsiraeri, akandiisa pagomo refu-refu, pakanga pane chinhu chakanga chakafanana neguta kurutivi rwezasi.
3Akandiisako; zvino tarira, kwakanga kuno murume, pakuonekwa kwake akanga akaita sendarira, anorwonzi muruoko rwake, norutsanga rwokuyeresa narwo; akamira pasuwo.
4Murume uyo akati kwandiri, Mwanakomana womunhu, tarira nameso ako, inzwa nenzeve dzako, urangarire nomoyo wako zvose zvandichakuratidza; nekuti wakasvitswa pano kuti ndikuratidze izvozvo; paridzira imba yaIsiraeri zvose zvaunoona.
5Zvino tarira, kwakanga kuno rusvingo rwakapoteredza imba nechokunze; muruoko rwomurume uyo makanga munorutsanga rwokuyeresa narwo, rwakasvika mamita matanhatu pakureba kwarwo, rimwe nerimwe richiitawo mita imwe nohupamhi bwechanza; ipapo akayera ukobvu hworusvingo, hukaita rutsanga rumwe, nokureba rutsanga rumwe.
6Zvino wakasvika pasuwo rakatarira kurutivi rwamabvazuva, akakwira nezvikwiriso zvaro, akayera chikumbaridzo chesuwo, zvikaita rutsanga rumwe, nechimwe chikumbaridzozve, zvikaita rutsanga rumwe.
7Kamuri imwe neimwe yavarindi yakanga yakaita rutsanga rumwe pakureba, norutsanga rumwe paupamhi; pakati pamakamuri pakanga panamamita mashanu; uye chikumbaridzo chesuwo paberere resuwo kurutivi rweimba chakaita rutsanga rumwe.
8Akayerawo berere resuwo kurutivi rweimba, zvikaita rutsanga rumwe.
9Ipapo akayera berere resuwo, zvikaita mamita masere, nembiru dzaro, mamita maviri; berere resuwo rakanga riri kurutivi rweimba.
10Makamuri esuwo rokumabvazuva aiva matatu nechemberi namatatu necheseri, ose matatu aiva nechiyero chimwe, nembiru dzaiva nechiyero chimwe nechemberi necheseri.
11Akayera upamhi hwomukova bwesuwo, zvikaita mamita ane gumi; nokureba kwesuwo, mamita ane gumi namatatu.
12Kwakanga kuno rumhanda pamberi pamakamuri, rwakaita mita rimwe nechemberi, norumhanda rwakaita mita rimwe necheseri.
13Akayera suwo kubva padenga rekamuri imwe kusvikira padenga reimwe, zvikaita mamita makumi maviri namashanu pakufara; mukova mumwe wakatarisana nomumwe mukova.
14Akaitawo mbiru, dzakasvika mamita makumi matanhatu; ruvanze rwakanga rwakapoteredza suwo kusvikira pambiru.
15Zvino kubva pamberi pesuwo, pavanopinda napo, kusvikira pamberi peberere resuwo romukati, zvakaita mamita makumi mashanu.
16Mumakamuri makanga muna mahwindo akapfigwa, nomumbiru dzawo mukati mesuwo kumativi ose, saizvozvowo pamaberere; mahwindo akanga aripowo kumativi ose nechomukati; pambiru imwe neimwe pakanga pane miti yemichindwe.
17Zvino akandiisa muruvanze rokunze, ndikaona makamuri neguva rakarongwa namabwe, zvakaitirwa ruvanze kumativi ose; kwakanga kuna makamuri makumi matatu paguva rakarongwa.
18Guva rakarongwa rakanga riri kurutivi rwamasuwo, rakaenzana pakureba kwaro namasuwo, iro guva rakarongwa rapasi.
19Zvino wakayera hupamhi kubva pamberi pesuwo rapazasi kusvikira kunze pamberi poruvanze rwomukati, zvikaita mamita ane zana, kurutivi rwamabvazuva nokurutivi rwokumusoro.
20Wakayerawo kureba nohupamhi bwesuwo roruvanze rwokunze rakatarira kurutivi rwokumusoro.
21Makamuri aro aiva matatu nechemberi, namatatu necheseri; mbiru dzaro namaberere aro zvakanga zvakaenzana nechiyero chesuwo rokutanga; kureba kwaro kwakasvika mamita makumi mashanu nohupamhi mamita makumi maviri namashanu.
22Mahwindo aro, namaberere aro, nemichindwe yaro zvakanga zvakaenzana nechiyero chesuwo rakatarira kurutivi rwamabvazuva; vanhu vaikwirako nezvikwiriso zvinomwe; maberere aro akanga ari pamberi paro.
23Muruvazhe rwomukati makanga munesuwo rakatarisana nerimwe suwo, kurutivi rwokumusoro nokurutivi rwamabvazuva; akayera kubva kune rimwe suwo kusvikira kune rimwe suwo zvikaita makubhiti ane zana.
24Zvino akaenda neni kurutivi rwezasi, ndikaona suwo kurutivi rwezasi; akayera mbiru dzaro namaberere aro nezviyero izvozvo.
25Mahwindo aivapo mukati maro nomumaberere aro kumativi ose, akafanana namahwindo iwayo; pakureba kwazvo zvakaita mamita makumi mashanu, nokufara kwazvo mamita makumi maviri namashanu.
26Kwakanga kune zvikwiriso zvinomwe zvokukwira nazvo kwariri; maberere aro akanga ari pamberi paro; uye rakanga rine michindwe pambiru dzaro, mumwe nechemberi nomumwe necheseri.
27Kwakanga kune suwo paruvanze rwomukati kurutivi rwezasi; akayera kubva kune rimwe suwo kusvikira kune rimwe suwo kurutivi rwezasi zvikaita mamita ane zana.
28Zvino wakandiisa kuruvanze rwomukati kusuwo rezasi; akayera suwo rezasi nezviyero izvozvi;
29namakamuri aro, nembiru dzaro, namaberere aro nezviyero izvozvi; kwakanga kuna mahwindo mukati maro nomumaberere aro kumativi ose; zvakanga zvakaita makubhiti makumi mashanu pakureba, namamita makumi maviri namashanu pahupamhi.
30Kwakanga kuna maberere kumativi ose, akaita mamita makumi maviri namashanu pakureba, namamita mashanu pahupamhi.
31Maberere aro akanga akatarira kuruvanze rwokunze; kwakanga kune michindwe pambiru dzaro; chikwiriso charo chakanga chine zvikwiriso zvisere.
32Zvino wakandiisa muruvanze rwomukati kurutivi rwamabvazuva, akayera suwo nezviyero izvozvi;
33namakamuri aro, nembiru dzaro, namaberere aro nezviyero izvozvi; makanga muna mahwindo mukati maro nomumaberere aro kumativi ose; zvakaita mamita makumi mashanu pakureba, namamita makumi maviri namashanu pahupamhi.
34Maberere aro akanga akatarira kuruvazhe rwokunze, kwakanga kune michindwe pambiru dzaro, nechemberi necheseri; chikwiriso charo chakanga chine zvikwiriso zvisere.
35Zvino wakandiisa kusuwo rokumusoro, akariyera nezviyero izvi;
36makamuri aro, nembiru dzaro, namaberere aro; makanga muna mahwindo mukati maro kumativi ose; pakureba zvakaita mamita makumi mashanu, napahupamhi mamita makumi maviri namashanu.
37Mbiru dzaro dzakanga dzakatarira kuruvanze rwokunze; kwakanga kune michindwe yakavezwa pambiru dzaro, nechemberi necheseri; chikwiriso charo chakanga chine zvikwiriso zvisere.
38Pambiru napamasuwo pakanga pane kamuri yaiva nomukova wayo; ndipo pavaisuka zvipiriso zvinopiswa.
39Muberere resuwo makanga muna matafura uku maviri nechemberi, namatafura maviri necheseri, pokubayira zvipiriso zvinopiswa nezvibayiro zvezvivi nezvibayiro zvemhosva.
40Kurutivi rwokunze, kana munhu achikwira kundopinda pasuwo kurutivi rwokumusoro kwakanga kuna matafura maviri, uye kuno rumwe rutivi rweberere resuwo, kwakanga kuna matafura maviri.
41Kwakanga kuna matafura mana kune rumwe rutivi, namatafura mana kurutivi rweseri, kurutivi rwesuwo, matafura masere paibayirwa zvibayiro.
42Kwakanga kuna matafura mana amabwe akavezwa, ezvipiriso zvinopiswa; pakureba akasvika mita nehafu, pahupamhi mita nehafu, pakukwirira mita nehafu; ndipo pavakaisa nhumbi dzavaibayira nadzo zvipiriso zvinopiswa nezvibayiro.
43Haka dzakanga dzakaita soupamhi hwechanza pakureba kwadzo, dzakanga dzakasungirwa kumativi ose; pamatafura pakanga pane nyama yokuvonga.
44Kunze kwesuwo romukati kwakanga kuna makamuri avaimbi voruvanze rwomukati, rwaiva kurutivi rwesuwo rokumusoro; iwo akatarira kurutivi rwezasi, rimwe kurutivi rwamabvazuva richitarira kurutivi rwokumusoro.
45Zvino akati kwandiri, Kamuri iri, rakatarira kurutivi rwezasi, nderavapristi, ivo vachengeti vebasa reimba;
46kamuri, rakatarira kurutivi rwokumusoro, nderavapristi, vachengeti vebasa rearitari; ndivo vanakomana vaZadhoki, vanobva pakati pavanakomana vaRevi vachaswedera kuna Jehovha kuzomushumira.
47Zvino akayera ruvanze, zvikaita mamita ane zana pakureba, namamita ane zana paupamhi, mativi mana akaenzana; aritari yakanga iri pamberi peimba.
48Zvino akandiisa paberere reimba, akayera mbiru imwe neimwe yeberere, zvikaita makubhiti mashanu kune rumwe rutivi, namamita mashanu kurutivi rweseri; upamhi bwesuwo hwakaita mamita matatu kune rumwe rutivi mamita matatu kurutivi rweseri.
49Kureba kweberere kwakanga kuchiita mamita makumi maviri, noupamhi mamita ane gumi nerimwe, ipapo pazvikwiriso zvavaikwira nazvo; pambiru dzesuwo pakanga pane dzimwe mbiru, imwe kuno rumwe rutivi, neimwe kurutivi rweseri.