Shona

Romani: New Testament

Ezekiel

41

1Zvino wakandiisa kutemberi, akayera mbiru, zvikaita mamita matanhatu paupamhi kurutivi rumwe, namamita matanhatu paupamhi kuno rumwe rutivi, ndihwo upamhi bwetabhenakeri.
2Upamhi hwemukova hwakaita mamita gumi; mativi emukova akaita mamita mashanu kurutivi rumwe, nemamita mashanu kune rumwe rutivi; akayera kureba kwazvo, zvikaita mamita makumi mana, noupamhi mamita makumi maviri.
3Zvino akapinda mukati, akayera mbiru imwe neimwe yomukova, zvikaita mamita maviri, nomukova mamita matanhatu, noupamhi hwomukova mamita manomwe.
4Akayera kureba kwawo zvikaita mamita makumi maviri, nohupamhi, mamita makumi maviri pamberi petemberi; akati kwandiri, Iyi ndiyo nzvimbo tsvene-tsvene.
5Ipapo akayera madziro eimba, zvikaita mamita matanhatu, uye hupamhi bwekamuri rimwe nerimwe rokumativi, zvikaita mamita mana, zvichipoteredza imba kumativi ose.
6Makamuri okumativi akanga akaturikidzwa akaita matatu, rimwe riri pamusoro perimwe, zvikaitwa runamakumi matatu; akanga akavakirwa mukati mamadziro eimba aiva kurutivi rwamakamuri okumativi, kuti atsigirwe nawo; haana kutsigirwa namadziro eimba.
7Makamuri okumativi akawedzera upamhi pakupoteredza kwawo imba, achikwirira nokukwirira; nekuti kupoteredza kweimba kwakaramba kuchikwirira kumativi ose eimba; naizvozvo imba yakawedzera upamhi pakukwirira kwayo; naizvozvo munhu aikwira achibva pakamuri rezasi kusvikira kune rokumusoro, achipfuura napakamuri rapakati.
8Ndakaonawo kuti paimba pakanga panapamwe pakakwirira kumativi ose; nheyo dzemakamuri okumativi dzakasvika rutsanga rwose, mamita matanhatu kusvikira pakusangana kwamadziro.
9Ukobvu bwechidziro chamakamuri okumativi nechokunze, hwakaita mamita mashanu; saizvozvowo nzvimbo, yakasiiwa, yaiva yamakamuri okumativi eimba.
10Pakati pamakamuri paiva nenzvimbo yakaita mamita ana makumi maviri yaipoteredza imba kumativi ose.
11Mikova yamakamuri okumativi yakanga ichitarira kurutivi rwenzvimbo yaiva yoga, mumwe mukova kurutivi rwokumsuro, mumwe mukova kurutivi rwezasi, upamhi bwenzvimbo yaiva yoga hwakaita mamita mashanu kumativi ose.
12Imba yakanga iri pamberi penzvimbo, yaiva yoga kurutivi rwamavirazuva, yakaita mamita makumi manomwe paupamhi hwayo; chidziro cheimba kumativi ose chakaita mamita mashanu paukobvu, namamita makumi mapfumbamwe pakureba.
13Saizvozvo akayera imba, ikaita mamita ane zana pakureba; uye nzvimbo yaiva yoga, neimba namadziro ayo, zvikaita mamita ane zana pakureba;
14uye hupamhi bweimba nechemberi kwayo, nokwenzvimbo yaiva yoga kurutivi rwamabvazuva, zvikaita mamita ane zana.
15Zvino akayera kureba kweimba pamberi penzvimbo yaiva yoga, yakanga iri shure kwayo, namaberere ayo kuno rutivi rumwe nokuno rumwe rutivi, zvikaita mamita ane zana; uye temberi yomukati, namaberere oruvanze;
16nezvikumbaridzo, namahwindo akanga akapfigwa, namaberere akapoteredza makamuri matatu akaturikidzwa, akatarisana nechikumbaridzo, akanga akaroverwa matanda kumativi ose, kubva pasi kusvikira kumahwindo, asi mahwindo akanga akafukidzwa,
17kusvikira kumusoro kwemukova, kusvikira kuimba yemukati nekunze, nekuchidziro chose kumativi ose mukati nekunze, nezviyero zvazvo.
18Zvakange zvakaitwa zvina makerubhi nemichindwe; kwakange kune muchindwe pakati pekerubhi rimwe nerimwe, uye kerubhi rimwe nerimwe rakange rine zviso zviviri;
19naizvozvo kwakanga kune chiso chomunhu chakatarira kumuchindwe kurutivi rumwe, nechiso cheshumba duku chakatarira kumuchindwe kuno rumwe rutivi; ndizvo zvazvakanga zvakaitwa paimba yose kumativi ose;
20kubva pasi kusvikira kumusoro komukova kwakanga kuna makerubhi nemichindwe; saizvozvowo pachidziro chetemberi.
21Kana iri temberi, mbiru dzemikova dzakanga dzina mativi mana akaenzana; kana iri nzvimbo tsvene pamberi payo yakanga yakafanana netemberi.
22Aritari yakanga yakavezwa namatanda, yakasvika mamita matatu pakukwirira kwayo, nokureba kwayo mamita maviri; makona ayo, nokureba kwayo, namadziro ayo, zvakanga zvakavezwa namatanda; akati kwandiri, Iri ndiro tafura riri pamberi paJehovha.
23Temberi nenzvimbo tsvene zvakanga zvine mikova miviri.
24Mukova mumwe nomumwe wakange una masasa maviri, masasa maviri aitendereka; masasa maviri pamukova mumwe, uye masasa maviri pane mumwe.
25Paari, ipo pamasasa etemberi, pakanga pakavezwa makerubhi nemichindwe, zvakafanana nezvakaitwa pamadziro; pakanga pane chikumbaridzo chamatanda nechapamberi peberere nechokunze.
26Kwakanga kuna mahwindo akapfigwa nemichindwe kurutivi rumwe nokuno rumwe rutivi, kumativi eberere; ndizvo zvakanga zvakaita makamuri okumativi eimba nezvikumbaridzo.