Shona

Romani: New Testament

Ezekiel

46

1Zvanzi naIshe Jehovha, suwo roruvanze rwomukati rakatarira kumabvazuva rinofanira kugara rakapfigwa mazuva matanhatu anobatwa nawo; asi nezuva resabata rinofanira kuzarurwa, uye nezuva rokugara komwedzi rinofanira kuzarurwa.
2Muchinda anofanira kupinda napanzira yeberere resuwo rokunze, ndokumira pambiru yesuwo; zvino vapristi vanofanira kumugadzirira chipiriso chake chinopiswa nezvipiriso zvake zvokuyananisa, iye agonamata pachikumbaridzo chesuwo; ipapo anofanira kubuda; asi suwo harifaniri kupfigwa kusvikira madekwana.
3Vanhu venyika vanofanira kunamata pamukova wesuwo iro pamberi paJehovha pamasabata napakugara kwemwedzi.
4Chipiriso chinopiswa, chinovigirwa Jehovha nomuchinda nomusi wesabata chinofanira kuita makwayana matanhatu asina mhosva nehondobwe risina mhosva;
5uye chipiriso choupfu chinofanira kuita efa imwe pahondobwe, uye chipiriso choupfu pamakwayana sezvaanogona kupa, nehini yamafuta paefa imwe neimwe.
6Nezuva rokugara komwedzi zvinofanira kuita nzombe duku isina mhosva, namakwayana matanhatu, nehondobwe; zvinofanira kuva zvisina mhosva.
7Zvino iye anofanira kugadzira chipiriso choupfu, efa imwe panzombe, neefa imwe pahondobwe, napamakwayana sezvaanogona, nehini yamafuta paefa imwe neimwe.
8Kana muchinda achipinda, anofanira kupinda nenzira yeberere resuwo, uye anofanira kubuda nenzira iyo.
9Asi kana vanhu venyika vachiuya pamberi paJehovha pamitambo yakatarwa, anopinda nenzira yesuwo rokurutivi rwokumusoro kuzonamata, anofanira kubuda nenzira yesuwo rokurutivi rwezasi; anopinda napanzira yesuwo rokurutivi rwezasi, anofanira kubuda nenzira yesuwo rokurutivi rwokumusoro; haafaniri kudzoka nenzira yaakauya nayo, asi anofanira kufamba akatarira mberi.
10Kana vachipinda, muchinda anofanira kupinda ari pakati pavo; kana vachibuda vanofanira kubuda pamwechete.
11Pamitambo napanguva dzemitambo chipiriso choupfu chinofanira kuita efa imwe panzombe, neefa imwe pahondobwe, napamakwayana sezvaanogona kupa, nehini yamafuta paefa imwe neimwe.
12Kana muchinda achigadzira chipiriso chokungopa nokuzvidira, kana chipiriso chinopiswa, kana zvipiriso zvokuyananisa, chive chipiriso chokungopa Jehovha nokuzvidira, mumwe uchamuzarurira suwo rakatarira kurutivi rwamabvazuva; anofanira kugadzira chipiriso chake chinopiswa nezvipiriso zvake zvokuyananisa, sezvaanoita nomusi wesabata, ipapo anofanira kubuda; kana abuda mumwe anofanira kupfiga suwo.
13Anofanira kugadzirawo zuva rimwe nerimwe gwayana regore rimwe risina mhosva, chive chipiriso chinopisirwa Jehovha; anofanira kurigadzira mangwanani ose.
14Pamwechete naro anofanira kugadzira mangwanani ose chipiriso choupfu, chinoti mugove wechitanhatu weefa, nomugove wechitatu wehini yamafuta kunyorovesa nawo upfu hwakatsetseka; chive chipiriso choupfu kuna Jehovha nguva dzose nomutemo usingaperi.
15Saizvozvo vanofanira kugadzira gwayana, nechipiriso choupfu, namafuta, mangwanani ose, chive chipiriso chinopiswa nguva dzose.
16Zvanzi naIshe Jehovha, Kana muchinda akapa mumwe wavanakomana vake chipo, yava nhaka yake, chichava chavanakomana vake; chava chavo nokugara nhaka.
17Asi kana akapa mumwe wavaranda vake chipo chinobva panhaka yake, chichava chake kusvikira pagore rokusunungurwa; ipapo chinofanira kudzokera kumuchinda; asi kana iri nhaka yake ichava yavanakomana vake.
18Uye muchinda haafaniri kutorera vanhu nhaka yavo, kuti avadzinge panyika yavo; anofanira kupa vanakomana vake nhaka inobva pane zvake, kuti vanhu vangu varege kuparadzirwa mumwe nomumwe abve pane zvake.
19Zvino akapinda neni napamukova, akanga ari parutivi rwesuwo, mumakamuri matsvene avapristi, akatarira kurutivi rwokumusoro; zvino tarira, kwakanga kune nzvimbo nechemberi kurutivi rwamavirazuva.
20Akati kwandiri, Iyi ndiyo nzvimbo panofanira kubika vapristi chipiriso chemhosva nechipiriso chezvivi, uye pavanofanira kubika chipiriso choupfu; kuti varege kubuda nazvo kuruvanze rwokunze, kuzonatsa vanhu nazvo.
21Zvino akaenda neni kuruvanze rwokunze, akandifambisa napamakona mana oruvanze; zvino tarira, pakona rimwe nerimwe roruvanze pakanga pano ruvanze.
22Pamakona mana oruvanze pakanga pana mavanze akakomberedzwa, akaita mamita makumi mana pakureba, namakumi matatu pakufara; awa mana pamakona akanga akaenzana.
23Mukati mawo makanga mune chidziro kumativi ose, chakanga chakakomberedza iwo mana, uye pakanga pane zvoto zvokubikira munyasi mechidziro kumativi ose.
24Zvino akati kwandiri, Idzi ndidzo dzimba dzokubikira, panofanira kubikirwa zvibayiro zvavanhu navanoshumira paimba.