1Zvino akandidzosera kumukova weimba, ndikaona mvura zhinji ichibuda pasi pechikumbaridzo cheimba kurutivi rwamabvazuva, nekuti imba yakanga yakatarira kurutivi rwamabvazuva nechemberi kwayo; mvura yakayerera ichibva nechapasi, kurutivi rworudyi rweimba, kurutivi rwezasi rwearitari.
2Zvino akandibudisa nenzira yesuwo rokurutivi rwokumusoro, akapota neni nenzira yokunze kusvikira kusuwo rokunze, nenzira yesuwo rakanga rakatarira kurutivi rwezasi; zvino tarira, mvura zhinji yakanga ichibuda kurutivi rworudyi.
3Zvino murume uyo wakati achibudira kurutivi rwamabvazuva anorwonzi muruoko rwake, akayera mamita ane chiuru chimwe, akandiyambusa nomumvura, mvura ikasvikira kuzviziso zvamakumbo.
4Zvino akayerazve mamita ane chiuru chimwe, akandiyambusa nomumvura, mvura ikasvikira kumabvi. Akayerazve mamita ane chiuru chimwe, akandiyambusa nomumvura, mvura ikasvikira kuchiuno.
5Shure kwaizvozvo akayera mamita ane chiuru chimwe; zvino rwakanga rwava rwizi, rwandakakoniwa kuyambuka; nekuti mvura yakanga yakwirira, yava mvura mungashambira munhu, ruri rwizi rusingabviri kuyambukwa.
6Akati kwandiri, Mwanakomana womunhu, waona chinhu ichi here? Zvino akaenda neni, akandidzosera kumahombekombe erwizi.
7Ndakati ndadzoka, ndikaona pamahombekombe erwizi miti mizhinji kwazvo kuno nemhiri.
8Zvino akati kwandiri, Mvura iyi zhinji inobuda ichienda kunyika iri kumabvazuva, ichayerera kusvikira kuArabha, ndokuenda kurutivi rwegungwa; zvino ichandodira mugungwa, kuti mvura iporeswe.
9Zvino zvipenyu zvose zvinopfakanyika pose panosvika nzizi idzi mbiri, zvichararama; hove zhinji kwazvo dzichavapo, nekuti mvura iyi yakasvikako, mvura yose ichaporeswa, uye zvose zvichararama pose panosvika rwizi.
10Vateyi vehove vachamirapo, kubva Engedhi kusvikira Enegiraimi vachateyapo utava; hove dzichavapo dzakafanana nehove dzegungwa guru namarudzi adzo, dziri zhinji kwazvo.
11Asi panamatope napanamachakwi hapangaporeswi; acharegererwa munyu.
12Parwizi, pamahombekombe arwo, kuno nemhiri, pachamera miti yamarudzi ose inodyiwa, isingaomi mashizha ayo, uye isingashaiwi zvibereko zvayo; ichabereka zvibereko zvitsva mwedzi mumwe nomumwe, nekuti mvura yarwo inobuda panzvimbo tsvene; michero yayo ichava zvokudya, namashizha ayo achaporesa.
13Zvanzi naIshe Jehovha, Iyi ndiyo miganho, yamunofanira kuganhura nyika nayo ive nhaka yamarudzi ane gumi namaviri alsiraeri: Josefa anofanira kupiwa migove miviri.
14Munofanira kugara nhaka, mumwe achienzaniswa nomumwe; nekuti ndakapika kuti ndichaipa madzibaba enyu; nyika iyi ichava nhaka yenyu.
15Iyi ndiyo miganho yenyika: Kurutivi rwokumusoro, kubva kugungwa guru, nenzira yeHetironi, kusvikira pavanopinda vachienda Zedhadhi;
16neHamati, neBherota, neShibhiraimi, riri pakati pomuganhu weDhamasiko nomuganhu weHamati; neHazerihatikoni, riri pamuganhu weHaurani.
17muganhu unobva kugungwa ndiHazarienoni pamuganhu weDhamasiko; kurutivi rwokumusoro, zvichienda kumusoro, muganhu ndiHamati. Ndirwo rutivi rwokumusoro.
18Kurutivi rwamabvazuva pakati peHaurani neDhamasiko nenyika yalsiraeri, muganhu unofanira kuva Joridhani; munofanira kuyera kubva kumuganhu wokumusoro kusvikira kugungwa rokumabvazuva. Ndirwo rutivi rwamabvazuva.
19Rutivi rwezasi zvichienda zasi, muganhu uchabva paTamari kusvikira kumvura yeMeribhatikadheshi, kusvikira kurukova rweEgipita, kusvikira kugungwa guru. Ndirwo rutivi rwezasi, zvichienda zasi.
20Kurutivi rwamavirazuva muganhu unofanira kuva gungwa guru, kubva kurutivi rwezasi kusvikira pakatarisana navanopinda kana vachienda Hamati. Ndirwo rutivi rwamavirazuva.
21Saizvozvo munofanira kuzviganhurira nyika iyi, zvichienzana namarudzi alsiraeri.
22Munofanira kuiganhura nemijenya, ive nhaka yenyu neyavatorwa vagere pakati penyu, vanozobereka vana pakati penyu; ivo vanofanira kuva kwamuri savakaberekwa pakati paIsiraeri; vanofanira kugara nhaka pamwechete nemwi pakati pamarudzi alsiraeri.
23Pakati porudzi pagere mutorwa ndipo pamunofanira kumupa nhaka yake, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.