1Zvino awa ndiwo mazita amarudzi: Kurutivi rwokumusoro, zvichienda nenzira yeHetironi kusvikira pavanopinda vachienda Hamati neHazarienani pamuganhu weDhamasiko, zvichienda kurutivi rwokumusoro napaHamati mativi avo anofanira kuenda kumabvazuva nokumavirazuva, ndiwo mugove mumwe waDhani.
2Pamuganhu waDhani, kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva, ndiwo mugove mumwe waAsheri.
3Pamuganhu waAsheri, kubva kurutivi rwamavirazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva, ndiwo mugove mumwe waNafutari.
4Pamuganhu waNafutari, kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva, ndiwo mugove mumwe waManase.
5Pamuganhu waManase, kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva, ndiwo mugove mumwe waEfuremu.
6Pamuganhu waEfuremu, kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva, ndiwo mugove mumwe waRubheni.
7Pamuganhu waRubheni, kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva ndiwo mugove mumwe waJudha.
8Pamuganhu waJudha, kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva, chichava chipo chamunofanira kuvigira Jehovha, tsanga dzine zviuru zvina makumi maviri nezvishanu pahupamhi, nokureba kwakaenzana nomumwe wemigove, kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva; nzvimbo tsvene inofanira kuva pakati payo.
9Chipo chamunofanira kuvigira Jehovha chinofanira kuita tsanga dzine zviuru zvina makumi maviri nezvishanu pakureba, uye tsanga dzine zviuru zvine gumi pahupamhi.
10Chipo icho chitsvene chinofanira kupiwa ava, ivo vapristi; kurutivi rwokumusoro tsanga dzine zviuru zvina makumi maviri nezvishanu pakureba, nokurutivi rwamavirazuva tsanga dzine zviuru zvine gumi pahupamhi, nokurutivi rwamabvazuva dzine zviuru zvine gumi pahupamhi, nokurutivi rwezasi dzine zviuru zvina makumi maviri nezvishanu pakureba; nzvimbo tsvene yaJehovha inofanira kuva pakati payo.
11Chichava chavapristi vakaitwa vatsvene pakati pavanakomana vaZadhoki, vakachengeta zvandakavaraira, vasina kutsauka nenguva yokutsauka kwavana vaIsiraeri, sezvakatsauka vaRevhi.
12Chichava chipo kwavari chakatorwa pachipo chenyika, chinhu chitsvene, pamuganhu wavaRevhi.
13VaRevhi vanofanira kupiwa mugove wakaenzana nomuganhu wavapristi, ndokuti tsanga dzine zviuru zvina makumi maviri nezvishanu pakureba, nezviuru zvine gumi pahupamhi; kureba kose kuchaita tsanga dzine zviuru zvina makumi maviri nezvishanu, nezviuru zvine gumi pahupamhi.
14Havafaniri kutongoitengesa, kana kuitsinhanha neimwe nyika, uye zvibereko zvokutanga zvenyika hazvifaniri kupfuudzwa, nekuti zvitsvene kuna Jehovha.
15Tsanga dzine zviuru zvishanu dzakasara pahupamhi bwenyika, pamberi pedzine zviuru zvina makumi maviri nezvishanu, hazvizi zvitsvene, ndezveguta, nopokugara noruwa; guta rinofanira kuva pakati pazvo.
16Kukura kwayo kunofanira kuva kudai: Rutivi rwokumusoro, tsanga dzine zviuru zvina namazana mashanu, norutivi rwezasi zviuru zvina namazana mashanu, nokurutivi rwamabvazuva zviuru zvina namazana mashanu, norutivi rwamavirazuva zviuru zvina namazana mashanu.
17Guta rinofanira kuva nemafuro kurutivi rwokumusoro tsanga dzina mazana maviri namakumi mashanu, nokurutivi rwezasi mazana maviri namakumi mashanu, nokurutivi rwamabvazuva mazana maviri namakumi mashanu, nokurutivi rwamavirazuva mazana maviri namakumi mashanu.
18Zvakasara pakureba kwayo, izvo zvakaenzana nechipo chitsvene, zvinofanira kuita tsanga dzine zviuru zvine gumi kurutivi rwamabvazuva, nezviuru zvine gumi kurutivi rwamavirazuva; zvichaenzana nechipo chitsvene; michero yayo inofanira kuva zvokudya zvavanobata muguta.
19Vanobata muguta, ivo vanobva kumarudzi ose alsiraeri, vanofanira kuirima.
20Chipo chose chinofanira kuita tsanga dzine zviuru zvina makumi maviri nezvishanu pakureba, nezviuru zvina makumi maviri nezvishanu paupamhi; munofanira kuvigira Jehovha chipo icho chitsvene, chinamativi mana akaenzana, pamwechete nenzvimbo yeguta.
21Zvakasara zvinofanira kuva zvomuchinda, nechemberi necheseri kwechipo chitsvene nenzvimbo yeguta; pamberi petsanga dzine zviuru zvina makumi maviri nezvishanu zvechipo, kumuganhu wokurutivi rwamabvazuva, nokurutivi rwamavirazuva pamberi pezviuru zvina makumi maviri nezvishanu kumuganhu wokurutivi rwamavirazuva, zvakaenzana nemigove, ndizvo zvinofanira kuva zvomuchinda; chipo chitsvene nenzvimbo tsvene yeimba zvinofanira kuva pakati pazvo.
22Uyewo, kubva panyika yavaRevhi, nokubva panzvimbo yeguta, izvo zviri pakati penyika yomuchinda, pakati pomuganhu waJudha nomuganhu waBhenjamini, zvinofanira kuva zvomuchinda.
23Kana ari marudzi mamwe akasara: Kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva, ndiwo mugove mumwe waBhenjamini.
24Pamuganhu waBhenjamini, kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva, ndiwo mugove mumwe waSimioni.
25Pamuganhu waSimioni, kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva, ndiwo mugove mumwe waIsakari.
26Pamuganhu waIsakari, kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva, ndiwo mugove mumwe waZebhuruni.
27Pamuganhu waZebhuruni, kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva, ndiwo mugove mumwe waGadhi.
28Pamuganhu waGadhi, kurutivi rwezasi, zvichienda zasi, muganhu unofanira kubva paTamari kusvikira kumvura zhinji yeMeribhatikadheshi, kurukova rweEgipita, kusvikira kugungwa guru.
29Ndiyo nyika yamunofanira kuganhura nemijenya pakati pamarudzi aIsiraeri ive nhaka yavo, uye iyi ndiyo migove yavo vose, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
30Iyi ndiyo migumo yeguta: Kurutivi rwokumusoro tsanga dzine zviuru zvina namazana mashanu pakuyerwa kwazvo;
31masuwo eguta anofanira kutumidzwa mazita amarudzi aIsiraeri; masuwo matatu kurutivi rwokumusoro, anoti: suwo raRubheni, rimwe, suwo raJudha, rimwe, uye suwo raRevhi, rimwe.
32Kurutivi rwamabvazuva, tsanga dzine zviuru zvina namazana mashanu, namasuwo matatu, anoti: suwo raJosefa, rimwe, suwo raBhenjamini, rimwe, uye suwo raDhani, rimwe.
33Kurutivi rwezasi, tsanga dzine zviuru zvina namazana mashanu pakuyerwa kwazvo, namasuwo matatu, anoti: suwo raSimioni, rimwe, suwo raIsakari, rimwe, uye suwo raZebhuruni, rimwe.
34Kurutivi rwamavirazuva, tsanga dzine zviuru zvina namazana mashanu, namasuwo apo matatu, anoti: suwo raGadhi, rimwe, suwo raAsheri, rimwe, uye suwo raNafutari, rimwe.
35Zvose zvinofanira kuita tsanga dzine zviuru zvine gumi nezvisere pamativi ose mana; zita reguta kubva pazuva iro rinofanira kunzi, Jehovha aripano.