Shona

Romani: New Testament

Ezekiel

8

1Zvino negore rechitanhatu, nomwedzi wechitanhatu, nezuwa reshanu romwedzi, ini ndigere mumba mangu, navakuru vaJudha vagere pamberi pangu, ruoko rwaIshe Jehovha ndokuwira pamusoro pangu.
2Ipapo ndikatarira ndikaona mufananidzo unenge somoto; kubva pakaita sechiuno chake zvichienda pasi, kwakanga kunomoto, kubva pachiuno chake zvichikwira kumusoro zvinenge kubwinya, sedare rinopenya.
3Akatambanudza zvakanga zvakaita soruoko, akandibata nebumu romusoro wangu, Mweya wakandisimudza pakati pedenga nenyika, ndokundiisa paJerusaremu ndichiratidzwa zviratiidzo naMwari, kumukova wesuwo roruvanze rwomukati unotarira kurutivi rwokumusoro, pakanga pane chigaro chechifananidzo chegodo, chinomutsa godo.
4Zvino tarira, kubwinya kwaMwari waIsiraeri kwakanga kuripo, zvakafanana nezvandakaona mubani.
5Ipapo akati kwandiri, Mwanakomana womunhu, rinzira meso ako kurutivi rwokumusoro. Ipapo ndakaringira meso angu kurutivi rwokumusoro, ndikaona kurutivi rwokumusoro rwesuwo rearitari chifananidzo ichi chegodo chimire panopindwa napo.
6Akati kwandiri, Mwanakomana womunhu, unoona zvavanoita here? Izvo zvinonyangadza zvikuru zvinoitwa pano neimba yaIsiraeri, kuti ini ndibve ndiende kure nenzvimbo yangu tsvene here? Asi uchaonazve zvimwe zvinonyangadza zvikuru.
7Akandiisa kumukova woruvanze; zvino ndakati ndichitarira, ndikaona pakakoromoka parusvingo.
8Zvino akati kwandiri, Mwanakomana womunhu, chera zvino parusvingo; zvino ndakati ndachera parusvingo, ndikaona mukova.
9Akati kwandiri, Pinda, undoona zvinonyangadza zvakashata zvavanoita pano.
10Ipapo ndakapinda, ndikaona; tarira, mifananidzo yamarudzi ose ezvinokambaira pasi, nemhuka dzinonyangadza, nezvifananidzo zvose zveimba yaIsiraeri zvakafananidzwa parusvingo kumativi ose.
11Pamberi pazvo pakanga pamire varume vana makumi manomwe vavakuru veimba yaIsiraeri; pakati pavo pakanga pamire Jaazania mwanakomana waShafani, mumwe nomumwe akabata hadyana yake yezvinonhuhwira muruoko rwake; munhuwi wegore rezvinonhuhwira ukaramba uchikwira.
12Ipapo akati kwandiri, Mwanakomana womunhu, waona here zvinoitwa navakuru veimba yaIsiraeri murima, mumwe nomumwe mukamuri yake yemifananidzo? nekuti vanoti, Jehovha haationi; Jehovha akabva panyika ino.
13Akatiwo kwandiri, Uchaonazve zvimwe zvinonyangadza zvikuru zvavanoita.
14Ipapo akandiisa kumukova wesuwo reimba yaJehovha rakanga riri kurutivi rwokumusoro; ndikaona vakadzi vagerepo vachichema Tamuzi.
15Zvino akati kwandiri, Wazviona here, iwe Mwanakomana womunhu? Uchaona zvimwe zvinonyangadza zvinopfuura izvo.
16Ipapo akandiisa muruvanze rwomukati rweimba yaJehovha; tarira, pamukova wetemberi yaJehovha pakati peberere nearitari, kwakanga kuna varume vanenge makumi maviri navashanu, vakafuratira temberi yaJehovha, zviso zvavo zvakaringira kurutivi rwamabvazuva; vakanga vachinamata zuva kurutivi rwamabvazuva.
17Zvino akati kwandiri, Wazviona here, iwe Mwanakomana womunhu? Chinhu chiduku here kuimba yaJudha, kuti vaite zvinonyangadza zvavanoita pano? nekuti vakazadza nyika nokuita nesimba, vakadzoka vomutsa kutsamwa kwangu; tarira vanoisa davi kumhino dzavo.
18Naizvozvo neniwo ndichaita nehasha; ziso rangu haringapembedzi, handingavi netsitsi; kunyange vakadanidzira munzeve dzangu nenzwi guru, handingavanzwi.