Shona

Romani: New Testament

Ezekiel

9

1Ipapo akadanidzira munzeve dzangu nenzwi guru, achiti, Swededzai vatariri veguta, mumwe nomumwe ane nhumbi yake yokuparadza muruoko rwake.
2Zvino tarira, varume vatanhatu vakabva nenzira yesuwo rokumusoro, riri kurutivi rwokumusoro, mumwe nomumwe ane zvombo zvake muruoko rwake, nomumwe murume pakati pavo akafuka mucheka, ano runyanga rweingi rwomunyori pachiuno chake. Vakapinda, vakandomira parutivi rwearitari yendarira.
3Zvino kubwinya kwaMwari waIsiraeri kwakanga kwakwira kuchibva pakerubhi, pakwakanga kuri, kukasvika kuchikumbaridzo cheimba; akadana murume akanga akafuka mucheka, akanga anorunyanga rweingi rwomunyori pachiuno chake.
4Jehovha akati kwaari, Pfuura napakati peguta, napakati peJerusaremu, uise chiratidzo pahuma dzavanhu vanogomera nokuchema pamusoro pezvinonyangadza zvose zvinoitwa mukati maro.
5Asi kuna vamwe wakati, ini ndichizvinzwa, Pfuurai nomuguta muchimutevera, muuraye; ziso renyu ngarirege kupembedza, musava netsitsi;
6urayai vose vatana namajaya nemhandara navanana navakadzi; asi regai kuswedera kunomumwe anechiratidzo; mutange panzvimbo yangu tsvene. Ipapo vakatanga navatana vakanga vari pamberi peimba.
7Akati kwavari, Svibisai imba, muzadze mavanze navakaurawa; chibudai. Vakabuda, vakauraya muguta.
8Zvino vakati vachiuraya, ini ndasiiwa ndiri ndoga, ndikawira pasi nechiso changu, ndikachema, ndichiti, Aiwa, Ishe Jehovha! Ko munoparadza vose vakasara vaIsiraeri pakudurura kwenyu hasha dzenyu pamusoro peJerusaremu here?
9Ipapo akati kwandiri, Zvakaipa zveimba yaIsiraeri naJudha zvakakura kwazvo, nyika izere neropa, neguta rizere nezvisakarurama; nekuti vanoti, Jehovha akabva panyika, Jehovha haaoni.
10Neni, kana ndirini, ziso rangu haringapembedzi, handingavi netsitsi, asi ndichauyisa zvavakaita pamisoro yavo.
11Zvino tarira, murume akanga akafuka mucheka, akanga anorunyanga rweingi pachiuno chake, akadzoka neshoko, akati, Ndaita sezvamakandirayira.