1Vane nhamo vagere zvakanaka paZiyoni, navagere pakasimba mugomo reSamaria, ivo vanhu vane mbiri vorudzi rukuru pakati pamarudzi, kunoenda imba yaIsiraeri!
1Горе беспечным на Сионе и надеющимся на гору Самарийскую именитым первенствующего народа, к которым приходит дом Израиля!
2Pfuurirai Karine, muone; kubva ipapo endai Hamati, iro guta guru; zvino muende Gati ravaFirisitia; ivo vakakurira ushe hwohuno here? Nyika yavo ihuru kune yenyu here?
2Пройдите в Калне и посмотрите, оттуда перейдите в Емаф великий и спуститесь в Геф Филистимский: не лучше ли они сих царств? не обширнее ли пределы их пределов ваших?
3Iyemi, munoti zuva rakaipa richiri kure, muchiswededza zvigaro panoitwa nesimba;
3Вы, которые день бедствия считаете далеким и приближаете торжество насилия, –
4imwi, munovata pamibhedha yenyanga dzenzou, muchizamura pauvato bwenyu, muchidya makwayana amapoka, nemhuru dziri mukati mechirugu;
4вы, которые лежите на ложах из слоновой кости и нежитесь на постелях ваших, едите лучших овнов из стада и тельцов с тучногопастбища,
5munoimba nziyo dzisina maturo mbira dzichiridzwa, munozviitira zvinoridzwa saDhavhidhi;
5поете под звуки гуслей, думая, что владеете музыкальным орудием,как Давид,
6imi, munomwa waini nemidziyo yokubayira, muchizora mafuta akaisvonaka; asi hamune hanya nokukuvadzwa kwaJosefa.
6пьете из чаш вино, мажетесь наилучшими мастями, и не болезнуете о бедствии Иосифа!
7Naizvozvo zvino vachatapwa nowokutanga vanotapwa; ipapo ruzha rwavanozamura ruchapfuura.
7За то ныне пойдут они в плен во главе пленных, икончится ликование изнеженных.
8Ishe Jehovha wakapika naiye amene ndizvo zvinotaura Jehovha, iye Mwari wehondo achiti, Ndinosema kuzvikudza kwaJakove, ndinovenga dzimba dzavo dzoushe; naizvozvo ndinoisa guta nezvose zvirimo kuvavengi vavo.
8Клянется Господь Бог Самим Собою, и так говорит Господь Бог Саваоф: гнушаюсь высокомерием Иакова и ненавижу чертоги его, и предам город и все, что наполняет его.
9Zvino kana varume vane gumi vakasara muimba imwe vachafa.
9И будет: если в каком доме останется десять человек, то умрут иони,
10Kana hama yomunhu wakafa ichiuya kumutora iye anozomupisa, ichibvisa mafupa mumba, ikati kuno ari mukati-kati meimba, Kuchinomumwe newe here? Iye akati Kwete! ipapo uchati nyarara, nekuti hazvina kufanira kuti tireve zita raJehovha.
10и возьмет их родственник их или сожигатель, чтобы вынести кости ихиз дома, и скажет находящемуся при доме: есть ли еще у тебя кто? Тот ответит: нет никого. Искажет сей: молчи! ибо нельзя упоминать имени Господня.
11nekuti tarirai, Jehovha anoraira, iye achakoromora imba huru, neimba duku ichaita mitswe.
11Ибо вот, Господь даст повеление и поразит большие дома расселинами, а малые дома – трещинами.
12Ko mabhiza angamhanya paruware here? Ko pangarimwa nemombe here? nekuti makashandura kururamisa mukakuita nduru, nezvibereko zvokururama mukazviita gavakava;
12Бегают ли кони по скале? можно ли распахивать ее волами? Вы между тем суд превращаете в яд и плод правды в горечь;
13iyemi, munofarira chinhu chisina maturo, muchiti, Hatina kuzviwanira nyanga nesimba redu here?
13вы, которые восхищаетесь ничтожными вещами и говорите: „не своею ли силою мы приобрели себе могущество?"
14nekuti tarirai, ndichakumutsirai rumwe rudzi, imwi imba yaIsiraeri, ndizvo zvinotaura Jehovha, iye Mwari wehondo; ruchakutambudzai kubva pavanopinda paHamati kusvikira kurukova rwerenje.
14Вот Я, говорит Господь Бог Саваоф, воздвигну народ против вас, дом Израилев, и будут теснить вас от входа в Емаф до потока в пустыне.