1Kune chinhu chakaipa chandakaona pasi pezuva, chinoremedza vanhu.
1Есть зло, которое видел я под солнцем, и оно часто бывает между людьми:
2Munhu anopiwa naMwari fuma nezvakawanda nokukudzwa, saizvozvo kuti mweya wake hautongoshaiwi chinhu chaanoda; asi Mwari haamupi simba rokudya izvozvo; asi mutorwa anozvidya, ichi hachina maturo, ihosha yakaipa.
2Бог дает человеку богатство и имущество и славу, и нет для души егонедостатка ни в чем, чего не пожелал бы он; но не дает ему Бог пользоваться этим, а пользуется тем чужой человек: это – суета и тяжкий недуг!
3Kana munhu akabereka vana vane zana, akararama makore mazhinji, mazuva amakore ake akava mazhinji, asi mweya wake asingagutswi nezvakanaka, uyezve akasavigwa zvakanaka, ndinoti mwana wakaberekwa nguva isati yasvika anopfuura iye;
3Если бы какой человек родил сто детей , и прожил многие годы, и еще умножились дни жизни его, но душа его не наслаждалась бы добром и не было бы ему и погребения, то я сказал бы: выкидыш счастливее его,
4nekuti anouya asina maturo, anoendazve murima, zita rake rinofukidzwa nerima;
4потому что он напрасно пришел и отошел во тьму, и его имя покрыто мраком.
5uyezve, haana kuona zuva kana kuriziva; mwana akadai ane zororo kupfuura iye.
5Он даже не видел и не знал солнца: ему покойнее, нежели тому.
6Zvirokwazvo, kunyange akararama makore ane zviuru zviviri zvamazana, asingafariri zvinhu zvakanaka, ko vose havaendi kunzvimbo imwe here?
6А тот, хотя бы прожил две тысячи лет и не наслаждался добром, не все ли пойдет в одно место?
7Kubata kose komunhu kunoitirwa muromo wake; kunyange zvakadaro kuda kwake zvokudya hakugutswi.
7Все труды человека – для рта его, а душа его не насыщается.
8nekuti akachenjera anokurira benzi nei? Kana murombo anei, iye anoziva kufamba zvakanaka pamberi pavapenyu.
8Какое же преимущество мудрого перед глупым, какое – бедняка, умеющего ходить перед живущими?
9Kuona kwameso kunopfuura kutsvakatsvaka komweya. Naizvozvowo hazvina maturo, ndiko kudzingana nemhepo chete.
9Лучше видеть глазами, нежели бродить душею. И это – также суета и томление духа!
10Chinhu chipi nechipi, chakavapo, chakanguva chapiwa zita racho, zvakatarwa kuti munhu achava akadini, haangarwi nowanomupfuura nesimba.
10Что существует, тому уже наречено имя, и известно, что это – человек, и что он не может препираться с тем, кто сильнее его.
11nekuti mashoko mazhinji ariko, anowedzera zvisina maturo; munhu anobatsirwei nazvo?
11Много таких вещей, которые умножают суету: что же для человека лучше?
12nekuti ndiani anoziva zvakafanira munhu paupenyu hwake, iwo mazuva ose oupenyu hwake husina maturo, anorarama somumvuri? nekuti ndiani angaudza munhu zvichazomutevera pasi pezuva?
12Ибо кто знает, что хорошо для человека в жизни, во все дни суетной жизни его, которые он проводит как тень? И кто скажет человеку, что будет после него подсолнцем?