1Hareruya! Rumbidzai zita raJehovha; Murumbidzei, imwi varanda vaJehovha;
1(134:1) Аллилуия. Хвалите имя Господне, хвалите, рабы Господни,
2imwi mumire mumba maJehovha, Muvazhe dzeimba yaMwari wedu.
2(134:2) стоящие в доме Господнем, во дворах дома Бога нашего.
3Rumbidzai Jehovha; nekuti Jehovha akanaka; Imbirai zita rake nziyo dzokurumbidza; nekuti ndizvo zvinofadza.
3(134:3) Хвалите Господа, ибо Господь благ; пойте имени Его, ибо это сладостно,
4nekuti Jehovha akazvisanangurira Jakove, NaIsiraeri kuti ave fuma yake chaiyo.
4(134:4) ибо Господь избрал Себе Иакова, Израиля в собственность Свою.
5nekuti ndinoziva kuti Jehovha . mukuru, Uye kuti Ishe wedu ari kumusoro kwavamwari vose.
5(134:5) Я познал, что велик Господь, и Господь наш превыше всех богов.
6Zvose zvaakada kuita Jehovha akazviita, Kudenga napasi, nomumakungwa napakadzika pose.
6(134:6) Господь творит все, что хочет, на небесах и на земле, на морях и во всех безднах;
7Anokwidza makore pamigumo yapasi; Anoita mheni kuuyisa mvura; Anobudisa mhepo panovigwa fuma yake.
7(134:7) возводит облака от края земли, творит молнии при дожде, изводит ветер из хранилищ Своих.
8Ndiye akaparadza matangwe Avanhu neezvipfuwo.
8(134:8) Он поразил первенцев Египта, от человека до скота,
9Akatuma zviratidzo nezvishamiso mukati mako, iwe Egipita, Pamusoro paFarao napamusoro pavaranda vake vose.
9(134:9) послал знамения и чудеса среди тебя, Египет, на фараона и навсех рабов его,
10Ndiye akaparadza ndudzi zhinji, Nokuuraya madzimambo anesimba.
10(134:10) поразил народы многие и истребил царей сильных:
11Sihoni mambo wavaAmori, NaOgi mambo weBhashani, Noushe hwose bweKanani;
11(134:11) Сигона, царя Аморрейского, и Ога, царя Васанского, и все царства Ханаанские;
12Akapa nyika yavo ive nhaka, Ive nhaka yaIsiraeri vanhu vake.
12(134:12) и отдал землю их в наследие, в наследие Израилю, народуСвоему.
13Zita renyu, Jehovha, riripo nokusingaperi; Munorangarirwa Jehovha, kusvikira kumarudzi namarudzi.
13(134:13) Господи! имя Твое вовек; Господи! память о Тебе в род и род.
14nekuti Jehovha achatonga vanhu vake, Nokuzvidemba pamusoro pavaranda vake.
14(134:14) Ибо Господь будет судить народ Свой и над рабами Своими умилосердится.
15Zvifananidzo zvavahedheni isirivha nendarama, Mubato wamaoko avanhu.
15(134:15) Идолы язычников – серебро и золото, дело рук человеческих:
16Zvinemiromo, asi hazvitauri; Nameso zvinawo, asi hazvioni;
16(134:16) есть у них уста, но не говорят; есть у них глаза, но не видят;
17Zvinenzeve, asi hazvinzwi; Hakuna kufema pamiromo yazvo.
17(134:17) есть у них уши, но не слышат, и нет дыхания в устах их.
18Vanozviita vachafanana nazvo; Zvirokwazvo, navose vanovimba nazvo.
18(134:18) Подобны им будут делающие их и всякий, кто надеется на них.
19imwi veimba yalsiraeri, rumbidzai Jehovha; imwi veimba yaAroni, rumbidzai Jehovha;
19(134:19) Дом Израилев! благословите Господа. Дом Ааронов! благословите Господа.
20imwi veimba yaRevhi, rumbidzai Jehovha; imwi vanotya Jehovha, rumbidzai Jehovha.
20(134:20) Дом Левиин! благословите Господа. Боящиеся Господа! благословите Господа.
21Jehovha ngaarumbidzwe paZiyoni, Iye agere Jerusaremu. Hareruya!
21(134:21) Благословен Господь от Сиона, живущий в Иерусалиме! Аллилуия!