1Pamusoro pazvo, hama, ndinokuzivisai evhangeri yandakakuparidzirai, yamagamuchirawo, neyamumire mairi;
1ADEMAS os declaro, hermanos, el evangelio que os he predicado, el cual también recibisteis, en el cual también perseveráis;
2iyo yamunoponeswawo nayo, kana muchibatisisa manzwi eevhangeri andakaparidza kwamuri, kunze kwekuti makatenda pasina.
2Por el cual asimismo, si retenéis la palabra que os he predicado, sois salvos, si no creísteis en vano.
3Nekuti ndakakumikidza kwamuri pakutanga izvo zvandakagamuchirawo, kuti Kristu wakafira zvivi zvedu, zvichienderana nemagwaro;
3Porque primeramente os he enseñado lo que asimismo recibí: Que Cristo fué muerto por nuestros pecados conforme á las Escrituras;
4uye kuti wakavigwa, uye kuti wakamutswa zuva retatu, zvichienderana nemagwaro;
4Y que fué sepultado, y que resucitó al tercer día, conforme á las Escrituras;
5uye kuti wakaonekwa kuna Kefasi, pashure kune vanegumi nevaviri;
5Y que apareció á Cefas, y después á los doce.
6shure kweizvozvo wakaonekwa kuhama dzinopfuura mazana mashanu kamwe, vazhinji vavo vachiripo kusvikira zvino, asi vamwe varara;
6Después apareció á más de quinientos hermanos juntos; de los cuales muchos viven aún, y otros son muertos.
7shure kweizvozvo wakaonekwa kuna Jakobho; ipapo kuvaapositori vose.
7Después apareció á Jacobo; después á todos los apóstoles.
8Uye pakupedzisira akaonekwa neniwo, sekune wakazvarwa nguva isina kufanira.
8Y el postrero de todos, como á un abortivo, me apareció á mí.
9Nekuti ini ndiri mudukusa wevaapositori, zvekuti handifaniri kunzi muapositori, nekuti ndakashusha kereke yaMwari.
9Porque yo soy el más pequeño de los apóstoles, que no soy digno de ser llamado apóstol, porque perseguí la iglesia de Dios.
10Asi nenyasha dzaMwari ndiri zvandiri, uye nyasha dzake dziri kwandiri hadzina kuva pasina; asi ndakabata zvikuru kupfuura vose; zvakadaro handisi ini, asi nyasha dzaMwari dzaiva neni.
10Empero por la gracia de Dios soy lo que soy: y su gracia no ha sido en vano para conmigo; antes he trabajado más que todos ellos: pero no yo, sino la gracia de Dios que fué conmigo.
11Naizvozvo, kana ndiri ini kana ivo, saizvozvo tinoparidza uye saizvozvo makatenda.
11Porque, ó sea yo ó sean ellos, así predicamos, y así habéis creído.
12Zvino kana Kristu achiparidzwa kuti wakamutswa kuvakafa, vamwe pakati penyu vanoreva sei kuti hakuna kumuka kwevakafa?
12Y si Cristo es predicado que resucitó de los muertos ¿cómo dicen algunos entre vosotros que no hay resurrección de muertos?
13Asi dai pasina kumuka kwevakafa, naKristu haana kumutswa;
13Porque si no hay resurrección de muertos, Cristo tampoco resucitó:
14uye kana Kristu asina kumutswa, naizvozvo kuparidza kwedu hakuna maturo, nerutendo rwenyuwo harwuna maturo,
14Y si Cristo no resucitó, vana es entonces nuestra predicación, vana es también vuestra fe.
15nesuwo tinowanikwa tiri zvapupu zvaMwari zvenhema, nekuti takapupura kuti Mwari wakamutsa Kristu iye waasina kumutsa, kana zviri izvo kuti vakafa havamutswi.
15Y aun somos hallados falsos testigos de Dios; porque hemos testificado de Dios que él haya levantado á Cristo; al cual no levantó, si en verdad los muertos no resucitan.
16Nekuti kana vakafa vasingamutswi, Kristu haana kumutswawo;
16Porque si los muertos no resucitan, tampoco Cristo resucitó.
17uye kana Kristu asina kumutswa, rutendo rwenyu harwuna maturo; muchiri muzvivi zvenyu.
17Y si Cristo no resucitó, vuestra fe es vana; aun estáis en vuestros pecados.
18Zvino naivo varere muna Kristu vaparara.
18Entonces también los que durmieron en Cristo son perdidos.
19Kana tine tariro muna Kristu paupenyu hwuno chete, tinonzwisa urombo kukunda vanhu vose.
19Si en esta vida solamente esperamos en Cristo, los más miserables somos de todos los hombres.
20Asi ikozvino Kristu wakamutswa kuvakafa, akava chibereko chekutanga chevarere.
20Mas ahora Cristo ha resucitado de los muertos; primicias de los que durmieron es hecho.
21Nekuti nemunhu rufu rwakauya, uye nemunhu kumuka kwevakafa kwakauya.
21Porque por cuanto la muerte entró por un hombre, también por un hombre la resurrección de los muertos.
22Nekuti vose muna Adhamu sezvavanofa, saizvozvovo vose muna Kristu vachararamiswa.
22Porque así como en Adam todos mueren, así también en Cristo todos serán vivificados.
23Asi umwe neumwe padzoro rake; Kristu chibereko chekutanga, tevere avo vari vaKristu pakuuya kwake,
23Mas cada uno en su orden: Cristo las primicias; luego los que son de Cristo, en su venida.
24kozouya kuguma, paachazokumikidza umambo kuna Mwari, ivo Baba paachaparadza kutonga kose neushe hwose nesimba.
24Luego el fin; cuando entregará el reino á Dios y al Padre, cuando habrá quitado todo imperio, y toda potencia y potestad.
25Nekuti unofanira kutonga, kusvikira aisa vavengi vose pasi petsoka dzake.
25Porque es menester que él reine, hasta poner á todos sus enemigos debajo de sus pies.
26Muvengi wokupedzisira uchaparadzwa rufu.
26Y el postrer enemigo que será deshecho, será la muerte.
27Nekuti wakaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake. Asi kana achiti zvinhu zvose zvakaiswa pasi pake, zviri pachena kuti iye uri kunze kwazvo wakaisa zvinhu zvose pasi pake.
27Porque todas las cosas sujetó debajo de sus pies. Y cuando dice: Todas las cosas son sujetadas á él, claro está exceptuado aquel que sujetó á él todas las cosas.
28Zvino kana zvinhu zvose zvaiswa pasi pake, ipapo neMwanakomanawo amene uchaiswa pasi paiye wakaisa zvose pasi pake, kuti Mwari ave zvose kune zvose.
28Mas luego que todas las cosas le fueren sujetas, entonces también el mismo Hijo se sujetará al que le sujetó á él todas las cosas, para que Dios sea todas las cosas en todos.
29Zvikasadaro, avo vanobhabhatidzirwa vakafa vachaita sei kana vakafa vasingatongomutswi? vakagobhabhatidzirwa ivo vakafa nemhaka yei?
29De otro modo, ¿qué harán los que se bautizan por los muertos, si en ninguna manera los muertos resucitan? ¿Por qué pues se bautizan por los muertos?
30Nemhaka yeiko nesu tiri panjodzi nguva imwe neimwe?
30¿Y por qué nosotros peligramos á toda hora?
31Ndinofa zuva nezuva, ndinopika nokuzvikudza pamusoro penyu kwandinako muna Kristu Jesu Ishe wedu.
31Sí, por la gloria que en orden á vosotros tengo en Cristo Jesús Señor nuestro, cada día muero.
32Kana ndakarwa nenzira yevanhu nezvikara paEfeso, zvinondibatsirei kana vakafa vasingamutswi? Ngatidye nekumwa, nekuti mangwana tinofa.
32Si como hombre batallé en Efeso contra las bestias, ¿qué me aprovecha? Si los muertos no resucitan, comamos y bebamos, que mañana moriremos.
33Musanyengerwa; kushamwaridzana nevakaipa kunoodza tsika dzakanaka.
33No erréis: las malas conversaciones corrompen las buenas costumbres.
34Pengenukai kune zvakarurama uye musatadza, nekuti vamwe vane kusaziva Mwari; ndinotaura kuti munyare.
34Velad debidamente, y no pequéis; porque algunos no conocen á Dios: para vergüenza vuestra hablo.
35Asi mumwe ungati: Vakafa vachamutswa sei? Uye vachauya nemuviri wakaita sei?
35Mas dirá alguno: ¿Cómo resucitarán los muertos? ¿Con qué cuerpo vendrán?
36Dununu, icho chaunodzvara hachiitwi chipenyu kunze kwekuti chafa;
36Necio, lo que tú siembras no se vivifica, si no muriere antes.
37uye icho chaunodzvara, haudzvari muviri uchavapo, asi tsanga isina chinhu, kana yemapfunde kana yezvimwe;
37Y lo que siembras, no siembras el cuerpo que ha de salir, sino el grano desnudo, acaso de trigo, ó de otro grano:
38asi Mwari unoipa muviri paanoda napo, nekumbeu imwe neimwe muviri wayo.
38Mas Dios le da el cuerpo como quiso, y á cada simiente su propio cuerpo.
39Nyama yose haisi nyama imwe; asi imwe nyama ndeyavanhu, imwe inyama yemhuka, imwe yehove, imwe yeshiri.
39Toda carne no es la misma carne; mas una carne ciertamente es la de los hombres, y otra carne la de los animales, y otra la de los peces, y otra la de las aves.
40kune miviriwo yekudenga, nemiviri yenyika; asi kubwinya kweyekudenga ndekumwe, asi kweyenyika ndekumwewo.
40Y cuerpos hay celestiales, y cuerpos terrestres; mas ciertamente una es la gloria de los celestiales, y otra la de los terrestres:
41Kumwe kubwinya ndekwezuva, asi kumwe kubwinya ndekwemwedzi, uye kumwe kubwinya ndekwenyeredzi, nekuti imwe nyeredzi inosiyana neimwe nyeredzi pakubwinya.
41Otra es la gloria del sol, y otra la gloria de la luna, y otra la gloria de las estrellas: porque una estrella es diferente de otra en gloria.
42Kwakadarowo kumuka kwevakafa. Kunodzvarwa mukuora, kunomutswa mukusaora;
42Así también es la resurrección de los muertos. Se siembra en corrupción se levantará en incorrupción;
43kunodzvarwa mukuzvidzwa, kunomutswa mukubwinya; kunodzvarwa muutera, kunomutswa musimba.
43Se siembra en vergüenza, se levantará con gloria; se siembra en flaqueza, se levantará con potencia;
44Kunodzvarwa kuri muviri wechisikigo, kunomutswa kuri muviri wemweya. kune muviri wechisikigo, uye kune muviri wemweya.
44Se siembra cuerpo animal, resucitará espiritual cuerpo. Hay cuerpo animal, y hay cuerpo espiritual.
45Zvakanyorwa saizvozvowo, zvichinzi: Munhu wekutanga Adhamu wakaitwa mweya mupenyu; Adhamu wokupedzisira mweya unoraramisa.
45Así también está escrito: Fué hecho el primer hombre Adam en ánima viviente; el postrer Adam en espíritu vivificante.
46Asi zvekutanga hazvisi zvemweya asi zvechisikigo; tevere zvemweya.
46Mas lo espiritual no es primero, sino lo animal; luego lo espiritual.
47Munhu wekutanga wakabva panyika, ndewevhu; munhu wechipiri ndiIshe wakabva kudenga.
47El primer hombre, es de la tierra, terreno: el segundo hombre que es el Señor, es del cielo.
48Sewevhu, ndizvo zvakaitawo avo vevhu; uye sewekudenga, ndizvo zvakaitawo vekudenga.
48Cual el terreno, tales también los terrenos; y cual el celestial, tales también los celestiales.
49Uye sezvatakanga tine chimiro chewevhu, tichavawo nechimiro chewekudenga.
49Y como trajimos la imagen del terreno, traeremos también la imagen del celestial.
50Zvino ndinoreva izvi, hama, kuti nyama neropa hazvingagoni kugara nhaka yeushe hwaMwari; nokuora hakungagari nhaka yekusaora.
50Esto empero digo, hermanos: que la carne y la sangre no pueden heredar el reino de Dios; ni la corrupción hereda la incorrupción.
51Tarirai, ndinokuudzai chakavanzika: Hatingavati tose, asi tichashandurwa tose;
51He aquí, os digo un misterio: Todos ciertamente no dormiremos, mas todos seremos transformados.
52nenguva dukuduku, mukuhwaira kweziso, pahwamanda yekupedzisira; nekuti hwamanda icharira, uye vakafa vachamutswa mukusaora; nesu tichashandurwa;
52En un momento, en un abrir de ojo, á la final trompeta; porque será tocada la trompeta, y los muertos serán levantados sin corrupción, y nosotros seremos transformados.
53Nekuti ichi chinoora chinofanira kufuka kusaora; nechichi chinofa chifuke kusafa.
53Porque es menester que esto corruptible sea vestido de incorrupción, y esto mortal sea vestido de inmortalidad.
54Zvino kana ichi chinoora chafuka kusaora; nechichi chinofa chafuka kusafa, ipapo richaitika shoko rakanyorwa rinoti: Rufu rwakamedzwa mukukunda.
54Y cuando esto corruptible fuere vestido de incorrupción, y esto mortal fuere vestido de inmortalidad, entonces se efectuará la palabra que está escrita: Sorbida es la muerte con victoria.
55Rufu, rumborera rwako ruripi? Guva, kukunda kwako kuripi?
55¿Dónde está, oh muerte, tu aguijón? ¿dónde, oh sepulcro, tu victoria?
56Rumborera rwerufu chivi, nesimba rechivi murairo.
56Ya que el aguijón de la muerte es el pecado, y la potencia del pecado, la ley.
57Zvino ngaavongwe Mwari unotipa kukunda kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu.
57Mas á Dios gracias, que nos da la victoria por el Señor nuestro Jesucristo.
58Naizvozvo, hama dzangu dzinodikamwa, mirai makasimba, musingazungunuswi, muchigara muchiwedzerwa pabasa raIshe muchiziva kuti kubata kwenyu hakusi pasina muna Ishe.
58Así que, hermanos míos amados, estad firmes y constantes, creciendo en la obra del Señor siempre, sabiendo que vuestro trabajo en el Señor no es vano.