Shona

Spanish: Reina Valera (1909)

1 Timothy

4

1Zvino Mweya unoreva zvakajeka kuti panguva dzekupedzisira vamwe vachatsauka parutendo, vachiteerera mweya inonyengera nedzidziso dzemadhimoni,
1EMPERO el Espíritu dice manifiestamente, que en los venideros tiempos alguno apostatarán de la fe escuchando á espíritus de error y á doctrinas de demonios;
2paunyepedzeri vachireva nhema, vakapiswa pahana dzavo nedare rinopisa,
2Que con hipocresía hablarán mentira, teniendo cauterizada la conciencia.
3vachidzivisa kuwanana, kurega chimwe chikafu Mwari chaakasikwa kuti chigamuchirwe nekuvonga nevanotenda vanoziva chokwadi.
3Que prohibirán casarse, y mandarán abstenerse de las viandas que Dios crió para que con hacimiento de gracias participasen de ellas los fieles, y los que han conocido la verdad.
4Nekuti chose chisikwa chaMwari chakanaka, uye hakuna chingafanira kurashwa kana chichigamuchirwa nekuvonga;
4Porque todo lo que Dios crió es bueno, y nada hay que desechar, tomándose con hacimiento de gracias:
5Nekuti chinoitwa chitsvene neshoko raMwari nemunyengetero.
5Porque por la palabra de Dios y por la oración es santificado.
6Kana uchiyevudzira hama zvinhu izvi, uchava mushumiri wakanaka waJesu Kristu, wakafundwa namashoko erutendo needzidziso yakanaka, yaunotevera.
6Si esto propusieres á los hermanos, serás buen ministro de Jesucristo, criado en las palabras de la fe y de la buena doctrina, la cual has alcanzado.
7Asi urambe ngano dzakaipa nedzechembere. Uzvirovedze pauMwari.
7Mas las fábulas profanas y de viejas desecha, y ejercítate para la piedad.
8Nekuti kurovedza muviri kunobatsira zvishoma, asi uMwari hunobatsira pazvinhu zvose, zvahune chivimbiso cheupenyu hwazvino nehwunouya.
8Porque el ejercicio corporal para poco es provechoso; mas la piedad para todo aprovecha, pues tiene promesa de esta vida presente, y de la venidera.
9Shoko iri rakatendeka, rinofanirwa nekugamuchirwa kose.
9Palabra fiel es esta, y digna de ser recibida de todos.
10Nekuti naizvozvo isu tose tinoshanda nesimba, nekushorwa, nekuti tinovimba naMwari mupenyu, unova Muponesi wevanhu vose, zvikuru waavo vanotenda.
10Que por esto aun trabajamos y sufrimos oprobios, porque esperamos en el Dios viviente, el cual es Salvador de todos los hombres, mayormente de los que creen.
11Raira zvinhu izvi udzidzise:
11Esto manda y enseña.
12Kusava nemunhu unozvidza uduku hwako, asi uve muenzaniso wevanotenda, pashoko pamufambiro, parudo, paMweya, parutendo, nepautsvene.
12Ninguno tenga en poco tu juventud; pero sé ejemplo de los fieles en palabra, en conversación, en caridad, en espíritu, en fe, en limpieza.
13Kusvikira ndasvika, ngwarira pakuverenga, pakuraira nepadzidziso.
13Entre tanto que voy, ocúpate en leer, en exhortar, en enseñar.
14Usashaya hanya nechipo chiri mauri, chawakapiwa nechiporofita, nokuiswa maoko eutariri.
14No descuides el don que está en ti, que te es dado por profecía con la imposición de las manos del presbiterio.
15Funganya pamusoro pezvinhu izvi, uzvipe nemoyo wose kwazviri, kuti kupfuurira mberi kwako kuonekwe kune vose.
15Medita estas cosas; ocúpate en ellas; para que tu aprovechamiento sea manifiesto á todos.
16Uzvichenjerere iwe nedzidziso. Urambire pazviri, nekuti mukuita izvi, uchazviponesa iwe nevanokunzwa.
16Ten cuidado de ti mismo y de la doctrina; persiste en ello; pues haciendo esto, á ti mismo salvarás y á los que te oyeren.