Shona

Spanish: Reina Valera (1909)

1 Timothy

3

1Ishoko rakatendeka rekuti: Kana munhu achishuva basa reutariri, unoshuva basa rakanaka;
1PALABRA fiel: Si alguno apetece obispado, buena obra desea.
2naizvozvo mutariri unofanira kuva usina chaangapomerwa, murume wemukadzi umwe, wakangwara, wakasvinura, unozvibata, unoitira vaeni rudo, unoziva kudzidzisa,
2Conviene, pues, que el obispo sea irreprensible, marido de una mujer, solícito, templado, compuesto, hospedador, apto para enseñar;
3usiri chidhakwa, usingafariri kurwa, usingakariri mibairo yakaipa; asi wakadzikama, usina gakava, usingakariri mari;
3No amador del vino, no heridor, no codicioso de torpes ganancias, sino moderado, no litigioso, ajeno de avaricia;
4unobata imba yake zvakanaka, une vana vanozviisa pasi nekukudza kose;
4Que gobierne bien su casa, que tenga sus hijos en sujeción con toda honestidad;
5Nekuti kana munhu asingazivi kubata imba yake, ungachengeta sei kereke yaMwari?
5(Porque el que no sabe gobernar su casa, ¿cómo cuidará de la iglesia de Dios?)
6Asava mutendi mutsva, kuti zvimwe nekukudzwa angawira mukutonga kwadhiabhorosi
6No un neófito, porque inflándose no caiga en juicio del diablo.
7Uyezve unofanira kupupurirwa zvakanaka nevari kunze, kuti zvimwe arege kuwira mukumhurwa nemumusungo wadhiabhorosi.
7También conviene que tenga buen testimonio de los extraños, porque no caiga en afrenta y en lazo del diablo.
8Saizvozvo vadhikoni* ngavave vanokudzwa, vasina manzwi maviri, vasingadi waini zhinji, vasingakariri fuma yakaipa;
8Los diáconos asimismo, deben ser honestos, no bilingües, no dados á mucho vino, no amadores de torpes ganancias;
9vanochengeta chakavanzika cherutendo muhana yakachena.
9Que tengan el misterio de la fe con limpia conciencia.
10Naivava ngavatange kuidzwawo, ipapo vashumire kana vasina chavangapomerwa.
10Y éstos también sean antes probados; y así ministren, si fueren sin crimen.
11Saizvozvowo vakadzi vavo ngavave vanokudzwa, kwete vacheri, vakasvinura, vakatendeka pazvose.
11Las mujeres asimismo, honestas, no detractoras, templadas, fieles en todo.
12Vadhikoni ngavave varume vane mukadzi umwe, vanobata vana vavo nedzimba dzavo zvakanaka.
12Los diáconos sean maridos de una mujer, que gobiernen bien sus hijos y sus casas.
13Nekuti avo vakashumira zvakanaka, vanozviwanira chimiro chakanaka, nekutsunga kukuru parutendo rwuri muna Kristu Jesu.
13Porque los que bien ministraren, ganan para sí buen grado, y mucha confianza en la fe que es en Cristo Jesús.
14Zvinhu izvi ndinokunyorera, ndichitarisira kuuya kwauri nekukurumidza;
14Esto te escribo con esperanza que iré presto á ti:
15asi kana ndikanonoka, ndinoda kuti uzive kuti unofanira kufamba sei mumba maMwari, inova kereke yaMwari mupenyu, mbiru nehwaro hwechokwadi.
15Y si no fuere tan presto, para que sepas cómo te conviene conversar en la casa de Dios, que es la iglesia del Dios vivo, columna y apoyo de la verdad.
16Hazvipikiswi kuti chakavanzika chekunamata Mwari chikuru; Mwari wakaratidzwa panyama, wakanzi wakarurama pamweya, wakaonekwa nevatumwa, akaparidzwa kuvahedheni, akatendwa panyika, akakwidzwa mukubwinya.
16Y sin cotradicción, grande es el misterio de la piedad: Dios ha sido manifestado en carne; ha sido justificado con el Espíritu; ha sido visto de los ángeles; ha sido predicado á los Gentiles; ha sido creído en el mundo; ha sido recibido en gloria.