Shona

Spanish: Reina Valera (1909)

Exodus

30

1Unofanira kuitawo aritari yokupisirapo zvinonhuhwira; uiite nomuti womuakasia.
1HARAS asimismo un altar de sahumerio de perfume: de madera de Sittim lo harás.
2Kureba kwayo ngakuve kubhiti rimwe, noupamhi hwayo kubhiti rimwe, nhivi dzose dzienzane; kukwirira kwayo ngakuve makubhiti maviri, uye nyanga dzayo ngadzive chinhu chimwe chete nayo.
2Su longitud será de un codo, y su anchura de un codo: será cuadrado: y su altura de dos codos: y sus cuernos serán de lo mismo.
3Unofanira kuifukidza nendarama yakaisvonaka, kumusoro kwayo, nokunhivi dzayo dzose, nenyanga dzayo; uiitirewo hata yendarama inoikomberedza.
3Y cubrirlo has de oro puro, su techado, y sus paredes en derredor, y sus cuernos: y le harás en derredor una corona de oro.
4Uiitirewo zvindori zviviri zvendarama pasi pehata yayo, pakona dzayo mbiri, panhivi dzayo mbiri, pave paingatakurwa namatanda.
4Le harás también dos anillos de oro debajo de su corona á sus dos esquinas en ambos lados suyos, para meter los varales con que será llevado.
5Uitewo matanda omuakasia, nokuafukidza nendarama.
5Y harás los varales de madera de Sittim, y los cubrirás de oro.
6Zvino unofanira kuiisa pamberi pechidzitiro chiri paareka yechipupuriro, pamberi pechifunhiro chokuyananisa chiri pamusoro pechipupuriro, pandichasangana newe.
6Y lo pondrás delante del velo que está junto al arca del testimonio, delante de la cubierta que está sobre el testimonio, donde yo te testificaré de mí.
7Aroni anofanira kupisa pamusoro payo zvinonhuhwira zvemiti yakanaka; ngaazvipise mangwanani ose, kana achigadzira mwenje.
7Y quemará sobre él Aarón sahumerio de aroma cada mañana cuando aderezare las lámparas lo quemará.
8Kana Aroni achitungidza mwenje madekwana, ngaazvipise, zvive zvinonhuhwira pamberi paJehovha nokusingaperi kusvikira kumarudzi enyu ose.
8Y cuando Aarón encenderá las lámparas al anochecer, quemará el sahumerio: rito perpetuo delante de Jehová por vuestras edades.
9Musapisira pamusoro payo zvinonhuhwira zvisina kufanira, kana chipiriso chinopiswa, kana chipiriso choupfu; musadururira pamusoro payo chipiriso chinodururwa.
9No ofreceréis sobre él sahumerio extraño, ni holocausto, ni presente; ni tampoco derramaréis sobre él libación.
10Aroni anofanira kuyananisa panyanga dzayo kamwe chete pagore; anofanira kuyananisa pamusoro payo kamwe chete pagore, neropa rechipiriso chezvivi chinoyananisa, kusvikira kumarudzi enyu ose; chinhu chitsvene kwazvo kuna Jehovha.
10Y sobre sus cuernos hará Aarón expiación una vez en el año con la sangre de la expiación para las reconciliaciones: una vez en el año hará expiación sobre él en vuestras edades: será muy santo á Jehová.
11Zvino Jehovha wakataura naMozisi, akati,
11Y habló Jehová á Moisés, diciendo:
12Kana uchiverenga vana vaIsiraeri, kuti uwone kuwanda kwavo, mumwe nomumwe anofanira kupa Jehovha rudzikunuro rwomweya wake, kana uchivaverenga; kuti varege kubatwa nehosha kana uchivaverenga.
12Cuando tomares el número de los hijos de Israel conforme á la cuenta de ellos, cada uno dará á Jehová el rescate de su persona, cuando los contares, y no habrá en ellos mortandad por haberlos contado.
13Vanofanira kupa kudai: Mumwe nomumwe unodarika kuna vakaverengwa hafu yeshekeri vachienzanisa neshekeri rapanzvimbo tsvene; (shekeri rinamagera ana makumi maviri,) hafu yeshekeri chive chipo kuna Jehovha.
13Esto dará cualquiera que pasare por la cuenta, medio siclo conforme al siclo del santuario. El siclo es de veinte óbolos: la mitad de un siclo será la ofrenda á Jehová.
14Mumwe nomumwe unodarika kuna vakaverengwa, wava namakore makumi maviri kana wapfuura makore iwayo, anofanira kupa Jehovha chipo ichocho.
14Cualquiera que pasare por la cuenta, de veinte años arriba, dará la ofrenda á Jehová.
15Mufumi ngaarege kuwedzera, nomurombo ngaarege kutapudza pahafu yeshekeri, kana vopa chipo icho, kuti muyananisire mweya yenyu.
15Ni el rico aumentará, ni el pobre disminuirá de medio siclo, cuando dieren la ofrenda á Jehová para hacer expiación por vuestras personas.
16Zvino unofanira kutora mari yokuyananisira kuvana vaIsiraeri, ugoripira basa retende rokusangana; kuti chive chirangaridzo kuvana vaIsiraeri pamberi paJehovha, kuti mweya yenyu iyananisirwe.
16Y tomarás de los hijos de Israel el dinero de las expiaciones, y lo darás para la obra del tabernáculo del testimonio: y será por memoria á los hijos de Israel delante de Jehová, para expiar vuestras personas.
17Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
17Habló más Jehová á Moisés, diciendo:
18Unofanira kuitawo mudziyo wendarira wokushambidzira, nechigadziko chawo chendarira, ugouisa pakati petende rokusangana nearitari, ndokuisamo mvura.
18Harás también una fuente de metal, con su basa de metal, para lavar; y la has de poner entre el tabernáculo del testimonio y el altar; y pondrás en ella agua.
19Kuti Aroni navanakomana vake vashambemo maoko avo netsoka dzavo.
19Y de ella se lavarán Aarón y sus hijos sus manos y sus pies:
20Kana vopinda mutende rokusangana, vanofanira kuzvishambidza nemvura, kuti varege kufa, kana voswedera paaritari kuzoshumira, kana kupisira Jehovha chipiriso chinopiswa nomoto.
20Cuando entraren en el tabernáculo del testimonio, se han de lavar con agua, y no morirán: y cuando se llegaren al altar para ministrar, para encender á Jehová la ofrenda que se ha de consumir al fuego,
21Vanofanira kushamba maoko avo namakumbo avo, kuti varege kufa; unofanira kuva mutemo usingaperi kwavari, kwaari nokuvanakomana vake kusvikira kumarudzi avo ose.
21También se lavarán las manos y los pies, y no morirán. Y lo tendrán por estatuto perpetuo él y su simiente por sus generaciones.
22Jehovha wakataurawo naMozisi akati,
22Habló más Jehová á Moisés, diciendo:
23Torawo miti inonhuhwira inokunda imwe, anoti mashekeri ana mazana mashanu emura inoyerera, nehafu yakadaro yekinamuni inonaka, ndiwo mashekeri ana mazana maviri namakumi mashanu, namashekeri ana mazana maviri namakumi mashanu ekaramusi yakanaka;
23Y tú has de tomar de las principales drogas; de mirra excelente quinientos siclos, y de canela aromática la mitad, esto es, doscientos y cincuenta, y de cálamo aromático doscientos y cincuenta,
24namazana mashanu ekasia, vachienzanisa neshekeri rapanzvimbo tsvene, nehini imwe yamafuta amaorivhi;
24Y de casia quinientos, al peso del santuario, y de aceite de olivas un hin:
25uite nazvo mafuta matsvene okuzodza nawo, zvive zvinonhuhwira zvakavhenganiswa nouchenjeri hwomuvhenganisi wezvinonhuhwira; ave mafuta matsvene okuzodza nawo.
25Y harás de ello el aceite de la santa unción, superior ungüento, obra de perfumador, el cual será el aceite de la unción sagrada.
26Zvino unofanira kuzodza nawo tende rokusangana neareka yechipupuriro,
26Con él ungirás el tabernáculo del testimonio, y el arca del testimonio,
27netafura nenhumbi dzayo dzose, nechigadziko chemwenje nenhumbi dzacho, nearitari yezvinonhuhwira,
27Y la mesa, y todos sus vasos, y el candelero, y todos sus vasos, y el altar del perfume,
28nearitari yezvibayiro zvinopiswa nenhumbi dzayo dzose, nomudziyo wokushambidzira nechigadziko chawo.
28Y el altar del holocausto, todos sus vasos, y la fuente y su basa.
29Uzvitsaure, zvive zvinhu zvitsvene kwazvo; zvose zvinozvigunzva zvichava zvitsvenewo. .
29Así los consagrarás, y serán cosas santísimas: todo lo que tocare en ellos, será santificado.
30Unofanira kuzodzawo Aroni navanakomana vake, nokuvaita vatsvene, kuti vandishumire pabasa roupristi.
30Ungirás también á Aarón y á sus hijos, y los consagrarás para que sean mis sacerdotes.
31Uudzewo vana vaIsiraeri, uti, Iwaya anofanira kuva pamberi pangu mafuta matsvene okuzodza nawo kusvikira kumarudzi enyu ose.
31Y hablarás á los hijos de Israel, diciendo: Este será mi aceite de la santa unción por vuestras edades.
32Ngaarege kudirwa panyama yomunhu; uye musaita mamwe akafanana nawo, akaitwa saiwo; matsvene, anofanira kuva chinhu chitsvene kwamuri.
32Sobre carne de hombre no será untado, ni haréis otro semejante, conforme á su composición: santo es; por santo habéis de tenerlo vosotros.
33Ani naani unovhenganisa mafuta akafanana nawo, uye ani naani unoisa mamwe awo pamutorwa, ngaabviswe pakati porudzi rwake.
33Cualquiera que compusiere ungüento semejante, y que pusiere de él sobre extraño, será cortado de sus pueblos.
34Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Tora miti inonhuhwira, inoti: Sitake, neonika, negabhano, miti yakanaka nezvinonhuhwira zvakaisvonaka; zvose zvienzane pakurema kwazvo.
34Dijo aún Jehová á Moisés: Tómate aromas, estacte y uña olorosa y gálbano aromático é incienso limpio; de todo en igual peso:
35Ugoita nazvo zvinonhuhwira, zvinonhuhwira zvinonaka, zvakavhenganiswa nouchenjeri hwomuvhenganisi wezvinonhuhwira, zvakarungwa nomunyu, zvakaisvonaka, zvitsvene.
35Y harás de ello una confección aromática de obra de perfumador, bien mezclada, pura y santa:
36Unofanira kutswa zvimwe zvazvo kwazvo, ugozviisa pamberi pechipupuriro mutende rokusangana, mandichasangana newe, kuti zvive zvitsvene kwazvo kwamuri.
36Y molerás alguna de ella pulverizándola, y la pondrás delante del testimonio en el tabernáculo del testimonio, donde yo te testificaré de mí. Os será cosa santísima.
37Zvinonhuhwira zvamunozviitira imwi, musazviita sezvamunoita izvozvi; zvinofanira kuva kwamuri zvitsvene kuna Jehovha.
37Como la confección que harás, no os haréis otra según su composición: te será cosa sagrada para Jehová.
38Ani naani unoita zvakafanana nazvo, kuti azvinhuwidze, ngaabviswe pakati porudzi rwake.
38Cualquiera que hiciere otra como ella para olerla, será cortado de sus pueblos.