1Judha, muranda waJesu Kristu, munin'ina waJakobho, kuna vakaitwa vatsvene naMwari Baba, vakachengetedzwa muna Jesu Kristu, vakadamwa:
1JUDAS, siervo de Jesucristo, y hermano de Jacobo, á los llamados, santificados en Dios Padre, y conservados en Jesucristo:
2Tsitsi kwamuri, nerugare, nerudo, ngazvipamhidzirwe.
2Misericordia, y paz, y amor os sean multiplicados.
3Vadiwa, ndakati ndichipa kushingaira kose pakunyorerai zvekuponeswa kwedu kumwe chete, zvakanga zvakandifanira chose kukunyorerai, ndichikurudzira kuti murwire nemoyo wose rutendo rwakambopiwa vatsvene kamwe.
3Amados, por la gran solicitud que tenía de escribiros de la común salud, me ha sido necesario escribiros amonestándoos que contendáis eficazmente por la fe que ha sido una vez dada á los santos.
4Nekuti kuna vamwe varume vakapinda nokunyangira, vakagara vagadzirwa kare kutongwa uku, vanhu vasingadi Mwari vanoshandura nyasha dzaMwari wedu kuita unzenza, vachiramba Tenzi uyu mumwe woga Mwari, naIshe wedu Jesu Kristu.
4Porque algunos hombres han entrado encubiertamente, los cuales desde antes habían estado ordenados para esta condenación, hombres impíos, convirtiendo la gracia de nuestro Dios en disolución, y negando á Dios que solo es el que tiene dominio, y á nuestro
5Zvino ndinoda kukuyeuchidzai, kunyange maimboziva izvi, kuti Ishe amborwira vanhu munyika yeEgipita, pashure akazoparadza avo vakanga vasingatendi.
5Os quiero pues amonestar, ya que alguna vez habéis sabido esto, que el Señor habiendo salvado al pueblo de Egipto, después destruyó á los que no creían:
6Navatumwa vasina kuchengeta ukuru hwokutanga, asi vakasiya ugaro hwavo hwomene, wakavachengeta muzvisungo zvekusingaperi pasi perima kusvikira pakutongwa kwezuva guru;
6Y á los ángeles que no guardaron su dignidad, mas dejaron su habitación, los ha reservado debajo de oscuridad en prisiones eternas hasta el juicio del gran día:
7seSodhoma neGomora, namaguta akaapoteredza, akazvikumikidza kuupombwe nenzira yakafanana nawo nokutevera imwe nyama, akaitwa mufananidzo, akatambudzika pakurangwa nomoto usingaperi.
7Como Sodoma y Gomorra, y las ciudades comarcanas, las cuales de la misma manera que ellos habían fornicado, y habían seguido la carne extraña, fueron puestas por ejemplo: sufriendo el juicio del fuego eterno.
8Nenzira imwe chete iyoyo ava vachirota vanosvibisa nyama yavo, vachiramba vukuru, nokutuka ukuru.
8De la misma manera también estos soñadores amancillan la carne, y menosprecian la potestad, y vituperan las potestades superiores.
9Asi Mikaeri mutumwa mukuru nguva yaakarwa nadhiabhorosi, akakakavara pamusoro pomuviri waMozisi, wakatya kumupa mhosva namashoko okutuka, asi wakati: Ishe ngaakutsiure.
9Pero cuando el arcángel Miguel contendía con el diablo, disputando sobre el cuerpo de Moisés, no se atrevió á usar de juicio de maldición contra él, sino que dijo: El Señor te reprenda.
10Asi ava vanotuka zvose zvavasingazivi; asi izvo zvavanoziva pachizvarigo vakaita semhuka dzisingazivi, vanozviparadza muzvimhu izvozvo.
10Pero éstos maldicen las cosas que no conocen; y las cosas que naturalmente conocen, se corrompen en ellas, como bestias brutas.
11Vachaona nhamo! Nekuti vakafamba nenzira yaKaini, vakazviwisira mukutsauka kwaBharami nekuda kwemubairo, vakaparadzwa nenharo dzaKora.
11Ay de ellos! porque han seguido el camino de Caín, y se lanzaron en el error de Balaam por recompensa, y perecieron en la contradicción de Coré.
12Ava mabwe akavanzika pamafundo enyu erudo, kana vachipemberera nemwi, vachizvifunda vasina kutya; makore asina mvura, anotinhwa nemhepo; miti yechando isina zvibereko, yakafa kaviri, yakadzurwa nemidzi;
12Estos son manchas en vuestros convites, que banquetean juntamente, apacentándose á sí mismos sin temor alguno: nubes sin agua, las cuales son llevadas de acá para allá de los vientos: árboles marchitos como en otoño, sin fruto, dos veces muertos y desarra
13mafungu egungwa anopengereka, anopupuma nyadzi dzawo; nyeredzi dzinongombeya, vakachengeterwa kusviba kwerima nokusingaperi.
13Fieras ondas de la mar, que espuman sus mismas abominaciones; estrellas erráticas, á las cuales es reservada eternalmente la oscuridad de las tinieblas.
14NaEnokiwo wechinomwe kubva kuna Adhamu, wakaporofita zvaivava, achiti: Tarira, Ishe wakauya navatsvene vake zvuru zvamazana,
14De los cuales también profetizó Enoc, séptimo desde Adam, diciendo: He aquí, el Señor es venido con sus santos millares,
15kuti atonge pamusoro pavose, nokupa mhosva vose vasingadi Mwari pamusoro pamabasa avo ose okusada Mwari, avakaita nokusada Mwari, nepamusoro pemashoko avo ose makukutu aakataurirwa nevatadzi vasingadi Mwari.
15A hacer juicio contra todos, y á convencer á todos los impíos de entre ellos tocante á todas sus obras de impiedad que han hecho impíamente, y á todas las cosas duras que los pecadores impíos han hablado contra él.
16Ava van'un'uni, vagunun'uni, vanofamba nokuchiva kwavo; uye miromo yavo inotaura zvekuzvikudza, vachichiva vanhu nekuda kwemubairo.
16Estos son murmuradores, querellosos, andando según sus deseos; y su boca habla cosas soberbias, teniendo en admiración las personas por causa del provecho.
17Asi imwi vadiwa, rangarirai mashoko akagara ataurwa navaapositori vaIshe wedu Jesu Kristu;
17Mas vosotros, amados, tened memoria de las palabras que antes han sido dichas por los apóstoles de nuestro Señor Jesucristo;
18kuti vakakuvudzai kuti nenguva yekupedzisira vaseki vachavako, vachafamba nokuchiva kwavo kwekusada Mwari.
18Como os decían: Que en el postrer tiempo habría burladores, que andarían según sus malvados deseos.
19Ndivo vanozviparadzanisa, ndevenyama, vasina Mweya.
19Estos son los que hacen divisiones, sensuales, no teniendo el Espíritu.
20Asi imwi vadiwa, muchizvivaka parutendo rwenyu rwutsvene tsvene, muchinyengetera muMweya Mutsvene,
20Mas vosotros, oh amados, edificándoos sobre vuestra santísima fe, orando por el Espíritu Santo.
21muzvichengete murudo rwaMwari, muchitarisira tsitsi dzaIshe wedu, Jesu Kristu, kusvikira kuupenyu hwusingaperi.
21Conservaos en el amor de Dios, esperando la misericordia de nuestro Señor Jesucristo, para vida eterna.
22Ivai netsitsi navamwe muchipa mutsauko,
22Y recibid á los unos en piedad, discerniendo:
23asi vamwe muvaponese nokutya, muchivabvuta pamoto; muchivenga kunyange nenguvo yakasvibiswa nenyama.
23Mas haced salvos á los otros por temor, arrebatándolos del fuego; aborreciendo aun la ropa que es contaminada de la carne.
24Zvino kuna iye unogona kukuchengetai pakugumburwa, nokukuteyai musina chamungapomerwa pamberi pokubwinya kwake nomufaro mukuru,
24A aquel, pues, que es poderoso para guardaros sin caída, y presentaros delante de su gloria irreprensibles, con grande alegría,
25kuna Mwari Muponesi wedu mumwe chete wakachenjera, ngakuve nokubwinya, neumambo, nesimba, neushe, zvose ikozvino nokusingaperi. Ameni.
25Al Dios solo sabio, nuestro Salvador, sea gloria y magnificencia, imperio y potencia, ahora y en todos los siglos. Amén.