Shona

Spanish: Reina Valera (1909)

Psalms

102

1Inzwai munyengetero wangu, Jehovha, Kuchema kwangu ngakusvikire kwamuri.
1Oración del pobre, cuando estuviere angustiado, y delante de Jehová derramare su lamento. JEHOVA, oye mi oración, Y venga mi clamor á ti.
2Regai kundivanzira chiso chenyu pazuva rokutambudzika kwangu; Rerekerai nzeve yenyu kwandiri; Pazuva rokudana kwangu kurumidzai kundipindura.
2No escondas de mí tu rostro: en el día de mi angustia Inclina á mí tu oído; El día que te invocare, apresúrate á responderme.
3nekuti mazuva angu anopera soutsi, mafupa angu anotsva sechitsa.
3Porque mis días se han consumido como humo; Y mis huesos cual tizón están quemados.
4Moyo wangu warohwa souswa, waoma, nekuti ndinokangamwa kudya zvokudya zvangu.
4Mi corazón fué herido, y secóse como la hierba; Por lo cual me olvidé de comer mi pan.
5Nokuda kwenzwi rokugomera kwangu mafupa angu anonamatira nyama yangu.
5Por la voz de mi gemido Mis huesos se han pegado á mi carne.
6Ndafanana nehukurwizi yomurenje; Ndava sezizi romumatongo.
6Soy semejante al pelícano del desierto; Soy como el buho de las soledades.
7Handivati, ndafanana Neshiri iri yoga pamusoro pedenga reimba.
7Velo, y soy Como el pájaro solitario sobre el tejado.
8Vavengi vangu vanondituka zuva rose; Avo vanondipengera vanonditukisa kwazvo.
8Cada día me afrentan mis enemigos; Los que se enfurecen contra mí, hanse contra mí conjurado.
9Nekuti ndakadya madota sezvokudya, Ndikavhenganisa zvokumwa zvangu nemisodzi.
9Por lo que como la ceniza á manera de pan, Y mi bebida mezclo con lloro,
10Nokuda kwehasha dzenyu nokutsamwa kwenyu; nekuti makandisimudza mukandirasha.
10A causa de tu enojo y de tu ira; Pues me alzaste, y me has arrojado.
11Mazuva angu akafanana nomumvuri wareba; Ndaoma souswa.
11Mis días son como la sombra que se va; Y heme secado como la hierba.
12Asi imwi Jehovha, muchavapo nokusingaperi; Marudzi namarudzi achakurangarirai.
12Mas tú, Jehová, permanecerás para siempre, Y tu memoria para generación y generación.
13Imwi muchasimuka, mukanzwira Ziyoni tsitsi; nekuti nguva yavapo yokurinzwira tsitsi, zvirokwazvo, nguva, yakatarwa, yasvika.
13Tú levantándote, tendrás misericordia de Sión; Porque el tiempo de tener misericordia de ella, porque el plazo es llegado.
14Nekuti varanda venyu vanofarira mabwe aro, Vanonzwira tsitsi guruva raro.
14Porque tus siervos aman sus piedras, Y del polvo de ella tienen compasión.
15Naizvozvo vahedheni vachatya zita raJehovha, Namadzimambo ose apasi kubwinya kwenyu;
15Entonces temerán las gentes el nombre de Jehová, Y todos los reyes de la tierra tu gloria;
16Jehovha zvaakavaka Ziyoni, Akaonekwa nokubwinya kwake;
16Por cuanto Jehová habrá edificado á Sión, Y en su gloria será visto;
17Akava nehanya nomunyengetero wavakakamurwa, Akasazvidza munyengetero wavo.
17Habrá mirado á la oración de los solitarios, Y no habrá desechado el ruego de ellos.
18Izvi zvichanyorerwa rudzi runozouya; Vanhu, vachazosikwa, vacharumbidza Jehovha.
18Escribirse ha esto para la generación venidera: Y el pueblo que se criará, alabará á JAH.
19Nekuti wakatarira pasi ari panzvimbo yake tsvene yakakwirira; Jehovha akacherekedza nyika ari kudenga;
19Porque miró de lo alto de su santuario; Jehová miró de los cielos á la tierra,
20Kuti anzwe kugomera komusungwa; Kuti asunungure vakatemerwa rufu;
20Para oir el gemido de los presos, Para soltar á los sentenciados á muerte;
21Kuti vanhu vaparidze zita raJehovha paZiyoni, Nokurumbidzwa kwake paJerusaremu;
21Porque cuenten en Sión el nombre de Jehová, Y su alabanza en Jerusalem,
22Kana marudzi avanhu aungana, Noushe huzhinji, kuti vashumire Jehovha.
22Cuando los pueblos se congregaren en uno, Y los reinos, para servir á Jehová.
23Wakatapudza simba rangu panzira; Wakafupisa mazuva angu.
23El afligió mi fuerza en el camino; Acortó mis días.
24Ndakati, Mwari wangu, regai kundibvisa mazuva angu achigere kusvika; Makore enyu anosvika kumarudzi namarudzi.
24Dije: Dios mío, no me cortes en el medio de mis días: Por generación de generaciones son tus años.
25Makateya nyika kare-kare; Nedenga rose ibasa ramaoko enyu.
25Tú fundaste la tierra antiguamente, Y los cielos son obra de tus manos.
26Zvichaparara izvo, asi imwi muchagara muripo; Zvirokwazvo, izvozvo zvose zvichasakara senguvo; Muchazvishandura sechisimiro, zvikashanduka;
26Ellos perecerán, y tú permanecerás; Y todos ellos como un vestido se envejecerán; Como una ropa de vestir los mudarás, y serán mudados:
27Asi imwi hamushanduki, Makore enyu haangavi nomugumo.
27Mas tú eres el mismo, Y tus años no se acabarán.
28Vana vavaranda venyu vachagara varipo, Navana vavo vachasimbiswa pamberi penyu.
28Los hijos de tus siervos habitarán, Y su simiente será afirmada delante de ti.