1Ndakafara panguva yavakati kwandiri, Hendei kumba kwaJehovha.
1Cántico gradual: de David. YO me alegré con los que me decían: A la casa de Jehová iremos.
2Tsoka dzedu dzimire Pakati pamasuwo ako, Jerusaremu;
2Nuestros pies estuvieron En tus puertas, oh Jerusalem;
3Jerusaremu, iwe wakavakwa seguta rakasanganiswa zvakanaka;
3Jerusalem, que se ha edificado Como una ciudad que está bien unida entre sí.
4Ndiko kunokwira ndudzi, ndudzi dzaJehovha, Sezvakarairwa Isiraeri, Kuti vavonge zita raJehovha.
4Y allá subieron las tribus, las tribus de JAH, Conforme al testimonio dado á Israel, Para alabar el nombre de Jehová.
5nekuti ndiko kwakagadzwa zvigaro zvokutonga, Zvigaro zvoushe zveimba yaDhavhidhi.
5Porque allá están las sillas del juicio, Las sillas de la casa de David.
6kumbirirai Jerusaremu rugare; Vanokudai, vachakomborerwa.
6Pedid la paz de Jerusalem: Sean prosperados los que te aman.
7Rugare ngaruve mukati mamasvingo ako, Nokufarikana mukati medzimba dzako dzoushe.
7Haya paz en tu antemuro, Y descanso en tus palacios.
8Nokuda kwehama dzangu neshamwari dzangu, Ndichati zvino, Rugare ngaruve mukati mako.
8Por amor de mis hermanos y mis compañeros Hablaré ahora paz de ti.
9Nokuda kweimba yaJehovha Mwari wedu Ndichakutsvakira zvakanaka.
9A causa de la casa de Jehová nuestro Dios, Buscaré bien para ti.