Shona

Swahili: New Testament

Deuteronomy

22

1Haufaniri kuona nzombe yehama yako, kana gwai rake, zvichirashika, ukazvinyenyeredza; zvirokwazvo unofanira kuzvidzosera kuhama yako.
2Kana hama yako iri kure newe, zvimwe usingachizivi, unofanira kuenda nacho kumusha kwako, chigare kwauri kusvikira hama yako ichichitsvaka, ugochidzosera kwaari.
3Unofanira kuita saizvozvowo nembongoro yake; unofanira kuita saizvozvowo nenguvo yake; unofanira kuita saizvozvowo nezvinhu zvose zvehama yako zvakarashika, chaakanga arashikirwa nacho, chikawanikwa newe; haufaniri kuzvinyenyeredza.
4Haufaniri kuona mbongoro, kana nzombe, zvehama yako zvawira pasi panzira, ukazvinyenyeredza; unofanira kumubatsira zvirokwazvo kuzvimutsa.
5Mukadzi haafaniri kufuka nguvo dzomurume, nomurume haafaniri kufuka nguvo dzomukadzi; nekuti ani naani unoita izvozvo unonyangadza Jehovha Mwari wako.
6Kana ukawana dendere reshiri panzira, pamuti upi noupi, kana pasi, rina vana kana mazai, mai ichivhuvatira vana kana mazai, haufaniri kutora mai navana;
7unofanira kurega mai, asi vana ungatora hako; kuti zvive zvakanaka newe, uwedzerwe mazuva ako.
8Kana ukavaka imba itsva, unofanira kuisa rumhanda padenga rako, kuti urege kuuyisa mhosva yeropa pamusoro peimba yako, kana mumwe munhu akawapo.
9Haufaniri kudzvara mbeu dzamarudzi maviri pamunda wako wemizambiringa, kuti zvibereko zvose zvirege kutsaurirwa nzvimbo tsvene, idzo mbeu dzawadzvara, nezvibereko zvomunda wemizambiringa.
10Usarima nenzombe nembongoro zvakasungwa pamwechete.
11Usafuka nguvo dzakarukwa nezvinhu zvakavhenganiswa, mvere pamwechete nomucheka.
12Unofanira kuzviitira masa pamiromo mina yenguvo yako yaunozvifukidza nayo.
13Kana munhu akawana mukadzi, akapinda kwaari, akazomuvenga,
14akamupomera zvinonyadza, nokutaura zvakaipa pamusoro pake, achiti, Ndakawana mukadzi uyu, asi ndakati ndichiswedera kwaari, handina kuwana zviratidzo zvoumhandara hwake kwaari;
15zvino baba vomusikana namai vake vanofanira kuenda nezviratidzo zvoumhandara hwake kuvakuru veguta pasuwo;
16zvino baba vomusikana vanofanira kuti kuvakuru, Ndakapa murume uyu mwanasikana wangu, kuti ave mukadzi wake, asi zvino womuvenga;
17tarirai, wamupomera zvinhu zvinonyadza, achiti, Handina kuwana zviratidzo zvoumhandara kumwanasikana wako; asi hezvi zviratidzo zvoumhandara hwomwanasikana wangu. Zvino vanofanira kuwarira nguvo pamberi pavakuru veguta.
18Ipapo vakuru veguta iro vanofanira kubata murume uyo, vamurove;
19nokumuripisa mashekeri esirivha ane zana, vagoapa baba vomusikana, nekuti wakataura zvakaipa pamusoro pomusikana waIsiraeri; zvino iye anofanira kuva mukadzi wake, haangamurashi mazuva ake ose.
20Asi kana riri shoko rechokwadi, kuti zviratidzo zvoumhandara zvakashaikwa kumusikana,
21vanofanira kubudisira musikana kumukova weimba yababa vake, varume veguta rake vagomutaka namabwe, afe; nekuti wakaita sebenzi pakati paIsiraeri, pakupata kwake paimba yababa vake; saizvozvo anofanira kubvisa zvakaipa pakati pako.
22Kana murume akawanikwa achivata nomukadzi wakawanikwa nomurume wake, ivavo vose vanofanira kuurawa, murume wakavata nomukadzi naiye mukadziwo; saizvozvo iwe unofanira kubvisa zvakaipa pakati paIsiraeri.
23Kana kuno musikana, achiri mhandara, wakanyengwa nomurume, mumwe murume akamuwana muguta, akavata naye;
24ipapo munofanira kuvabudisa vose vari vaviri pasuwo reguta, mugovataka namabwe, vafe, musikana nekuti haana kuridza mhere, ari muguta hake, uye murume, nekuti wanyadzisa mukadzi wowokwake; saizvozvo iwe unofanira kubvisa zvakaipa pakati pako.
25Asi kana murume akawana musikana uyo wakanyengwa ari kusango, murume akaita simba naye, akavata naye, iye murume wakavata naye anofanira kufa, iye oga;
26asi musikana haufaniri kumuita chinhu; musikana haana kuita chivi chinofanirwa norufu; nekuti shoko iri rakafanana neromurume wakamukira wokwake akamuuraya;
27nekuti wakamuwana kusango, musikana wakanyengwa akaridza mhere, asi kwakanga kusinomunhu kumurwira.
28Kana murume akawana musikana, uchiri mhandara, ugere kunyengwa, akaita simba naye, akavata naye, vakaonekwa,
29ipapo murume wakavata naye anofanira kupa baba vake mashekeri ana makumi mashanu esirivha, zvino iye unofanira kuva mukadzi wake, nekuti wamunyadzisa; haafaniri kuzomurasha paupenyu hwake hwose.
30Murume haafaniri kutora mukadzi wababa vake, haafaniri kufukura nhere yababa vake.