Shona

Swahili: New Testament

Deuteronomy

23

1Munhu wakakuvadzwa manhu ake kana chirema chake haafaniri kupinda paungano yaJehovha.
2Mwana woupombwe haafaniri kupinda paungano yaJehovha; kunyange kusvikira parudzi rwegumi vana vake havafaniri kupinda paungano yaJehovha.
3MuAmoni nomuMoabhu havafaniri kupinda paungano yaJehovha; kunyange kusvikira parudzi rwegumi mumwe wokwavo haafaniri kupinda paungano yaJehovha nokusingaperi;
4nekuti havana kundokuchingurai nezvokudya nemvura panzira, nguva yamakabuda Egipita; uye nekuti vakatsvaka kuripira Bharamu, mwanakomana waBheori, wePetori, paMesopotamia, kuti akutuke.
5Asi Jehovha Mwari wako wakange asingadi kuteerera Bharamu, asi Jehovha Mwari wako wakashandura kutuka akakuropafadza, nekuti Jehovha Mwari wako wakakuda.
6Haufaniri kuvatsvakira rugare kana mufaro, mazuva ako ose nokusingaperi.
7Haufaniri kusema muEdhomu, nekuti ihama yako; haufaniri kusema muEgipita, nekuti wakange uri mutorwa iwe panyika yake.
8Vana vavo vavanoberekerwa parudzi rwechitatu, vangapinda paungano yaJehovha.
9Kana uchindorwa navavengi vako, unofanira kuzvichengeta pazvinhu zvose zvakaipa.
10Kana kuno mumwe pakati penyu usina kunaka nokuda kwezvakamuwira usiku, unofanira kubuda kunze kwemisasa, ngaarege kupinda pamisasa;
11zvino kana ava madekwana, unofanira kuzvishambidza nemvura; kana zuva ravira ungapinda hake pamisasa.
12Iwe unofanira kuva nenzvimbo kunze kwemisasa kwaungaenda.
13Unofanira kuva nechirayawo pakati penhumbi dzako dzokurwa nadzo; zvino kana woenda kunze, unofanira kuchera nacho, ndokuzofusira zvinobva kwauri;
14nekuti Jehovha Mwari wako unofamba pakati pemisasa yako, kuti akurwire, nokuisa vavengi vako mumaoko ako; naizvozvo misasa yako inofanira kuva mitsvene, kuti arege kuona chinhu chakaipa pakati penyu, akufuratire.
15Usadzosera muranda kuna tenzi wake, wakatizira kwauri, achibva kuna tenzi wake;
16anofanira kugara newe, pakati pako, paanotsaura hake pakati perimwe ramasuwo ako paanofarira; haufaniri kumumanikidza.
17Hapafaniri kuva nechifeve pakati pavanasikana vaIsiraeri; uye hapafaniri kuva nemhombwe pakati pavanakomana vaIsiraeri.
18Haufaniri kuuya nomubayiro wechifeve, kana mutengo wembwa, muimba yaJehovha Mwari wako, kuti upike nawo; nekuti izvo zviviri zvose zvinonyangadza Jehovha Mwari wako.
19Usapa hama yako chikwereti, uchireva mhindu, iri mhindu yemari, kana yezvokudya, kana yechinhu chipi nechipi chinopiwa chichireva mhindu.
20Mutorwa ungamupa chikwereti, uchireva mhindu; asi haufaniri kupa hama yako chikwereti, uchireva mhindu; kuti Jehovha Mwari wako akuropafadze pazvose zvaunobata namaoko ako, panyika yaunoenda kuti ive yenyu.
21Kana ukapikira Jehovha Mwari wako mhiko, usanonoka kuiripa; nekuti zvirokwazvo, Jehovha Mwari wako uchaibvunza kwauri; zvingava zvivi kwauri.
22Asi kana ukarega hako kupika, hazvingavi zvivi kwauri.
23Uchenjere kuti uite sezvawakataura; sezvawapikira Jehovha Mwari wako, chiri chipo chokuda kwako, chawakapikira nomuromo wako.
24Kana ukapinda mumunda wemizambiringa wowokwako, ungadya mazambiringa sezvaunoda, ugute; asi haufaniri kuisa mamwe mumudziyo wako.
25Kana ukapinda muzviyo zvowokwako zvigere kukohwewa, ungavhuna hako hura noruoko rwako; asi haufaniri kukohwa zviyo zvowokwako nejeko.