Shona

Swahili: New Testament

Deuteronomy

24

1Kana murume akatora mukadzi, akamuwana, zvino akasafara naye, nekuti wawana chinhu chisina kufanira kwaari, unofanira kumunyorera rugwaro rwokumuramba, ndokuruisa muruoko rwake, ndokumubvisa mumba make.
2Zvino kana abuda mumba make, ungandowanikwa nomumwe murume.
3Kana murume uyuzve akamuvenga, akamunyorera rugwaro rwokumuramba, akamupa irwo muruoko rwake, akamubvisa mumba make, kunyange murume uyu akazofa, iye wakazomuwana,
4murume wake wokutanga, wakadeya kumubvisa, haangamuwanizve, zvaakasvibiswa; nekuti izvo zvinonyangadza Jehovha; haufaniri kutadzisa nyika, yaunopiwa naJehovha Mwari wako, kuti ive nhaka yako.
5Kana munhu achangowana mukadzi, haafaniri kuenda kuhondo, kana kubatiswa rimwe basa; anofanira kugara kumusha gore rimwe akasununguka, kuti afadze mukadzi wake waakawana.
6Munhu haafaniri kutora guyo kana huyo, kuti ruve rubatso; nekuti unotora rubatso rwoupenyu hwomunhu.
7Kana munhu akawanikwa achiba mumwe wehama dzake kuvana vaIsiraeri, akamuita muranda wake, kana kumutengesa, uyo mubi anofanira kufa; saizvozvo unofanira kubvisa chakaipa pakati pako.
8Chenjera pahosha yamaperembudzi kuti uchengete nokuita zvakanaka zvamunodzidziswa navapristi vaRevhi; sezvandakavaraira, ndizvo zvamunofanira kuita.
9Rangarira zvakaitirwa Miriami naJehovha Mwari wako panzira, muchibuda Egipita.
10Kana ukaposwa nowokwako chinhu chipi nechipi, haufaniri kupinda mumba make kundotora rubatso rwake.
11Unofanira kumira kunze, kuti munhu wakaposwa newe akubudisire kunze rubatso rwake.
12Kana achinge ari murombo haufaniri kundovata norubatso rwake.
13Unofanira kumudzosera rubatso kana zuva rovira, kuti avate nenguvo yake, akuropafadze; ucharuramiswa pamusoro paizvozvo naJehovha Mwari wako.
14Usamanikidza muranda unokubatira, ari murombo unoshaiwa, kana ari mumwe wehama dzako, kana wavatorwa vako vari munyika yako, mukati mamasuwo ako.
15Unofanira kumupa mubayiro wake zuva rimwe nerimwe, zuva ngarirege kuvira asati apiwa; nekuti murombo, nomoyo wake unoutarira; kuti arege kuzochema kuna Jehovha pamusoro pako, zvikava zvivi kwauri.
16Madzibaba haafaniri kuurawa pamusoro pavana vavo, navana havafaniri kuurawa pamusoro pamadzibaba avo; munhu mumwe nomumwe anofanira kuurayirwa zvivi zvake.
17Usatongera mutorwa kana nherera zvisina kururama; uye haufaniri kutora nguvo yechirikadzi kuita rubatso nayo.
18Asi unofanira kurangarira kuti wakange uri muranda paEgipita, Jehovha Mwari wako akakudzikunura ipapo; naizvozvo ndinokuraira kuita chinhu ichi.
19Kana ukakohwa zviyo zvako mumunda mako, ukakangamwa chisote mumunda, haufaniri kudzokera kundochitora, chinofanira kuva chomutorwa, nenherera, nechirikadzi, kuti Jehovha Mwari wako akuropafadze pamabasa ose amaoko ako.
20Kana uchizunza muti wako womuorivhi, usatsvakisisa pamatavizve; zvinofanira kuva zvomutorwa nenherera, nechirikadzi.
21Kana uchiunganidza mazambiringa omunda wako wemizambiringa, haufaniri kutsvakisisazve; anofanira kuva omutorwa, nenherera, nechirikadzi.
22Unofanira kurangarira kuti wakange uri muranda panyika yeEgipita; naizvozvo ndinokuraira chinhu ichi.