Shona

Swahili: New Testament

Deuteronomy

26

1Zvino kana wapinda panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako, kuti ive nhaka yako, ikava yako, ukagaramo;
2unofanira kutora zvitsva zvezvibereko zvose zvenyika, zvaunowana panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako, ndokuzviisa mudengu, ndokuenda nazvo kunzvimbo ichatsaurwa naJehovha Mwari wako, kuti agarisepo zita rake.
3Zvino uende kumupristi uchavapo pamazuva iwayo, uti kwaari, Ndinoreva pachena nhasi pamberi paJehovha Mwari wako, kuti ndasvika panyika yakapikirwa madzibaba edu naJehovha, kuti uchatipa iyo.
4Ipapo mupristi anofanira kutora dengu paruoko rwako, ndokurigadza pamberi pearitari yaJehovha Mwati. wako.
5iwe ugopupura, uchiti pamberi paJehovha Mwari wako, Baba vangu vakanga vari muArameya, mufambi wakange oda kuparara, akaburukira Egipita, akagarapo, ana vanhu vashoma havo; vakaitwapo rudzi rukuru, runesimba, runa vanhu vazhinji.
6VaEgipita vakatiitira zvakaipa, nokutitambudza, vakatibatisa mabasa anorema.
7Ipapo takadana kuna Jehovha Mwari wamadzibaba edu, Jehovha akanzwa inzwi redu, akaona kutambudzika kwedu;
8Jehovha akatibudisa paEgipita neruoko rune simba, noruoko rwakatambanudzwa, nezvinotyisa, nezviratidzo, nezvishamiso;
9akatisvitsa panzvimbo ino, akatipa nyika ino, nyika inoyerera mukaka nouchi.
10Zvino tarira, ndauya nezvitsva zvezvibereko zvenyika yamakandipa, imwi Jehovha. Ipapo unofanira kuzviisa pasi pamberi paJehovha Mwari wako; ndokunamata pamberi paJehovha Mwari wako.
11Unofanira kufarira zvose zvakanaka, zvaunopiwa naJehovha Mwari wako, iwe, naveimba yako, nomuRevhi, nomutorwa uri pakati pako.
12Zvino kana wapedza kutsaura zvegumi zvezvibereko zvako zvose negore rechitatu, nekuti ndiro gore rokutsaura zvegumi, unofanira kuzvipa muRevhi, nomutorwa, nenherera, nechirikadzi, kuti vadye mukati mamasuwo ako, vagute.
13Ipapo iwe unofanira kutaura pamberi paJehovha Mwari wako, uchiti, Ndabvisa mumba mangu zvinhu zvakatsaurwa, ndikazvipa muRevhi, nomutorwa, nenherera, nechirikadzi, zvose sezvamakandiraira; handina kudarika mumwe wemirairo yenyu, kana kuikangamwa.
14Handina kuzvidya pakuchema kwangu, kana kuviga zvimwe zvazvo, ndisina kunaka, kana kupa vakafa zvimwe zvazvo; ndakateerera inzwi raJehovha Mwari wangu, ndikaita zvose zvamakandiraira.
15Dotarirai muri paugaro bwenyu hutsvene, pakudenga, muropafadze vanhu venyu Isiraeri, nenyika yamakatipa, sezvamakapikira madzibaba edu, nyika inoyerera mukaka nouchi.
16Nhasi Jehovha Mwari wako unokuraira kuti uite izvi zvakatemwa nezvakatongwa, naizvozvo unofanira kuzvichengeta nokuzviita nomoyo wako wose nomweya wako wose.
17Wapikisa Jehovha nhasi kuti ave Mwari wako, newe kuti unofanira kufamba munzira dzake, nokuchengeta zvaakatema, nemirairo yake, nezvaakatonga, uye kuti uchateerera inzwi rake.
18NaJehovha wakakupikisa iwe kuti uchava rudzi rwake chairwo, sezvaakakupikira, uye kuti uchachengeta mirairo yake yose;
19kuti akukurise kwazvo kupfuura ndudzi dzose dzaakaita, pakurumbidzwa, napamukurumbira, napakukudzwa; kuti uve rudzi rutsvene kuna Jehovha Mwari wako, sezvaakataura.