1Zvino Mozisi navakuru vaIsiraeri vakaraira vanhu, vakati, chengetai mirairo yose yandinokurairai nhasi.
2Zvino nomusi waunoyambuka Joridhani muchipinda munyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako, unofanira kuzvimisira mabwe makuru nokuachenesa nesuko;
3ugonyora pamusoro pawo mashoko ose omurayiro uyu, kana wayambuka; kuti upinde munyika yawakapiwa naJehovha Mwari wako, nyika inoyerera mukaka nouchi, sezvawakapikirwa naJehovha Mwari wamadzibaba ako.
4Zvino kana mayambuka Joridhani, munofanira kumisa mabwe iwayo, sezvandinokurairai nhasi, pagomo reEbhari, nokuachenesa nesuko.
5Ipapo unofanira kuvakirapo Jehovha Mwari wako aritari, aritari yamabwe; haufaniri kusimudzira nhumbi yedare pamusoro payo.
6Unofanira kuvaka aritari yaJehovha Mwari wako namabwe asina kuvezwa, ugobayirapo Jehovha Mwari wako zvipiriso zvinopiswa.
7Unofanira kubayirapo zvipiriso zvokuyananisa, nokudyapo; unofanira kufara pamberi paJehovha Mwari wako.
8Unofanira kunyora pamusoro pamabwe awo mashoko ose omurayiro uyu, zvionekwe kwazvo.
9Zvino Mozisi navapristi navaRevhi vakataura navaIsiraeri vose, vakati, Iwe Isiraeri, nyarara, unzwe; nhasi waitwa rudzi rwaJehovha Mwari wako.
10Naizvozvo unofanira kuteerera inzwi raJehovha Mwari wako, uite mirairo yake nezvaakatema, zvandinokuraira nhasi.
11Mozisi akaraira vanhu nomusi uyo, akati,
12Ndivo vanofanira kundomira pamusoro pegomo reGerizimi, kuti varopafadze vanhu, kana mayambuka Joridhani: Simioni, naRevhi, naJudha, naIsakari; naJosefa, naBhenjamini.
13Uye ndivo vanofanira kunomira pagomo reEbhari, kuti vavatuke: Rubheni, naGadhi, naAsheri, naZebhuruni, naDhani, naNafutari.
14Zvino vaRevhi vanofanira kupindura, vachiti kuvarume vose vaIsiraeri nenzwi guru,
15Ngaatukwe munhu unoita mufananidzo wakavezwa, kana wakaumbwa, unonyangadza Jehovha, riri basa ramaoko emhizha, achiumisa pakavanda.
16Ngaatukwe munhu unozvidza baba vake kana mai vake.
17Ngaatukwe munhu unoshandura muganhu wehama yake.
18Ngaatukwe munhu unotsausa bofu panzira.Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni.
19Ngaatukwe munhu unotongera Mutorwa nenherera nechirikadzi zvisakarurama.
20Ngaatukwe munhu unovata nomukadzi wababa vake, nekuti wafukura nhere yababa vake.
21Ngaatukwe munhu unovata nemhuka ipi neipi.
22Ngaatukwe munhu unovata nehanzvadzi yake, kana nomwanasikana wababa vake, kana nomwanasikana wamai vake.
23Ngaatukwe munhu unovata namai vomukadzi wake.
24Ngaatukwe munhu unorova wokwake pakavanda.
25Ngaatukwe munhu unogamuchira fufuro kuti auraye mumwe usine mhosva.Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni.
26Ngaatukwe munhu asingasimbisi mashoko omurayiro uyu, nokuaita.