Shona

Swahili: New Testament

Deuteronomy

28

1Zvino kana uchiteerera zvakanaka inzwi raJehovha Mwari wako, nokuchenjera kuita mirairo yake yose, yandinokuraira nhasi, Jehovha Mwari wako uchakukurisa kupfuura ndudzi dzose dziri panyika.
2Kuropafadzwa uku kose kuchaitika kwauri, uchatevererwa nako, kana uchiteerera inzwi raJehovha Mwari wako.
3Ucharopafadzwa muguta, ucharopafadzwa mumunda.
4Zvibereko zvomuviri wako, nezvibereko zvevhu rako, nezvibereko zvemombe dzako, nezvibereko zvemhou dzako, namakwayana amakwai ako, zvicharopafadzwa.
5Dengu rako, nomudziyo wako wokukanyira chingwa, zvicharopafadzwa.
6Ucharopafadzwa kana uchipinda, ucharopafadzwa kana uchibuda.
7Jehovha uchakukundisa vavengi vako, vanokumukira, pamberi pako; vachauya kuzorwa newe nenzira imwe, vachatiza pamberi pako nenzira nomwe.
8Jehovha ucharaira kuti uropafadzwe pamatura ako, napazvose zvaunobata namaoko ako; uchakuropafadza panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako.
9Jehovha uchakusimbisa, kuti uve rudzi rwake rutsvene, sezvaakakupikira; kana uchichengeta mirairo yaJehovha Mwari wako, nokufamba munzira dzake.
10Vanhu vose venyika vachaona kuti iwe wakatumidzwa nezita raJehovha; vachakutya.
11Jehovha uchakuwanzira mufaro pazvibereko zvomuviri wako, napazvibereko zvemombe dzako, napazvibereko zvevhu rako, panyika yakapikirwa madzibaba ako naJehovha, kuti uchakupa iyo.
12Jehovha uchakuzarurira fuma yake yakanaka yokudenga, akupe mvura yenyika yako nenguva yayo; nokuropafadza mabasa ose amaoko ako; iwe uchapa ndudzi zhinji chikwereti.
13Jehovha uchakuita musoro, haangakuiti muswe; uchava kumusoro chete, haungavi pasi; kana uchiteerera mirairo yaJehovha Mwari wako, yandinokuraira nhasi, uchishingaira kuiita;
14usingatsauki pane rimwe ramashoko andinokuraira, kurudyi kana kuruboshwe, uchitevera vamwe vamwari kuti uvashumire.
15Asi kana uchiramba kuteerera inzwi raJehovha Mwari wako kuti uchenjere kuita mirairo yake yose, nezvaakatema, zvandinokuraira nhasi; kutukwa uku kose kuchaitika kwauri, uchatevererwa nako.
16Uchatukwa muguta, uchatukwa mumunda.
17Dengu rako richatukwa, nomudziyo wako wokukanyira chingwa.
18Zvibereko zvomuviri wako zvichatukwa, nezvibereko zvevhu rako, nezvibereko zvemhou dzako, namakwayana amakwai ako.
19Uchatukwa kana uchipinda, uchatukwa kana uchibuda.
20Jehovha uchatuma pamusoro pako kutukwa, nokunyonganiswa, nokurangwa, pazvose zvaunobata namaoko ako, kusvikira waparadzwa, uye kusvikira wakurumidza kupera, nokuda kwezvakaipa zvaunoita, zvawakandisiya nazvo.
21Jehovha uchakunamatidza denda, kusvikira akupedza kunyika kwaunoenda, kuti ive yako.
22Jehovha uchakurova norukosoro, nefivhiri, nokupisa komuviri, nokuvaviswa kwazvo, uye nokushaiwa mvura, nenyunje, nokuvhuva; izvo zvichakuteverera kusvikira waparadzwa.
23Denga rako riri pamusoro pako richaita sendarira, nenyika iri pasi pako sedare.
24Jehovha uchashandura mvura yenyika yako ive bukuta neguruva; zvichaburukira pamusoro pako zvichibva kudenga, kusvikira waparadzwa.
25Jehovha uchatendera kuti ukundwe navavengi vako; uchabuda kundorwa navo nenzira imwe, uchatiza pamberi pavo nenzira nomwe; uchava chinhu chinotyisa pakati poushe hwose bwenyika.
26Zvitunha zvako zvichava zvokudya zveshiri dzose dzokudenga nezvikara zvenyika, kusina munhu unozvidzinga.
27Jehovha uchakurova namamota namaronda, nemhizi, nokufunuka, zvicharamba kupora.
28Jehovha uchakurova nokupenga, noupofu, uye nokukanganiswa komoyo;
29uchatsvangadzira masikati, sebofu rinotsvangadzira murima, haungafari panzira dzako; ucharemedzwa nokubirwa nguva dzose, hakungavi nomunhu unokurwira.
30Uchanyenga mukadzi, asi mumwe murume uchavata naye; uchavaka dzimba, asi haungagarimo; ucharima munda wemizambiringa, asi haungadyi michero yayo.
31Mombe yako ichabayiwa uchizviona, asi haungaidyi; mbongoro yako ichatorwa nesimba uchizviona, asi haingadzoserwi kwauri; makwai ako achapiwa vavengi vako, haungawani unokurwira.
32Vanakomana vako navanasikana vako vachapiwa rumwe rudzi; meso ako achatarira, ukaneta kuvashuva zuva rose; asi uchashaiwa simba paruoko rwako.
33Zvibereko zvevhu rako, nezvamabasa ako, zvichadyiwa norudzi rwausingazivi; uchangoremedzwa nokutambudzwa nguva dzose.
34Uchapengeswa nezvauchaona nameso ako.
35Jehovha uchakurova pamabvi ako, napamakumbo ako, namamota anorwadza, acharamba kupora, kubva parutsoka kusvikira pamusoro pomusoro wako.
36Jehovha uchakuisa iwe namambo wako wauchazvitsaurira kurudzi rwawakanga usingazivi iwe namadzibaba ako; zvino uchandoshumirapo vamwe vamwari vamatanda namabwe.
37Iwe uchaitwa chishamiso, neshumo, nechiseko, pakati pavanhu vose kwauchandoiswa naJehovha.
38Uchatakurira mbeu zhinji kumunda, asi uchaunganidza zvishoma; nekuti zvichapedzwa nemhashu.
39Ucharima minda yemizambiringa nokuigadzira, asi haungamwi waini yayo, kana kutanha mazambiringa; nekuti achadyiwa namakonye.
40Uchava nemiti yemiorivhi panyika yako yose, asi haungazori mafuta ayo, nekuti miorivhi yako ichazuka.
41Uchabereka vanakomana navanasikana, asi havangavi vako, nekuti vachatapwa.
42Miti yako yose nezvibereko zvevhu rako zvichadyiwa nemhashu.
43Mutorwa ugere pakati pako ucharamba achikwirira kupfuura iwe; iwe ucharamba uchiderera.
44lye uchakupa chikwereti, asi iwe haungamupi chikwereti; iye uchava musoro, iwe uchava muswe.
45Kutukwa uku kose kuchaitika kwauri, nokukutevera, nokukubata, kusvikira waparadzwa; nekuti hauna kuteerera inzwi raJehovha Mwari wako, nokuchengeta mirairo yake nezvaakatema, zvaakakuraira.
46Zvichava pamusoro pako napamusoro pavana vako, zvive zviratidzo nezvishamiso nokusingaperi;
47nekuti hauna kushumira Jehovha Mwari wako nomufaro, nomoyo unofara, nokuda kokuwanda kwezvose.
48Naizvozvo uchafanira kubatira vavengi vako, vauchatumirwa naJehovha kuti urwe navo , uchinzwa nzara nenyota, uchishaiwa zvokufuka nezvose izvi; iye uchaisa joko redare pamutsipa wako, kusvikira akuparadza.
49Jehovha achauyisa rudzi runobva kure kuzorwa newe, runobva kumagumisiro enyika, segondo rinobhururuka, rudzi rwausinganzwisisi rurimi rwarwo;
50rudzi rune hasha, rusingarangariri vatana, kana kunzwira majaya tsitsi.
51Vachadya zvibereko zvemombe dzako, nezvibereko zvevhu rako, kusvikira waparadzwa; havangakusiiri zviyo, kana waini, kana mafuta, kana zvakaberekwa nemhou dzako, kana makwayana amakwai ako, kusvikira waparadzwa navo.
52Vachakukomba pamasuwo ako ose, kusvikira masvingo ako marefu ane simba awa ose, awakatenda munyika yako yose; vachakukomba pamasuwo ako ose panyika yako yose, yawakapiwa naJehovha Mwari wako.
53Uchadya zvibereko zvomuviri wako, nyama yavanakomana vako navanasikana vako, vawakapiwa naJehovha Mwari wako, kana wokombwa nokumanikidzwa navavengi vako.
54Murume unoundere nounounengwe kwazvo pakati pako uchava nomufungo wakaipa kuhama yake, nokumukadzi wake waanoda, nokuvana vake vaanenge asarirwa navo;
55haangapi mumwe wavo nyama yavana vake vaachadya, nekuti iye haangavi nechaakasarirwa nacho, kana wokombwa nokumanikidzwa navavengi vako pamasuwo ako ose.
56Mukadzi unoundere nounounengwe pakati pako, wakange asingadi kutsika pasi norutsoka rwake nokuda kounengwe hwake noundere hwake, uchava nomufungo wakaipa kumurume wake waanoda, nemwanakomana wake, nomwanasikana wake;
57nokumwana wake muduku, waachangobereka, nokuvana vake vaachazobereka; nekuti uchadya pakavanda nokuda kokushaiwa zvinhu zvose, kana wokombwa nokumanikidzwa navavengi vako pamasuwo ako.
58Kana usingachenjeri kuita mashoko ose omurayiro uyu, akanyorwa mubhuku iyi, kuti utye zita iri rinobwinya nerinotyisa, rinoti: JEHOVHA MWARI WAKO;
59Jehovha uchakurova iwe navana vako namatambudziko anoshamisa, matambudziko makuru, asingakurumidzi kupera, namatenda akaipa, asingakurumidzi kupera.
60Uchauyisazve pamusoro pako hosha dzose dzeEgipita, dzawakanga uchitya, kuti dzikunamatire.
61Namatenda ose, namatambudziko ose, asina kunyorwa mubhuku yomurayiro uyu, ndiwo achauyiswa naJehovha pamusoro pako, kusvikira waparadzwa.
62Muchasara mava vashoma, kunyange makanga muri vazhinji senyeredzi dzokudenga; nekuti hauna kuteerera inzwi raJehovha Mwari wako.
63Zvino Jehovha sezvaakanga achikufarirai achida kukuitirai zvakanaka, nokukuwanzai, saizvozvo Jehovha uchafara pamusoro penyu kukupedzai nokukuparadzai; muchadzurwa kunyika kwaunoenda, kuti ive yako.
64Jehovha uchakurashanya pakati pendudzi dzose, kubva pamugumo mumwe wenyika kusvikira kuno mumwe mugumo; ipapo uchandoshumira vamwe vamwari vawakanga usingazivi, iwe namadzibaba ako, vamwari vamatanda navamabwe.
65Pakati pendudzi idzo haungawani zororo, netsoka dzako hadzingawani pokuzorora; asi Jehovha uchakupa ipapo moyo unowonda;
66upenyu hwako hucharembera pamberi pako, uchatya usiku namasikati, haungazivi kana uchararama;
67mangwanani uchati, Dai aiva madekwana! Madekwana uchati, Dai aiva mangwanani! Nokutya komoyo wako, zvauchaona nameso ako.
68Jehovha uchakuisazve Egipita nezvikepe nenzira yandakati kwauri, Hauchazoionizve; ipapo muchandozvitengesa kuvavengi venyu, kuti muve varanda navarandakadzi, asi hakungavi nomunhu uchakutengai.