Shona

Swahili: New Testament

Deuteronomy

29

1Ndiwo mashoko esungano yakarairwa Mozisi naJehovha, kuti aiite navana vaIsiraeri panyika yaMoabhu, kunze kwesungano yaakaita navo paHorebhu.
2Zvino Mozisi akadana vaIsiraeri vose, akati kwavari, Makaona zvose zvakaitwa naJehovha pamberi penyu panyika yeEgipita kuna Farao navaranda vake vose, nokunyika yake yose;
3miidzo iya mikuru yamakaona nameso enyu, nezviratidzo, nezvishamiso zviya zvikuru.
4Asi Jehovha haana kukupai moyo inoziva, nameso anoona, nenzeve dzinonzwa kusvikira nhasi.
5Ndakakutungamirirai murenje makore ana makumi mana; nguvo dzenyu hadzina kukusakarirai, neshangu dzako hadzina kusakara patsoka dzako.
6Hamuna kudya chingwa, kana kumwa waini nezvinobata; kuti muzive kuti ndini Jehovha Mwari wenyu.
7Zvino makati muchisvika panzvimbo ino, Sihoni, mambo weHeshibhoni, naOgi, mambo weBhashani, vakauya kuzorwa nesu, tikavakunda;
8tikatora nyika yavo, tikaipa vaRubheni navaGadhi nehafu yorudzi rwaManase, kuti ive nhaka yavo.
9Naizvozvo chengetai mashoko esungano iyi, muiite, kuti mufare pazvose zvamunoita,
10Mumire nhasi mose pamberi paJehovha Mwari, vatungamiriri venyu, namarudzi enyu, navakuru venyu, navatariri venyu, ivo varume vose vaIsiraeri,
11nepwere dzenyu, navakadzi venyu, navatorwa vako vari pakati pemisasa yako, kubva pavatemi vehuni dzako kusvikira kuvacheri vemvura yako;
12kuti upinde pasungano yaJehovha Mwari wako, napakupika kwake kwaanokupikira nhasi iye Jehovha Mwari wako;
13kuti akusimbise nhasi uve rudzi rwake, iye ave Mwari wako, sezvaakataura kwauri, uye sezvaakapikira madzibaba ako, Abhurahamu, naIsaka, naJakove.
14Handiiti sungano iyi nokupika uku nemwi moga;
15asi naivo vamire pano nesu nhasi pamberi paJehovha Mwari wedu, uye navasipo nesu nhasi;
16(Nokuti munoziva kugara kwedu panyika yeEgipita, nokufamba kwedu pakati pendudzi, dzamakapfuura pakati padzo,
17mukaona zvinonyangadza zvavo, nezvifananidzo zvavo zvamatanda nezvamabwe, nesirivha nendarama, zvakanga zviri pakati pavo;)
18kuti pakati penyu parege kuva nomurume, kana mukadzi, kana mhuri, kana rudzi, vanomoyo unotsauka kuna Jehovha Mwari wedu nhasi, kuti vandoshumira vamwari vendudzi idzo; kuti pakati penyu parege kuva nomudzi unobereka zvinouraya negavakava;
19zvino kana achinzwa mashoko okupika uku, azvirumbidze pamoyo wake, achiti, Ndichava norugare, kunyange ndichifamba hangu noukukutu hwomoyo wangu, kuti zvakanyorova nezvakaoma zviparadzwe pamwechete ;
20Jehovha haangamukangamwiri, asi nenguva iyo kutsamwa kwaJehovha neshungu dzake zvichapfungairira munhu uyo, nokutukwa kose kwakanyorwa mubhuku iyi kuchamunamatira; Jehovha uchadzima zita rake pasi pokudenga.
21Jehovha uchamutsaurira zvakaipa zvose pakati pamarudzi ose alsiraeri, kuti atukwe nokutuka kose kwesungano yakanyorwa mubhuku iyi yomurayiro.
22Zvino rudzi runotevera, ivo vana venyu vachamuka pashure penyu, navatorwa vanobva kunyika iri kure, kana vachiona matambudziko enyika iyo, namatenda aicharwadziswa nawo naJehovha;
23uye kuti nyika yose isuferi, nomunyu, nokutsva, kuti haidzvarwi, haimedzi, uye kuti uswa hahumerimo, sapakuparadzwa kweSodhoma neGomora, neAdhama neZebhoimu, aya maguta akaparadzwa naJehovha pakutsamwa kwake neshungu dzake;
24uye ndudzi dzose dzichati, Jehovha wakaitira nyika iyo saizvozvo neiko? Kupisa kokutsamwa uku kukuru kunoti kudiniko?
25Zvino vanhu vachati, nekuti vakasiya sungano yaJehovha Mwari wamadzibaba avo, yaakaita navo nguva yaakavabudisa panyika yeEgipita;
26vakashumira vamwe vamwari, vakanamata kwavari, vamwari vavakanga vasingazivi, vavasina kupiwa naye;
27naizvozvo kutsamwa kwaJehovha kwakamukira nyika iyi, kuti aituke nokutuka kose kwakanyorwa mubhuku iyi.
28Jehovha akavadzipura panyika yavo nokutsamwa kwake neshungu dzake nehasha dzake huru, akavarashira kune imwe nyika, sezvazvakaita nhasi.
29Zvinhu zvakavanzwa ndezvaJehovha Mwari wedu; asi zvinhu zvakaratidzwa pachena ndezvedu, isu navana vedu nokusingaperi, kuti tiite mashoko ose omurayiro uyu.