1Zvino kana zvinhu izvi zvose zvichikuwira, iko kuropafadzwa nokutukwa, kwandakaisa pamberi pako, ukazvirangarira pakati pendudzi dzose, pawakadzingirwa naJehovha Mwari wako,
2ukadzokera kuna Jehovha Mwari wako, ukateerera inzwi rake, sezvandinokuraira zvose nhasi, iwe navana vako, nomoyo wako wose, nomweya wako wose;
3ipapo Jehovha Mwari wako uchashandura kutapwa kwako, nokukunzwira tsitsi, nokukuunganidzazve pandudzi dzose, kwaakakurashanyira kwadziri, iye Jehovha Mwari wako.
4Kunyange vamwe venyu vakanga vadzingirwa kumagumisiro okudenga, Jehovha Mwari wako uchakuunganidzapo, uchandokutorapo;
5Jehovha Mwari wako uchakuuyisa munyika, yakanga iri yamadzibaba ako, kuti ive yako; uchakuitira zvakanaka, nokukuwanza kupfuura madzibaba ako.
6Jehovha Mwari wako uchadzingisa moyo wako, nemoyo yavana vako, kuti ude Jehovha Mwari wako nomoyo wako wose, nomweya wako wose, kuti urarame.
7Jehovha Mwari wako uchatuka vavengi vako nokutuka uku kose, navose vanokuvenga vanokutambudza.
8Zvino iwe uchadzoka nokuteerera inzwi raJehovha, nokuita mirairo yake yose, yandinokuraira nhasi.
9Jehovha Mwari wako uchawanza zvinobatwa namaoko ako, nezvibereko zvomuviri wako, nezvibereko zvemombe dzako, nezvibereko zvevhu rako, kuti zvifare; nekuti Jehovha uchakufarirazve zvakanaka, sezvaakafarira madzibaba ako;
10kana uchiteerera inzwi raJehovha Mwari wako, nokuchengeta mirairo yake nezvaakatema, zvakanyorwa mubhuku iyi yomurayiro; kana ukadzokera kuna Jehovha Mwari wako nomoyo wako wose nomweya wako wose.
11Nekuti murayiro uyu wandinokuraira nhasi haungakuremeri zvikuru, uye hausi kure.
12Hauzi kudenga, kuti uti, Ndianiko uchatikwirira kudenga, kundotitorera iwo, nokutinzwisa iwo, kuti tiuite?
13Hauzi mhiri kwegungwa, kuti uti, Ndianiko uchatiyambukira mhiri kwegungwa, andotitorera iwo, nokutinzwisa iwo, tiuite?
14Asi shoko riri pedo kwazvo newe, mumuromo mako, nomumoyo mako, kuti uriite.
15Tarira ndaisa pamberi pako nhasi upenyu nezvakanaka, norufu nezvakaipa.
16Zvandinokuraira nhasi ndizvo, kuti ude Jehovha Mwari wako, nokufamba munzira dzake, nokuchengeta mirairo yake nezvaakatema nezvaakatonga, kuti urarame, uwande, uye kuti Jehovha Mwari wako akuropafadze kunyika kwaunoenda kwairi, kuti ive yako.
17Asi kana moyo wako ukatsauka, ukaramba kuteerera, ukatsauswa kunamata vamwe vamwari nokuvashumira,
18ndinokuudzai nhasi, kuti muchaparadzwa zvirokwazvo; hamungavi namazuva mazhinji kunyika kwaunoyambukira nhasi, kuti ive yako.
19Ndinodana kudenga napasi kukupupurirai nhasi, kuti ndaisa pamberi pako upenyu norufu, kuropafadzwa nokutukwa; naizvozvo tsaura upenyu, kuti urarame, iwe navana vako;
20kuti ude Jehovha Mwari wako, nokuteerera inzwi rake, nokumunamatira; nekuti ndihwo upenyu hwako, nokuwanzwa kwamazuva ako; kuti ugare munyika yakapikira Jehovha madzibaba ako, Abhurahamu nalsaka naJakove, kuti uchavapa iyo.