Shona

Swahili: New Testament

Deuteronomy

32

1Inzwa iwe denga, ndichataura; Nenyika ngainzwe mashoko omuromo wangu;
2Kudzidzisa kwangu kuchadonha semvura, Kutaura kwangu kuchayerera sedova, Seguti pabumhudza nyoro, Sokupfunha kwemvura pauswa;
3nekuti ndichaparidza zita raJehovha; Rumbidzai ukuru hwaMwari wedu.
4Iye ndiro dombo, basa rake rakakwana; nekuti nzira dzake dzose dzakarurama. Ndiye Mwari wakatendeka, usinganyengeri, Wakarurama, ndewechokwadi.
5Vakamuitira zvakashata, havazi vana vake, ndiko kuremara kwavo; Ivo rudzi rwakatsauka, rwakakombama.
6Munoripira Jehovha saizvozvo here, Nhai, imwi mapenzi asina kungwara? Ko haazi baba vako vakakubereka here? Ndiye wakakuita, nokukusimbisa.
7Rangarira mazuva ekare, Funga makore amarudzi mazhinji; Bvunza baba vako, ndivo vachakuratidza; Navatana vako, ndivo vachakuudza.
8Wekumusoro-soro nguva yaakapa ndudzi nhaka yadzo, Nguva yaakaparadzanisa vana vavanhu, Wakatema miganhu yendudzi Achirangarira kuwanda kwavana valsiraeri.
9nekuti mugove waJehovha ndivo vanhu vake; Jakove ndiyo nhaka yake yakayerwa.
10Wakamuwana munyika yesango, Murenje risina chinhu, rinotyisa; Wakamukomberedza, nokumutarira, Nokumuchengeta semboni yeziso rake;
11Segondo rinomutsa vana varo, Richiengerera pamusoro pavana varo,
12Saizvozvo Jehovha, iye oga, wakamutungamirira, Kwakanga kusina mwari wokumwe kwaari.
13Wakamutasvisa panzvimbo dzakakwirira dzenyika, Wakadya michero yeminda; Wakamusvutidza uchi hunobva padombo, Namafuta anobva padombo romusarasara,
14Nomukaka wakafa wemhou, nomukaka wamakwai, Pamwechete namafuta amakwayana, Namakondobwe orudzi rwapaBhashani, nembudzi, Namafuta etsvo dzekoroni; Iwe wakamwa waini yeropa ramazambiringa.
15Asi Jeshuruni wakazokora, ndokupfura, Iwe wakakora, wakava mukobvu, ukava namafuta, Zvino iye akarasha Mwari wakamuita, Akazvidza dombo rakamuchengeta.
16Vakamugodoresa navamwari vokumwe, Vakamutsamwisa nezvinonyangadza;
17Vakabayira mweya yakaipa, yakanga isi Mwari, Vatsva vakanga vachangomuka, Zvakanga zvisingatyiwi namadzibaba enyu.
18Dombo, rakakubereka, haurirangariri, Wakakangamwa Mwari wakakupona.
19Jehovha wakazviona, akavarasha, nekuti wakatsamwiswa navanakomana vake navanasikana vake.
20Akati, Ndichavavanzira chiso changu, Ndinoda kuona kuguma kwavo, kuti kwakadiniko; nekuti ivo rudzi rwakatsauka kwazvo. Vana vasina kutendeka chose.
21Vakamutsa godo rangu nechinhu chisati chiri Mwari; Vakanditsamwisa nezvinhu zvavo zvisina maturo; Neniwo ndichavagodoresa navasati vari vanhu; Ndichavatsamwisa norudzi runopenga.
22nekuti moto wakabatidzwa pakutsamwa kwangu, Unopisa kusvikira pasi kugomba ravakafa, Unoparadza nyika nezvibereko zvayo, Unotungidza nheyo dzamakomo.
23Ndichatutira njodzi pamusoro pavo, Ndichapedza miseve yangu ndichivapfura.
24Vachaonda nenzara, nokuparadzwa nokupisa kukuru, Nokuparadzwa kwakaisvoipa; Ndichatuma meno ezvikara kwavari, Pamwechete nomuti unouraya wezvinokambaira muguruva.
25Munondo uchavatorera kunze, Nokutyisa mudzimba dzomukati; Zvichaparadza jaya nemhandara, Mwana unomwa pamwechete navarume, vachena vhudzi.
26Ndakati, ndichavaparadzira, ndichagumisa kurangarirwa kwavo pakati pavanhu;
27Dai ndisina kutya kutsamwa kwavavengi, Kuti vavengi vavo vasanzwisisa, Vakati, Ruoko rwedu ndirwo rwakakunda, Haazi Jehovha wakaita izvozvo zvose.
28nekuti ivo rudzi rusina mano, Hakuna kunzwisisa pakati pavo.
29Dai vakanga vakachenjera, vangadai vakazvinzwisisa, Vangadai vakaona kuguma kwavo!
30Munhu mumwe ungadzinga seiko vanhu vane chiuru chezana, Navanhu vaviri vangatizisa seiko vanhu vane zviuru zvine gumi, Kana dombo ravo risina kuvatengesa, NaJehovha asina kuvaisa mumaoko avo?
31nekuti dombo ravo harina kufanana nedombo redu, Kunyange vavengi vedu vamene vachitonga.
32nekuti muzambiringa wavo wakabva pamuzambiringa weSodhoma, Napaminda yeGomora; Mazambiringa avo mazambiringa enduru, Masumbu awo anovava;
33Waini yavo uturu bwenyoka, Nouturu hunouraya kwazvo bwemhungu.
34Ko izvi hazvina kuunganidwza kwandiri here? Hazvina kufunhurwa pakati pefuma yangu here?
35Kutsiva ndokwangu, nokutsividza, Panguva yokutedzemuka kwetsoka dzavo; nekuti zuva renjodzi yavo riri pedo,
36nekuti Jehovha ucharuramisira vanhu vake, Nokunzwira varanda vake tsitsi, Kana achiona kuti simba ravo raenda, Uye kuti vapera vose,
37Zvino iye uchati, Vamwari vavo varipiko, Nedombo ravakanga vachivimba naro
38Ivo vaidya mafuta ezvibayiro zvavo, Vaimwa waini yezvipiriso zvavo zvinodururwa. Ngavasimuke, vakubatsirei, Ngavave utiziro bwenyu.
39Tarirai zvino, muone kuti ndini iye, Hakuno mumwe mwari pamwechete neni; Ini ndinouraya, ini ndinoraramisa; Ini ndakakuvadza, ini ndinoporesa; Hakuna ungarwirwa paruoko rwangu.
40nekuti ndinosimudzira ruoko rwangu kudenga, Ndichiti, Zvirokwazvo, noupenyu hwangu husingaperi,
41Kana ndarodza munondo wangu unobwinya, Noruoko rwangu rukabata kutonga, Ndichatsiva vavengi vangu, Nokutsividza vanondivenga.
42Ndichanyudza miseve yangu muropa, Munondo wangu uchadya nyama; Neropa ravakaurawa neravakatapwa, Neremisoro yavatungamiri vavavengi.
43Farai, imwi ndudzi, pamwechete navanhu vake, nekuti uchatsiva ropa ravaranda vake, nokutsividza vavengi vake, Nokudzikunura nyika yake navanhu vake.
44Zvino Mozisi akauya ndokutaura mashoko ose orwiyo urwu vanhu vachizvinzwa, iye naHoshea, mwanakomana waNuni.
45Mozisi akapedza kutaura mashoko awa ose kuvaIsiraeri vose;
46akati kwavari, teererai nemoyo yenyu mashoko ose andinokupupurirai nhasi, kuti muraire vana venyu, vagochenjera kuita mashoko ose omurayiro uyu.
47nekuti hachizi chinhu chisina maturo kwamuri, asi ndihwo upenyu bwenyu; nechinhu ichi muchawedzera mazuva enyu panyika, yamunoyambuka Joridhani kwairi, kuti ive yenyu.
48Zvino Jehovha wakataura naMozisi nomusi iwoyo, akati,
49Kwira pagomo iri reAbharimu, kugomo reNebho, riri panyika yaMoabhu, rakatarisana neJeriko, uone nyika yeKanani, yandinopa vana vaIsiraeri, ive yavo;
50ufire pagomo raunokwira ugosanganiswa navanhu vako; sezvakafa Aroni, mukuru wako, pagomo reHori, akasanganiswa navanhu vake;
51nekuti makaita nomutowo usina kutendeka kwandiri pakati pavana vaIsiraeri pamvura yeMeribha paKadheshi murenje reZini; nekuti hamuna kunditsaura pakati pavana vaIsiraeri.
52nekuti uchaona hako nyika pamberi pako, asi haungapindipo panyika yandinopa vana vaIsiraeri.