1Zvino ndiko kuropafadza Mozisi, munhu waMwari, kwaakaropafadza nako vana vaIsiraeri, asati afa.
2Akati,Jehovha wakabva Sinai, Akavabudira achibva Seiri; Akapenya ari pagomo reParani, Akauya achibva pazviuru zvinegumi zvavatsvene; Paruoko rwake rworudyi pakanga pano murayiro womoto kwavari.
3Zvirokwazvo unoda ndudzi; Vatsvene vake vose vari paruoko rwenyu; Vakagara pasi patsoka dzenyu; Mumwe nomumwe uchagamuchira mashoko enyu.
4Mozisi wakatiraira murayiro, Ndiyo nhaka yeungano yaJakove.
5wakange ari mambo paJeshuruni, Pakuungana kwavakuru vavanhu, Marudzi ose avaIsiraeri pamwechete.
6Rubheni ngaararame, arege kufa, Asi vanhu vake ngavave vashoma havo.
7Kuropafadzwa kwaJudha ndiko: Akati,
8Pamusoro paRevhi wakati, Tumimu yenyu neUrimi yenyu ndezva unodikamwa nemi,Iye wamakaidza paMasa, Wamakarwa naye pamvura yeMeribha;
9Iye wakati pamusoro pababa vake namai vake, handina kumuona; Nehama dzake haana kudzirangarira, Kana kuziva vana vake, nekuti vakaita shoko renyu, Nokuchengeta sungano yenyu.
10Vachadzidzisa Jakove zvamakatonga, NaIsiraeri murayiro wenyu; Vachaisa zvinonhuhwira pamberi penyu, Nezvipiriso zvinopiswa zvakakwana paaritari dzenyu.
11Jehovha, ropafadzai simba rake, Gamuchirai basa ramaoko ake; Gurai zviuno zvavanomumukira, Nezvavanomuvenga, kuti varege kusimukazve.
12Pamusoro paBhenjamini wakati, Mudikamwa waJehovha uchagara kwaari akachengetwa; Unomufukidza zuva rose, Unogara pakati pamafudzi ake.
13Pamusoro paJosefa wakati, Nyika yake ngairopafadzwe naJehovha, Ipiwe zvinhu zvakanakisa zvokudenga, nedova, Nemvura inogara makadzika;
14Nezvinhu zvakanakisa zvezvibereko zvezuva,Nezvinhu zvakanakisa zvinomedzwa nomwedzi;
15Nezvinhu zvakanaka zvamakomo ekare, Nezvinhu zvakanakisa zvezvikomo zvisingaperi,
16Nezvinhu zvakanakisa zvenyika nokuzara kwayo, Nomoyo wakanaka waiye wakange agere mugwenzi; Kuropafadzwa ngakuuye pamusoro waJosefa, Napamusoro pomusoro waiye wakatsaurwa pakati pehama dzake.
17Mwana wemhongora wemombe dzake, ndihwo umambo hwake; Nyanga dzake inyanga dzenyati; Nadzo uchabaya ndudzi dzose dzavo, namagumisiro enyika; Ndivo vane zviuru zvamazana zvine gumi zvaEfuremu, Ndivo vane zviuru zvaManase.
18Pamusoro paZebhuruni wakati, Chifara, Zebhuruni, pakubuda kwako, Newe Isakari, pamatende ako.
19Vachadanira vanhu kumakomo; Ipapo vachauya nezvibayiro zvokururama. Nekuti vachamwa fuma zhinji yamakungwa, Nefuma zhinji yakavanzwa nejecha.
20Pamusoro paGadhi wakati, Unokurisa Gadhi ngaaropafadzwe; Iye unogara seshumbakadzi, Unobvambura ruoko, kunyange nomusoro.
21Wakazvitsaurira mugove wokutanga; nekuti ndipapo pakachengetwa mugove womubati; Wakauya navakuru vavanhu; Wakaita zvakarurama zvaJehovha, Nezvaakatonga pamusoro paIsiraeri.
22Pamusoro paDhani wakati, Dhani ndiye mwana weshumba, Unokwakuka achibva Bhashani.
23Pamusoro paNafutari wakati, Iwe Nafutari, wakaguta nyasha, Uzere nokuropafadzwa naJehovha; Tora mavirazuva nenyasi zvive zvako.
24Pamusoro paAsheri wakati, Asheri ngaaropafadzwe apiwe vana; Ngaadikamwe nehama dzake, Ngaanyike rutsoka rwake mumafuta.
25Zvipfigiso zvako zvichava zvamatare nendarira; Uye semazuva ako ndizvo zvizchita simba rako.
26Iwe Jeshuruni, hakuna wakafanana naMwari, Iye unotasva denga kuti akubatsire, Napamusoro pamakore noukuru hwake.
27Mwari usingaperi ndihwo ugaro hwako, Pasi pako kuna maoko asingaperi; Iye wakadzinga vavengi pamberi pako, Akati, Paradzai.
28Isiraeri unogara akachengetwa, Tsime raJakove riri roga, Panyika yezviyo newaini; Denga rake rose rinonisa dova.
29Isiraeri, iwe wakaropafadzwa; Ndiani wakatodzana newe, rudzi rwakachengetwa naJehovha? Ndiye nhovo inokubatsira, Nomunondo waunokudzwa nawo! Vavengi vako vachazviisa pasi pako,Newe uchatsika panzvimbo dzavo dzakakwirira.