1Zvino Mozisi wakabva pamapani okwaMoabhu, akakwira kugomo reNebho, pamusoro pePisiga, pakatarisana neJeriko. Jehovha akamuratidza nyika yose yeGiriyadhi, kusvikira Dhani;
2neNafutari yose, nenyika yaEfuremu naManase, nenyika yose yaJudha, kusvikira pagungwa rokumavirazuva;
3nenyika yezasi, neBani romupata weJeriko, guta remichindwe, kusvikira Zoari.
4Zvino Jehovha akati kwaari, Ndiyo nyika yandakapikira Abhurahamu, naIsaka, naJakove, ndichiti, Ndichaipa vana vako; ndikakuonesa iyo nameso ako, asi haungapindimo.
5Ipapo Mozisi muranda waJehovha akafirapo panyika yaMoabhu, sezvakataurwa naJehovha.
6Akamuviga pamupata panyika yaMoabhu, pakatarisana neBheti-peori, asi hapana munhu unoziva rinda rake kusvikira nhasi.
7Zvino Mozisi wakange ana makore ane zana namakumi maviri pakufa kwake; meso ake akanga achigere kuonera madzerere, nesimba rake rakanga richigere kuderera.
8Vana vaIsiraeri vakachema Mozisi pamapani okwaMoabhu mazuva ana makumi matatu; naizvozvo mazuva avakachema pakuchema Mozisi akapera.
9Zvino Joshua, mwanakomana waNuni, wakange azere nomweya wokuchenjera; nekuti Mozisi wakange aisa maoko ake pamusoro pake; vana vaIsiraeri vakamuteerera, vakaita sezvakarairwa Mozisi naJehovha.
10Hakuna kuzomukazve muporofita pakati paIsiraeri wakafanana naMozisi, wakange achizikamwa naJehovha, zviso zvakatarisana;
11pazviratidzo zvose nezvishamiso, paakatumwa naJehovha kundozviita panyika yeEgipita, kuna Farao, nokuvaranda vake vose, nokunyika yake yose;
12napazvose zvakaitwa noruoko rwake rune simba, napakutyisa kukuru kose, kwakaitwa naMozisi valsiraeri vose vachizviona.