1Zvino Jehovha akati kuna. Mozisi, Pinda kuna Farao, uti kwaari, Zvanzi naJehovha, tendera vanhu vangu kuenda vandondinamata.
2Kana ukaramba kuvatendera, tarira, ndicharova nyika yako yose namatatya;
3rwizi ruchazara kwazvo namatatya; achakwira, achipinda mumba mako, nomuimba yako yokuvata, napanhovo dzako, nomudzimba dzavaranda vako, napamusoro pavanhu vako, nomuzvoto zvako, nomumidziyo yako mamunokanyira zvokudya;
4matatya achakwira pamusoro pako napamusoro pavanhu vako, napamusoro pavaranda vako vose.
5Jehovha akati kuna Mozisi, Iti kuna Aroni, Tambanudzira ruoko rwako rwakabata tsvimbo yako pamusoro penzizi, napamusoro pehova, napamusoro pamadziva, uraire matatya kuti akwire panyika
6Ipapo Aroni akatambanudzira ruoko rwake pamusoro pemvura yeEgipita, matatya akakwira, akafukidza nyika yeEgipita.
7n'anga dzikaita saizvozvo nouroyi hwadzo dzikaraira matatya kuti akwire panyika yeEgipita.
8Zvino Farao akadana Mozisi naAroni, akati, Nyengeterai kuna Jehovha kuti abvise matatya kwandiri nokuvanhu vangu, nditendere vanhu kuenda kundobayira Jehovha.
9Mozisi akati kuna Farao, imwi mukudzwe kupfuura ini ! Ndokunyengetererai nguva ipi, imwi navaranda venyu, navanhu venyu, kuti matatya aparadzwe kwamuri, nomudzimba dzenyu, asare murwizi chete?
10Iye akati, Mangwana. Akati, Zvichaitwa sezvamareva; kuti muzive kuti hakuna mumwe akafanana naJehovha, Mwari wedu.
11Matatya achabva kwamuri, nomudzimba dzenyu, nokuvaranda venyu, nokuvanhu venyu; achasara murwizi chete.
12Mozisi naAroni vakabuda muna Farao, Mozisi akadana kuna Jehovha nokuda kwamatatya aakanga atuma kuna Farao.
13Jehovha akaita sezvakanga zvarehwa naMozisi, matatya akafa mudzimba nomuzvivanze nokuruwa.
14Vakaaunganidza, vakaaita mirwi, nyika ikanhuwa.
15Zvino Farao akati achiona kuti zvava zviri nani, akaomesa moyo wake, akasavateerera; sezvakanga zvarehwa naJehovha.
16Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Iti kuna Aroni, Tambanudza tsvimbo yako, urove guruva rapasi, rishanduke utunga panyika
17Vakaita saizvozvo; Aroni akatambanudza ruoko rwake rwakabata tsvimbo yake, akarova guruva rapasi, utunga ukavapo pavanhu napazvipfuwo; guruva rose rapasi rikashanduka utunga panyika yose
18n'anga dzikaita saizvozvo nouroyi hwadzo kuti dzibudise utunga, asi hadzina kugona; utunga hwakanga huri pavanhu napazvipfuwo.
19Zvino n'anga dzakati kuna Farao, Mumwe waMwari; asi moyo waFarao wakaomeswa, akasavateerera, sezvakanga zvarehwa naJehovha.
20Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Fumira mangwanani, undomira pamberi paFarao; tarira, achabuda achienda kumvura, uti kwaari, Zvanzi naJehovha, tendera vanhu vangu kuenda vandinamate.
21nekuti kana ukaramba kutendera vanhu vangu, tarira ndichatuma bute renhunzi pamusoro pako, napamusoro pavaranda vako, napamusoro pavanhu vako, nomudzimba dzako; dzimba dzavaEgipita dzichazara namapute enhunzi, kunyange nevhu padzimire.
22Nomusi iwoyo ndichatsaura nyika yeGosheni pagere vanhu vangu, kuti ipapo mapute enhunzi arege kuvapo; kuti uzive kuti ndini Jehovha pakati penyika dzose.
23Ndichaparadzanisa vanhu vangu navanhu vako; chiratidzo ichi chichavapo mangwana.
24Zvino Jehovha akaita saizvozvo, mapute makuru-kuru enhunzi akapinda mumba maFarao, nomudzimba dzavaranda vake, nomunyika yose yeEgipita; nyika ikaodzwa namapute enhunzi.
25Zvino Farao akadana Mozisi naAroni, akati, Endai, mundobayira Mwari wenyu munyika ino.
26Mozisi akati, Hazvina kunaka kuita saizvozvo, nekuti tichabayira Jehovha, Mwari wedu, zvibayiro zvinonyangadza vaEgipita; tarirai, kana tikabayira zvinonyangadza vaEgipita havangatitaki namabwe here?
27Tichaenda rwendo rwamazuva matatu murenje, tigobayira Jehovha Mwari wedu sezvaanotiraira.
28Farao akati, Ndichakutenderai kuenda mundobayira Jehovha Mwari wenyu murenje, asi musaenda kure-kure. Ndinyengetererei.
29Mozisi akati, Tarirai, ndinobuda kwamuri, ndichandonyengetera kuna Jehovha kuti mapute enhunzi abve kuna Farao, nokuvaranda vake, nokuvanhu vake mangwana; asi Farao ngaarege kuzonyengerazve, achiramba kutendera vanhu kuenda kundobayira Jehovha.
30Ipapo Mozisi akabuda kuna Farao, akandonyengetera kuna Jehovha.
31Jehovha akaita sezvakakumbira Mozisi, akabvisa mapute enhunzi kuna Farao, nokuvaranda vake, nokuvanhu vake; haana kusara kunyange neimwe.
32Asi Farao akaomesa moyo wake nenguva iyowo, akasatendera vanhu kuenda.