1Jehovha akati kuna Mozisi, Tarira, ndakuita saMwari kuna Farao; Aroni, mukoma wako, achava muporofita wako.
2Taura zvose zvandinokuraira; Aroni, mukoma wako, achataura naFarao, kuti atendere vana vaIsiraeri, vabude munyika yake.
3Ini ndichaomesa moyo waFarao, ndichawanza zviratidzo zvangu nezvishamiso zvangu panyika yeEgipita.
4Asi Farao haangakuteerereyi; ipapo ndichaisa ruoko rwangu pamusoro ndikabudisa hondo dzangu, ivo vanhu vangu, vana vaIsiraeri, munyika yeEgipita nokutonga kukuru.
5VaEgipita vachaziva kuti ndini Jehovha, kana ndichitambanudza ruoko rwangu pamusoro ndichibvisa vana vaIsiraeri pakati pavo.
6Mozisi naAroni vakaita saizvozvo; sezvavakanga varairwa naJehovha, vakaita saizvozvo.
7Mozisi akanga ana makore makumi masere, naAroni makore makumi masere namatatu, panguva yavakataura naFarao.
8Zvino Jehovha akataura naMozisi naAroni, akati,
9Kana Farao achitaura nemi, akati, Tiratidzei chinoshamisa, uti kuna Aroni, Tora tsvimbo yako, uikandire pasi pamberi paFarao, ishanduke nyoka.
10Mozisi naAroni vakapinda kuna Farao, vakaita sezvavakarairwa naJehovha, Aroni akakandira tsvimbo pasi pamberi paFarao napamberi pavaranda vake, ikashanduka nyoka.
11Ipapo Farao akadanawo vakachenjera navaroyi; naivowo, idzo n'anga dzeEgipita, vakaita saizvozvo nouroyi hwavo.
12nekuti mumwe nomuwe akakandira pasi tsvimbo yake, dzikashanduka nyoka; asi tsvimbo yaAroni yakamedza tsvimbo dzavo.
13Zvino moyo waFarao ukawomeswa, akasavateerera; sezvakarehwa naJehovha.
14Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, moyo waFarao mukukutu, haadi kutendera vanhu kuenda.
15Enda kuna Farao mangwanani; tarira, achabuda achienda kumvura, iwe undomira pamahombekombe erwizi kuti usangane naye, wakabata muruoko rwako tsvimbo iya yakashanduka nyoka.
16Ugoti kwaari, Jehovha, Mwari wavaHebheru, akandituma kwauri, achiti, Tendera vanhu vangu kuenda vandinamate murenje; zvino tarira, kusvikira zvino hauna kunditeerera.
17Zvanzi naJehovha, Uchaziva kuti ndini Jehovha nechinhu ichi: Tarira ndicharova mvura iri murwizi netsvimbo iri muruoko rwangu, ikashanduka ropa.
18Hove dziri murwizi dzichafa, rwizi ruchanhuwa; vaEgipita vachanetswa nokutsvaka kumwa mvura yorwizi.
19Jehovha akatiwo kuna Mozisi, Uti kuna Aroni, Tora tsvimbo yako, utambanudzire ruoko rwako pamusoro pemvura yavaEgipita, pamusoro penzizi dzavo, napamusoro pehova dzavo, napamusoro pamadziva avo, napamusoro pamakungwa avo ose, zvishanduke ropa; rivepo panyika yose yeEgipita, mumidziyo yamatanda nemidziyo yamabwe.
20Mozisi naAroni vakaita sezvavakarairwa naJehovha, vakasimudza tsvimbo, vakarova mvura yakanga iri murwizi pamberi paFarao napamberi pavaranda vake, mvura yose yomurwizi ikashanduka ropa.
21Hove dzomurwizi dzikafa, rwizi rukanhuwa, vaEgipita vakasagona kumwa mvura yorwizi ropa rikavapo panyika yose yeEgipita.
22n'anga dzeEgipita dzikaitawo saizvozvo nouroyi hwadzo; asi moyo waFarao wakaomeswa, akasavateerera, sezvakanga zvarehwa naJehovha.
23Ipapo Farao akadzoka, akapinda mumba make; haana kurangarira nechinhu ichiwo.
24VaEgipita vose vakachera nhivi dzorwizi vachitsvaka mvura yokumwa; nekuti vakanga vasingagoni kumwa mvura yorwizi.
25Mazuva manomwe akapera kubva pakurohwa korwizi naJehovha.