1Jehovha akati kuna Mozisi, Zvino muchaona zvandichaitira Farao, nekuti achavatendera kuenda noruoko rune simba, uchavadzinga munyika yake noruoko rune simba.
2Mwari akataurawo naMozisi, akati kwaari, Ndini JEHOVHA.
3Ndakazviratidza kuna Abhurahamu, nokunaIsaka, nokunaJakove, ndiri Mwari Wamasimbaose, asi ndakanga ndisingazikamwi navo nezita rangu rinonzi JEHOVHA.
4Zvino ndakasimbisa sungano yangu navo kuti ndivape nyika yeKanani, nyika youtorwa hwavo, mavakanga vari vatorwa.
5Ndakanzwa kugomba kwavana vaIsiraeri vakasungwa navaEgipita pauranda, ndikarangarira sungano yangu.
6Naizvozvo muti kuvana vaIsiraeri, Ndini Jehovha, ini ndichakubudisai pamirimo yavaEgipita, ndichakusunungurai pauranda hwenyu, ndichakudzikunurai noruoko rwakatambanudzwa, uye nokutonga kukuru.
7Ndichakutorai imwi kuti muve vanhu vangu, ini ndichava Mwari wenyu, iye anokubudisai pamirimo yaEgipita.
8Ndichakuisai kunyika yandakasimudzira ruoko rwangu kuti ndiipe Abhurahamu, naIsaka, naJakove, ndichakupai iyo ive nhaka yenyu; ndini Jehovha.
9Mozisi akataura saizvozvo kuvana vaIsiraeri, asi havana kuteerera Mozisi nokuda kweshungu dzomweya nedzouranda hwakanga huchirema.
10Zvino Jehovha akataura naMozisi akati,
11Pinda, undotaura naFarao mambo weEgipita, kuti atendere vana vaIsiraeri kubuda munyika yake.
12Mozisi akataura pamberi paJehovha, akati, Tarirai, vana vaIsiraeri havana kunditeerera; zvino Farao anganditeerera seiko, ini munhu ane miromo isina kudzingiswa?
13Ipapo Jehovha akataura naMozisi naAroni, akavatuma neshoko kuvana vaIsiraeri nokuna Farao, mambo weEgipita, kuti vabudise vana vaIsiraeri munyika yeEgipita.
14Ndiyo misoro yedzimba dzamadzibaba avo: Vanakomana vaRubheni, dangwe raIsiraeri, vaiva Hanoki, naParu, naHezironi, naKarimi; ndivo vedzimba dzaRubheni.
15Vanakomana vaSimioni vaiva Jemueri, naJamini, naOhadhi, naJakini, naZohari, naShauri, mwanakomana womukadzi muKanani; ndivo vedzimba dzaSimioni.
16Ndiwo mazita avanakomana vaRevhi namarudzi avo: Gerishoni, naKohati, naMerari; makore oupenyu hwaRevhi aiva makore ane zana namakumi matanhatu namanomwe.
17Vanakomana vaGerishoni vaiva Ribhini, naShimei, namarudzi avo.
18Vanakomana vaKohati vaiva Amurami, nalzhari, .naHebhuroni, naUzieri; makore oupenyu hwaKohati aiva makore ane zana namakumi matatu namatatu.
19Vanakomana vaMerari vaiva Makiri, naMushi. Ndivo vedzimba dzavaRevhi pamarudzi avo.
20Amurami akawana Jokebhedhi, hanzvadzi yababa vake, iye akamuberekera Aroni naMozisi; makore oupenyu hwaAmurami aiva makore ane zana namakumi matatu namanomwe.
21Vanakomana vaIzhari vaiva Kora naNefegi, naZikiri.
22Vanakomana vaUzieri vaiva Mishaeri, naErizafani, naSitiri.
23Aroni akawana Erishebha, mukunda waAminadhabhu, hanzvadzi yaNashoni, iye akamuberekera Nadhabhi naAbhihu, naEreazari, naItamari.
24Vanakomana vaKora vaiva Asiri, naErikana, naAbhiasafi; ndivo vedzimba dzavaKora.
25Ereazari, mwanakomana waAroni, akawana mumwe wavakunda vaPutieri, iye akamuberekera Pinehasi. Ndiyo misoro yedzimba dzamadzibaba avaRevhi nemhuri dzavo.
26Ndivo vaya vanaAroni naMozisi vakanzi naJehovha, Budisai vana vaIsiraeri munyika yeEgipita nehondo dzavo.
27Ndivo vakataura naFarao, mambo weEgipita, kuti vabudise vana vaIsiraeri muEgipita; ndivo vaya vanaMozisi naAroni.
28Nomusi iwoyo Jehovha akataura naMozisi munyika yeEgipita,
29Jehovha akataura naMozisi, akati, Ndini Jehovha; udza Farao, mambo weEgipita, zvinhuzvose zvandakakuudza.
30Ipapo Mozisi akati pamberi paJehovha, Tarirai, ndiri munhu ane miromo isina kudzingiswa, zvino Farao achanditeerera seiko?