1Shure kwaizvozvo Mozisi naAroni vakaenda, vakati kuna Farao, Zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, Tendera vanhu vangu kuenda, kuti vandiitire mutambo murenje.
2Farao akati, Jehovha ndiye aniko, kuti nditeerere inzwi rake, kuti nditendere vaIsiraeri kuenda? Handimuzivi iye Jehovha, neni handingatenderi vaIsiraeri kuenda.
3Vakati, Mwari wavaHebheru akasangana nesu; dotitenderai kuenda rwendo rwamazuva matatu murenje, tindobayira Jehovha Mwari wedu; kuti arege kutirova nedenda kana nomunondo.
4Ipapo mambo weEgipita akati kwavari, imwi Mozisi naAroni, munotsausireiko vanhu pamabasa avo? Endai kumirimo yenyu.
5Farao akati, Tarirai, vanhu venyika ino vatova vazhinji, zvino imwi moda kuvazorodza pamirimo yavo.
6Nomusi iwoyo Farao akaraira varairi vamabasa avanhu, navatariri vavo, akati,
7Musaramba muchipa vanhu uswa hwokuita zvitina nahwo, sezvamakaita kusvikira zvino; ngavaende vandozviunganidzira uswa vega.
8Asi zvitina zvavakaita kusvikira zvino, muvatarire izvozvo; musazvitapudza, nekuti havana chavanobata, saka vanodana, vachiti, Titenderei tindobayira Mwari wedu.
9Varume ngavawedzerwe basa rinorema, varemerwa naro; kuti varege kurangarira mashoko enhema.
10Ipapo varairi vamabasa avanhu navatariri vavo vakabuda, vakataura navanhu, vakati, Zvanzi naFarao, Handichakupiyi uswa.
11Endai mega mundozvitorera uswa pamungauwana, nekuti basa renyu haritapudzwi.
12Zvino vanhu vakapararira kunyika yose yeEgipita kuzounganidza mashanga panzvimbo youswa.
13Varairi vamabasa vakavakurudzira, vachiti, Pedzai basa renyu, mabasa amaifanira kuita mazuva ose muchino uswa.
14Navatariri vavana vaIsiraeri, vakanga vaiswa pamusoro pavo navarairi vaFarao, vaisirohwa, zvichinzi makaregerei kupedza basa renyu razuro neranhasi muchiita zvitina sezvamakaita kusvikira zvino?
15Zvino vatariri vavana valsiraeri vakauya vachichema kuna Farao, vachiti, Munoitireiko kudaro navaranda venyu?
16Varanda venyu havapiwi uswa, asi vanoti kwatiri, Itai zvitina; tarirai varanda venyu vanorohwa, asi mhaka iri kuvanhu venyu.
17Asi iye akati, Hamuna chamunobata, hamuna chamunobata, saka munoti, Titenderei kundobayira Jehovha.
18Naizvozvo endai zvino, mubate, nekuti hamuchapiwi uswa, asi munofanira kupedza zvitina zvakatarwa.
19Zvino vatariri vavana valsiraeri vakaona kuti vari panjodzi, zvazvakanzi, Hamungatapudzi pazvitina zvenyu, zvamunofanira kuita mazuva ose.
20Vakasangana naMozisi naAroni, vakanga vamire panzira pakubuda kwavo pamberi paFarao;
21vakati kwavari, Jehovha ngaakutarirei akutongei, nekuti matinyadzisa pamberi paFarao navaranda vake, mukaisa munondo muruoko rwavo wokutiuraya nawo.
22Ipapo Mozisi akadzokera kuna Jehovha, akati, Ishe, maitireiko vanhu ava zvakaipa? Manditumireiko?
23Nekuti kubva panguva yandakaenda nayo kuna Farao kundotaura nezita renyu, iye akaitira vanhu ava zvakaipa; hamuna kutongorwira vanhu venyu.