Shona

Swahili: New Testament

Exodus

4

1Zvino Mozisi akapindura akati, Asi tarirai, havanganditendi, kana kuteerera inzwi rangu, nekuti vachati, Jehovha haana kuzviratidza kwauri.
2Jehovha akati kwaari, Chiiko icho chiri muruoko rwako? Akati, Itsvimbo.
3Akati, Ikandire pasi. Akaikandira pasi, ikashanduka kuva nyoka, Mozisi akaitiza.
4Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Tambanudza ruoko rwako, uibate parumhinda; (iye akatambanudza ruoko rwake, akaibata, ikashanduka kuva tsvimbo muruoko rwake);
5kuti vatende kuti ndini Jehovha, Mwari wamadzibaba avo, Mwari waAbhurahamu, naMwari waIsaka, naMwari waJakove, akazviratidza kwauri.
6Jehovha akatiwo kwaari, Isa ruoko rwako muchipfuva chako. Akaisa ruoko rwake muchipfuva chake; zvino akati achirubvisa, onei ruoko rwake rwava namaperembudzi rwati mbembe sechando.
7Akati, Isa ruoko rwako muchipfuva chakozve. (Iye akaisa ruoko rwake muchipfuva chakezve; zvino akati achirubvisa muchipfuva chake, onei rwashandukazve senyama yake.)
8Zvino kana vachiramba kukutenda, kana kuteerera inzwi rechiratidzo chokutanga, vachatenda inzwi rechiratidzo chechipiri.
9Zvino kana vachiramba kutenda zviratidzo izvo zviviri, kana kutenda inzwi rako, uchere mvura yomurwizi, uidururire pakaoma, ipapo mvura yawachera ichashanduka ropa ipapo pakaoma.
10Zvino Mozisi akati kuna Jehovha, Haiwa, Jehovha, handizi munhu anogona kutaura zvakanaka, kunyange zuro, kana zuro riya, kana kubva panguva yamakataura nomuranda wenyu; nekuti ndiri munhu anomuromo usingagoni norurimi rusingagoni.
11Jehovha akati kwaari, Ndianiko akaita muromo womunhu, ndianiko anoita mbeveve kana matsi, kana anoona, kana bofu? Ko handizi Jehovha here?
12Naizvozvo zvino chienda, ini ndichava muromo wako, ndikudzidzise zvaunofanira kutaura.
13Iye akati, Haiwa, Ishe, tumai henyu wamunoda kutuma naye.
14Zvino kutsamwa kwaJehovha kwakamukira Mozisi, akati, Ko Aroni, mukoma wako, muRevhi, haapo here? Ndinoziva kuti iye anogona kutaura kwazvo. Zvino tarira, wotobuda kusangana newe; kana achikuona achafara mumoyo make.
15Utaure naye, ugoisa mashoko mumuromo make; ini ndichava nomuromo wako, uye nomuromo wake, ndikudzidzisei zvamunofanira kuita.
16Iye achataura navanhu panzvimbo yako, agova muromo wako, iwe uchava saMwari kwaari.
17Zvino tora tsvimbo iyi muruoko rwako, ugoita zviratidzo nayo.
18Zvino Mozisi akaenda, akadzokera kuna Jeturo, mukarabwe wake, akati kwaari, Donditenderai henyu kuenda, ndidzokere kuhama dzangu Egipita, ndindoona kana vachiri vapenyu. Jeturo akati kuna Mozisi, Enda hako norugare.
19Zvino Jehovha akati kuna Mozisi paMidhiani, Enda, udzokere Egipita, nekuti vanhu vose vaitsvaka kukuuraya vakafa.
20Ipapo Mozisi akatora mukadzi wake nevana vake vavakomana, akavatasvisa pdhongi, akadzokera kunyika yeEgipita; Mozisi akatora tsvimbo yaMwari muruoko rwake.
21Jehovha akati kuna Mozisi, Kana wodzokera Egipita, chenjera kuti uite pamberi paFarao zvishamiso zvose zvandaisa muruoko rwako; asi ndichaomesa moyo wake, kuti arege kutendera vanhu kuenda.
22Zvino undoti kuna Farao, Zvanzi naJehovha, Isiraeri, mwanakomana wangu, idangwe rangu;
23ndakati kwauri, Tendera mwanakomana wangu kuenda andinamate; iwe ukaramba kumutendera; zvino tarira ndichauraya mwanakomana wako wedangwe.
24Zvino vachiri panzira, pavakanga vavata, Jehovha akasangana naye, akatsvaka kumuuraya.
25Ipapo Zipora akatora ibwe rinopinza, akacheka rukanda rwapamberi rwomwanakomana wake, akarukanda patsoka dzake akati, Zvirokwazvo, uri chikomba cheropa kwandiri.
26Naizvozvo akamurega. Ipapo akati, Uri chikomba cheropa nokuda kokudzingiswa.
27Zvino Jehovha akati kuna Aroni, Enda kurenje undosangana naMozisi. Iye akaenda, akandosangana naye pagomo raMwari, akamutsvoda.
28Ipapo Mozisi akaudza Aroni mashoko ose aJehovha, aakanga amutuma nawo, nezviratidzo zvose zvaakanga amuraira.
29Mozisi naAroni vakaenda, vakaunganidza vakuru vose vavana valsiraeri.
30Aroni akataura mashoko ose akataurwa naJehovha kuna Mozisi, akaita zviratidzo pamberi pameso avanhu.
31Vanhu vakatenda; zvino vakati vanzwa kuti Jehovha washanyira vana vaIsiraeri, akaona kunetswa kwavo, vakakotamisa misoro yavo, vakanamata Jehovha.