Shona

Swahili: New Testament

Exodus

3

1Zvino Mozisi akanga achifudza makwai aJeturo, mukarahwa wake, mupristi weMidhiani; akaisa makwai mberi murenje, akasvika kugomo raMwari rinonzi Horebhi.
2Ipapo mutumwa waJehovha akazviratidza kwaari mumurazvo womoto pakati pegwenzi; akatarira, akaona gwenzi richipfuta nomoto, asi rakanga risingatsvi.
3Mozisi akati, Regai, nditsaukire ndione chishamiso icho chikuru, kuti gwenzi haritsvi neiko.
4Zvino Jehovha akati achiona kuti wotsaukira kuti aone, Mwari akadana ari mukati megwenzi, akati, Mozisi, Mozisi! Iye akati, Ndiri pano hangu.
5Akati, Usaswedera pano; bvisa shangu dzako patsoka dzako, nekuti paumire patsvene.
6Akatiwo, Ndini Mwari wababa vako, naMwari waAbhurahamu, naMwari waIsaka, naMwari waJakove. Mozisi akavanza chiso chake, nekuti akatya kutarira Mwari.
7Zvino Mwari akati, Zvirokwazvo, ndakaona kunetswa kwavanhu vangu vari muEgipita ndikanzwa kudanidzira kwavo nokuda kwavatariri vavo vamabasa; nekuti ndinoziva kuchema kwavo;
8ndaburuka kuti ndivarwire mumaoko avaEgipita nokuvabudisa munyika iyoyo, ndindovaisa kunyika yakanaka huru, kunyika inoyerera mukaka nouchi; uko kunogara vaKanani, navaHeti, navaAmori, navaPerezi, navaHivhi, navaJebhusi.
9Zvino tarira, kuchema kwavana vaIsiraeri kwasvika kwandiri, ndaona kutambudzwa kwavanotambudzwa nako navaEgipita.
10Naizvozvo zvino uya ndikutume kuna Farao, kuti undobudisa vanhu vangu, vana vaIsiraeri muEgipita.
11Zvino Mozisi akati kuna Mwari, Ini ndini aniko, kuti ndiende kuna Farao, ndibudise vana vaIsiraeri muEgipita here?
12Akati, Zvirokwazvo ndichava newe; hechi chiratidzo chokuti ndakutuma: Kana mabudisa vanhu vangu muEgipita, muchanamata Mwari pagomo rino.
13Ipapo Mozisi kuna Mwari, Tarirai, kana ndikasvika kuvana vaIsiraeri, ndikati kwavari, Mwari wamadzibaba enyu akandituma kwamuri, ivo vakati kwandiri, Ko zita rake ndiani? Ndichatiyi kwavari?
14Mwari akati kuna Mozisi, NDICHAVA IYE WANDICHAVA. Akati, Unoti kuvana vaIsiraeri, NDICHAVA ndiye akandituma kwamuri.
15Mwari akatiwo kuna Mozisi, Unoti kuvana vaIsiraeri, Jehovha, Mwari waAbhurahamu, naMwari walsaka, naMwari waJakove, akandituma kwamuri; ndiro zita rangu nokusingaperi, ndiro zita ravachandirangarira naro kusvikira kumarudzi ose.
16Enda, undounganidza vakuru vaIsiraeri, uti kwavari, Jehovha, Mwari wamadzibaba enyu, Mwari waAbhurahamu, nowaIsaka, nowaJakove, akazviratidza kwandiri, akati, Ndakakushanyirai zvirokwazvo, ndikaona izvo zvamakaitirwa Egipita;
17ndikati, Ndichakubudisai pakunetswa kwenyu paEgipita, ndimuise kunyika yavaKanani, neyavaHeti, neyavaAmori, neyavaPerezi, neyavaHivhi, neyavaJebhusi, kunyika inoyerera mukaka nouchi.
18Vachateerera inzwi rako; uende, iwe navakuru vaIsiraeri, kuna mambo weEgipita, muti kwaari, Jehovha, Mwari wavaHebheru, akasangana nesu; zvino titendere kuenda rwendo rwamazuva matatu murenje, tindobayira Jehovha, Mwari wedu.
19Ndinoziva kuti mambo weEgipita haangakutendereyi kuenda, kwete, kunyange noruoko rune simba.
20Ndichatambanudza ruoko rwangu, ndirove Egipita nezvishamiso zvangu zvose, zvandichaitamo; pashure achakutenderai kuenda.
21Ndichapa vanhu ava nyasha pamberi pavaEgipita, kuti kana muchizoenda, murege kuenda musina chinhu.
22Asi mukadzi mumwe nomumwe anofanira kukumbira kune waanogara naye, nokumutorwa anogara mumba make, zvishongo zvesirivha nozvendarama, nenguvo, kuti mufukidze vanakomana venyu navanasikana venyu; munofanira kutorera vaEgipita nhumbi dzavo.