Shona

Swahili: New Testament

Exodus

2

1Zvino mumwe murume weimba yavaRevhi akawana mukunda wavaRevhi.
2Mukadzi akava nemimba, akabereka mwanakomana; zvino akati achiona kuti mwana akanaka, akamuvanza mwedzi mitatu.
3Akati asisagoni kumuvanza, akamutorera tswanda yenhokwe, akainamira nebhitumini nenamo, akaisa mwana mukati mayo, akaigadzika pakati petsanga pamahombekombe erwizi.
4Hanzvadzi yake ikandomira kure zvishoma, kuti azive zvichaitwa naye.
5Zvino mukunda waFarao akaburuka kundoshamba murwizi, vasikana vake vakafamba-famba pamahombekombe erwizi; iye akaona tswanda pakati petsanga, ndokutuma musikana wake kundoitora.
6Akaizarura, akona mwana, mwana wechikomana, onei anochema. Akamunzwira tsitsi, akati, Ndomumwe wavana vavaHebheru.
7Ipapo hanzvadzi yake yakati kumukunda waFarao, Ko handingaendi ndikakudanirai mumwisi kuvakadzi vavaHebheru, kuti akumwisirei mwana here?
8Mukunda waFarao akati kwaari, Enda. Musikana akaenda, akandodana mai vomwana.
9Mukunda waFarao akati kwavari, Tora mwana uyu, undimwisire ndigokupa mubairo wako. Mukadzi akatora mwana, akandomuyamwisa.
10Mwana akakura, akandomuisa kumukunda waFarao, akava mwanakomana wake, akamutumidza zita rinonzi Mozisi, akati, Nokuti, ndamunyukura mumvura.
11Zvino namazuva iwayo Mozisi akura, akaenda kundoona hama dzake, akandotarira mirimo yavo; akaona muEgipita achirova muHebheru, mumwe wehama dzake.
12Akaringa-ringa, zvino achiona kuti hapana munhu aripo, akauraya muEgipita, akamuviga mujecha.
13Akabudazve nezuva rechipiri, akaona varume vaviri vaHebheru vachirwa; akati kuna iye waiva nemhosva, Unorovereiko munhu wokwako?
14Iye akati, Ndianiko akakuita ishe nomutongi wedu? Unoda kundiuraya ini sezvawakauraya uya muEgipita kanhi? Mozisi akatya, akati, Zvirokwazvo, chinhu ichi chazikamwa.
15Zvino Farao akati anzwa chinhu icho, akatsvaka kuuraya Mozisi. Asi Mozisi akatiza pamberi paFarao, akandogara kunyika yeMidhiani, akagara pasi patsime.
16Zvino mupristi weMidhiani akanga ana vakunda vanomwe; ivo vakauya kuzochera mvura, vakazadza zvimwiro, kuti vamwise makwai ababa vavo.
17Vafudzi vakauya, vakavadzingapo, asi Mozisi akasimuka, akavabatsira, akamwisa makwai avo.
18Zvino vakati vachisvika kuna Rueri, baba vavo, ivo vakati, Makurumidza kudzoka seiko nhasi?
19Vakati, MuEgipita akatirwira pamaoko avafudzi, akaticherera mvura, akamwisa makwai.
20Akati kuvakunda vake, Zvino aripiko? Munhu uyu mamusiirei? Mudanei, adye zvokudya.
21Mozisi akatenda kugara nomunhu uyo; akapa Mozisi mukunda wake Zipora.
22Akabereka mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Geshomi, nekuti akati, Ndakanga ndiri mutorwa munyika yavamwe.
23Zvino mazuva mazhinji akati apfuura, mambo weEgipita akafa, vana vaIsiraeri vakagomera nokuda kouranda hwavo, vakadanidzira, kudanidzira kwavo kukasvika kuna Mwari nokuda kouranda.
24Mwari akanzwa kugomba kwavo, Mwari akarangarira sungano yake naAbhurahamu, naIsaka, naJakove.
25Mwari akaona vana vaIsiraeri, Mwari akavarangarira.